RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 54 p. 132-p. 133 ndim. 1
  • Jesu “Chingwa Choupenyu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jesu “Chingwa Choupenyu”
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu—“Chingwa Chechokwadi Chakaburuka Kudenga”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1987
  • Wakamboravira Chingwa Choupenyu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
  • Unofanira Kuitei Kuti Urarame Nekusingaperi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
  • Chishamiso Chekupa Vanhu Chingwa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2024
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 54 p. 132-p. 133 ndim. 1
Varume vari kunhonga mana; vakadzi vari kuikuya, voigadzira kuita chingwa cheraundi, voibika

CHITSAUKO 54

Jesu “Chingwa Choupenyu”

JOHANI 6:25-48

  • JESU NDIYE “CHINGWA CHAKABURUKA CHICHIBVA KUDENGA”

Kumhiri kweGungwa reGarireya nechekumabvazuva, Jesu akaita chishamiso chokupa zviuru zvevanhu zvokudya ndokuzotiza pavakanga vava kuda kumuita mambo. Usiku ihwohwo akafamba pamusoro pegungwa raiva nedutu ndokuzonunura Petro uyo akamboti fambeiwo pamusoro pemvura ndokuzotanga kunyura kutenda kwake pakwakazununguka. Jesu akanyaradzawo mhepo, zvichida zvikatoita kuti chikepe chevadzidzi vake chisaparara.

Iye zvino Jesu adzoka kurutivi rwekumavirira rwegungwa racho, munharaunda yeKapenaume. Vaya vaakapa zvokudya vanomuwana, vomubvunza kuti: “Masvika kuno rini?” Jesu anovatsiura achivaudza kuti vari kumutsvagira kuti avape zvokudya zvakare. Anovakurudzira kuti vasashandire “zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinoramba zviripo nokuda kwoupenyu husingaperi.” Saka vanomubvunza kuti: “Tichaitei kuti tiite mabasa aMwari?”—Johani 6:25-28.

Vangave vari kufunga nezvemabasa anotaurwa muMutemo, asi Jesu ari kutaura nezverimwe basa rinokosha kupfuura mamwe ose paanoti: “Iri ndiro basa raMwari, kuti mutende muna Iye waakatuma.” Asi vanhu havatendi muna Jesu, pasinei nezvose zvaaita. Vari kuda kuti avaitire chiratidzo kuti vazomutenda. Vanomubvunza kuti: “Ibasa rei rauri kuita? Madzitateguru edu akadya mana murenje, sokunyorwa kwazvakaitwa kuti, ‘Akavapa chingwa chakabva kudenga kuti vadye.’”—Johani 6:29-31; Pisarema 78:24.

Achivapindura nezvechiratidzo chavari kukumbira, Jesu anovaratidza kuti zvokudya zvinopiwa nenzira yechishamiso zvinenge zvichinyatsobva kunaani achiti: “Ndinoti kwamuri, Mosesi haana kukupai chingwa chakabva kudenga, asi Baba vangu vanokupai chingwa chechokwadi chinobva kudenga. Nokuti chingwa chaMwari ndiye uya anoburuka achibva kudenga opa upenyu kunyika.” Nemhaka yokusanzwisisa zvaari kutaura, vanomukumbira kuti: “Ishe, garai muchitipa chingwa ichi.” (Johani 6:32-34) Asi Jesu ari kutaura ‘nezvechingwa’ chipi?

Anovatsanangurira kuti: “Ndini chingwa choupenyu. Anouya kwandiri haazombovi nenzara, uye anotenda mandiri haazombovi nenyota. Asi ndakati kwamuri, makatondiona asi hamutendi. . . . Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma. Izvi ndizvo zvinodiwa naiye akandituma, kuti ndirege kurasikirwa nechinhu pazvose zvaakandipa asi kuti ndinofanira kuchimutsa pazuva rokupedzisira. Nokuti izvi ndizvo zvinodiwa naBaba vangu, kuti munhu wose anoona Mwanakomana otenda maari ave noupenyu husingaperi.”—Johani 6:35-40.

Mashoko ake anoshatirisa vanhu, zvokuti vaJudha vanotanga kunyunyuta nezvake. Angataure sei kuti iye “chingwa chakaburuka chichibva kudenga”? (Johani 6:41) Ivo vanongomuziva semwanakomana ane vabereki vanobva muguta reNazareta riri muGarireya. Vanhu vanobvunza kuti: “Uyu haasi Jesu here mwanakomana waJosefa, anababa naamai vatinoziva?”—Johani 6:42.

Jesu anovapindura kuti: “Regai kugunun’una pakati penyu. Hapana munhu angauya kwandiri kana Baba, vakandituma, vakasaita kuti auye; uye ini ndichamumutsa pazuva rokupedzisira. Mune Zvakanyorwa nevaprofita makanzi, ‘Vose vachadzidziswa naJehovha.’ Munhu wose anenge anzwa kuna Baba akadzidza anouya kwandiri. Hakusi kuti pane munhu akaona Baba, kunze kwouya anobva kuna Mwari; iyeyu ndiye akaona Baba. Chokwadi, chokwadi ndinoti kwamuri, Uyo anotenda ane upenyu husingaperi.”—Johani 6:43-47; Isaya 54:13.

Paakambotaura naNikodhimo, Jesu akabatanidza upenyu husingaperi nokutenda muMwanakomana womunhu, achiti: ‘Munhu wose anotenda [muMwanakomana waMwari akaberekwa ari mumwe oga] haazoparadzwe asi achava noupenyu husingaperi.’ (Johani 3:15, 16) Asi iye zvino ari kutaura kuvanhu vakawanda, achivaudza kuti anokosha pakuwana kwavo upenyu husingaperi, uhwo husingakwanisi kuwanikwa nekudya mana kana kuti chingwa chinowanikwa muGarireya. Saka upenyu husingaperi hungawanikwa sei? Jesu anodzokorora mashoko ake: “Ndini chingwa choupenyu.”—Johani 6:48.

Jesu anoenderera mberi nenyaya iyi yechingwa chinobva kudenga, ozonyatsobaya panhongonya payo achidzidzisa musinagogi muKapenaume.

  • Tichitarisa zvakaitwa naJesu mazuva achangopfuura, nei zvisina kukodzera kuti vanhu vamukumbire kuti avape chiratidzo?

  • VaJudha vanoita sei pavanonzwa Jesu achiti ndiye “chingwa chakaburuka chichibva kudenga”?

  • Nei chingwa chiri kutaurwa naJesu chichipfuura mana kana kuti chingwa chaicho?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe