RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 49 p. 122-p. 123 ndim. 3
  • Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • “Mashoko Akanaka Anofanira Kutanga Kuparidzirwa”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Ivai Vashandi Vanokohwa Vachifara!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Kudzidziswa Kuti Vazoparidza Pasinei Nekutambudzwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anotuma Vadzidzi 70 Kuti Vanoparidza
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 49 p. 122-p. 123 ndim. 3
Jesu anotuma vaapostora vake vari vaviri vaviri kuti vanoparidza

CHITSAUKO 49

Kuparidza muGarireya Uye Kudzidzisa Vaapostora Kuparidza

MATEU 9:35–10:15 MAKO 6:6-11 RUKA 9:1-5

  • JESU ANOTENDERERAZVE MUGARIREYA

  • ANOTUMA VAAPOSTORA KUTI VANOPARIDZA

Jesu ava nemakore anenge maviri achiparidza zvekuparidza zviya. Saka yava nguva yekuti achimbozorora here? Kwete. Panzvimbo paizvozvo, Jesu anotowedzera basa rake rekuparidza nekushanyira “maguta ose nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nokuparidza mashoko akanaka oumambo achirapa hosha dzemarudzi ose noundonda hwemarudzi ose.” (Mateu 9:35) Zvaanoona zvinomuratidza kuti basa rekuparidza rinotofanira kuwedzera. Asi achazvikwanisa sei?

Paanofamba, Jesu anoona vanhu vanoda kubatsirwa kuziva Mwari uye kunyaradzwa. Vakaita semakwai asina mufudzi ari kubatwa zvisina kunaka. Anovanzwira tsitsi oudza vadzidzi vake kuti: “Chokwadi, kukohwa kukuru, asi vashandi vashoma. Naizvozvo, kumbirai Tenzi wokukohwa kuti atumire vashandi mukukohwa kwake.”—Mateu 9:37, 38.

Vadzidzi vaJesu vanodzidzisa nezveshoko roUmambo paimba neimba

Jesu anoziva kuti vanhu ava vangabatsirwa sei. Anodana vaapostora vake 12 ovaronga vaviri vaviri, vova mapoka matanhatu evaparidzi. Anobva avapa mirayiridzo yakajeka achiti: “Musapinda mumugwagwa wemamwe marudzi, uye musapinda muguta revaSamariya; asi, panzvimbo paizvozvo, rambai muchienda kumakwai akarasika eimba yaIsraeri. Pamunenge muchienda, paridzai, muchiti, ‘Umambo hwokumatenga hwaswedera pedyo.’”—Mateu 10:5-7.

Umambo hwavanofanira kuparidza nezvahwo ndehuya hwakataurwa naJesu paaidzidzisa vateveri vake kunyengetera. ‘Umambo hwaswedera pedyo’ pakuti Jesu Kristu, uyo akasarudzwa naMwari kuti azova Mambo, avapo. Asi chii chichabatsira kuti vadzidzi vaonekwe kuti zvechokwadi vamiririri veUmambo? Jesu anovapa simba rekuporesa vanorwara uye kunyange kumutsa vakafa, zvose izvi vachizviita vasingabhadharisi. Saka vaapostora vachawana kupi mari yekushandisa pazvinhu zvakadai sezvokudya?

Jesu anoudza vadzidzi vake kuti vasave nechavanotakura pakufamba kwavachaita vachiparidza. Havafaniri kutakura ndarama, sirivha kana mhangura muzvikwama zvavo. Havafaniri kutakura kunyange mbuva kana mbatya neshangu zvekuchinja. Nechikonzero chei? Jesu anovavimbisa kuti: “Mushandi akakodzera kuwana zvokudya zvake.” (Mateu 10:10) Vanhu vavachawana vanofarira mashoko avari kufamba nawo vachavabatsira nezvinhu zvavanenge vachida. Jesu anoti: “Kwose kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabuda munzvimbo iyoyo.”—Mako 6:10.

Jesu anoudzawo vadzidzi vake mirayiridzo yekuti vangatanga sei kutaura nevavanoparidzira shoko roUmambo achiti: “Pamunenge muchipinda mumba, kwazisai imba yacho; uye kana imba yacho yakakodzera, rugare rwamunoishuvira ngaruuye pairi; asi kana isina kukodzera, rugare runobva kwamuri ngarudzokere kwamuri. Kwose kusina munhu anokupinzai mukati kana kuteerera mashoko enyu, pamunobuda muimba iyoyo kana muguta iroro, zunzai guruva riri patsoka dzenyu.”—Mateu 10:12-14.

Zvingatogona kuitika kuti guta rose rinoramba kutambira shoko ravo. Chii chichaitika kuguta rakadaro? Jesu anoratidza kuti rinozosangana nemutongo wakakura zvikuru. Anotsanangura kuti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, Nyika yeSodhoma neGomora ichagona kutsungirira kwazvo paZuva Rokutongwa kupfuura guta iroro.”—Mateu 10:15.

  • Jesu anotangazve kutenderera muGarireya riini, uye anoonei nezvevanhu vemunzvimbo iyi?

  • Jesu anotuma sei vaapostora vake 12, uye anovapa mirayiridzo yokutii?

  • Nei zvinganzi ‘Umambo hwaswedera pedyo’?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe