RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 41 p. 102-p. 103 ndim. 5
  • Jesu Anoita Zvishamiso Nesimba Raani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu Anoita Zvishamiso Nesimba Raani?
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Anoratidza Kuti Chii Chinoita Kuti Munhu Afare
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 41—Marko
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Anoita Zvishamiso, Asi Vanhu Havamugamuchiri Kunyange muNazareta
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Hapana Mumwe Munhu Akambotaura Zvakafanana Neizvi”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 41 p. 102-p. 103 ndim. 5
Mhomho yevanhu inoungana pamba pari kugarwa naJesu

CHITSAUKO 41

Jesu Anoita Zvishamiso Nesimba Raani?

MATEU 12:22-32 MAKO 3:19-30 RUKA 8:1-3

  • JESU ANOTANGA RWENDO RWAKE RWECHIPIRI RWEKUPARIDZA

  • ANODZINGA MADHIMONI UYE ANOTAURA KUTI KUNE CHIVI CHISINGAZOKANGANWIRWI

Achangopedza kutaura nezvekuregererwa kwezvivi pamba pemuFarisi anonzi Simoni, Jesu anotangazve kutenderera achiparidza muGarireya. Rava gore rake rechipiri achiparidza, uye ari kufamba nevadzidzi vake 12 nevamwe vakadzi vaakaporesa “pamidzimu yakaipa uye pazvirwere.” (Ruka 8:2) Vamwe vacho ndiMariya Magadharini, Suzana, naJoana uyo ane murume anoshanda mumuzinda waMambo Herodhi Andipasi.

Vanhu vakawanda pavari kunzwa nezvaJesu, nharo dziri kuitwa pamusoro pake dziri kuwedzerawo. Izvi zvinoonekwa paanoporesa mumwe murume anounzwa kwaari akagarwa nedhimoni ari bofu uye asingagoni kutaura. Iye zvino ava kukwanisa kuona nekutaura uye haasisina kugarwa nedhimoni. Vanhu vari kushamiswa nazvo zvekuti vari kungotaurirana vachiti: “Kuti uyu haangavi iye Mwanakomana waDhavhidhi here?”—Mateu 12:23.

Vanhu vauya pamba pari kugara Jesu vakawandisa zvekuti iye nevadzidzi vake havana kana mukana wekudya. Asi havasi vese vanofunga kuti Jesu ndiye “mwanakomana waDhavhidhi” akavimbiswa kuti aizouya. Vamwe vanyori nevaFarisi vatobva kuJerusarema chaiko asi kwete kuzonzwa nezvake kana kuti kuzomutsigira pabasa rake. Vari kuudza vanhu kuti “Iye anaBherizebhubhu, uye anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.” (Mako 3:22) Hama dzaJesu padzinonzwa nezvezviri kuitika izvi, dzinouya kuzomubata. Nechinangwa chei?

Vanun’una vaJesu havasati vava kubvuma kuti iye Mwanakomana waMwari. (Johani 7:5) Jesu wavari kunzwa kuti ari kukonzera zhowe zhowe asiyana naJesu wavaiziva pavaikura vose kuNazareta. Vanobva vafunga kuti pfungwa dzake hadzichatore zvakanaka, voti: “Ava kupenga.”—Mako 3:21.

Asi zvaari kuita zvinoratidza kuti anopenga here? Jesu achangobva kuporesa munhu anga akagarwa nedhimoni, uyo ava kukwanisa kuona nekutaura. Hapana munhu angambozviramba. Saka vanyori nevaFarisi vanoedza kumupa mhosva kuti vanhu vasaona zvakanaka zvaanoita. Vanoti: “Munhu uyu hapana chimwe chaanoshandisa kudzinga madhimoni kunze kwaBherizebhubhu, mutongi wemadhimoni.”—Mateu 12:24.

Jesu anoedza kutaura nevanyori nevaFarisi; vamwe vari kupfuura nepo vanotarisa zviri kuitika

Jesu anoziva zviri kufungwa nevanyori nevaFarisi, saka anoti: “Umambo hwose hwakapesana hunoparara, uye guta rose kana imba yakapesana haizomiri. Saizvozvowo, kana Satani achidzinga Satani, iye apesana pachake; saka, umambo hwake huchamira sei?”—Mateu 12:25, 26.

Apa ataura zvavasingakwanisi kuramba! VaFarisi vanoziva kuti pane vamwe vaJudha vanoita zvekudzinga madhimoni. (Mabasa 19:13) Saka Jesu anobvunza kuti: “Kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa Bherizebhubhu, vanakomana venyu vanoadzinga vachishandisa ani?” Saka ari kureva kuti naivowo vari kudzinga madhimoni naBherizebhubhu. Jesu anozowedzera kubudisa pfungwa yacho achiti: “Asi kana ndichidzinga madhimoni ndichishandisa mudzimu waMwari, chokwadi umambo hwaMwari hwasvika kwamuri.”—Mateu 12:27, 28.

Jesu anopa muenzaniso achiratidza kuti kudzinga kwaari kuita madhimoni kunoratidza kuti ane simba pana Satani achiti: “Munhu anogona sei kupinda nechisimba muimba yomunhu akasimba otora nechisimba zvinhu zvake zvinotakurika, kana akasatanga asunga munhu wacho akasimba? Uye achabva apamba imba yake. Iye asiri kurutivi rwangu anorwisana neni, uye asingaunganidzi neni anoparadzira.” (Mateu 12:29, 30) Zvechokwadi vanyori nevaFarisi vari kurwisana naJesu, vachipa uchapupu hwekuti vari kushandiswa naSatani. Vari kuparadzira vanhu vachiita kuti vasauye kuMwanakomana waMwari, uyo ari kushanda achitungamirirwa naJehovha.

Jesu anonyevera vanhu ivavo vari kumupikisa vachishandiswa naSatani achiti: “Zvinhu zvose zvichakanganwirwa vanakomana vevanhu, pasinei nokuti zvivi zvavakapara zvakaita sei uye kuti kumhura kwavakaita kwakaita sei. Zvisinei, munhu wose anomhura mudzimu mutsvene haakanganwirwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.” (Mako 3:28, 29) Saka vanhu vari kuti zvinhu zviri kuonekwa pachena kuti zviri kuitwa nemudzimu waMwari, ivo voti zviri kuitwa naSatani, vari kuzviparira zvechokwadi!

  • Ndivanaani vari kufamba naJesu parwendo rwake rwechipiri muGarireya?

  • Chii chinoita kuti hama dzaJesu dziedze kumubata?

  • Vanyori nevaFarisi vanoedza sei kushora zvishamiso zviri kuitwa naJesu, uye Jesu anovapindura sei?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe