Upenyu hwaJesu Noushumiri
Jesu—“Chingwa Chechokwadi Chakaburuka Kudenga”
ZUVA racho zvirokwazvo rakanga rave riri rokubatikana. Jesu akadyisa nenenji zviuru uye ipapo akapukunyuka kuedza kwavanhu kumuita mambo. Usiku ihwohwo akayambuka netsoka gungwa rine dutu reGarirea; akanunura Petro, uyo akavamba kunyura apo akafamba pamvura dzine dutu; uye akanyaradza mafungu kuti adzivisire vadzidzi vake kupunzikirwa nechikepe.
Zuva rakatevera racho vanhu avo Jesu akanga adyisa nenenji kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwegungwa reGarirea vanomuwana ari pedyo neKapernaume. Achivatsiura, Jesu anotaura kuti ivo vauya vachimutsvaka nemhaka yokuti vanokarira zvimwe zvokudya zvapachena. Iye anovakurudzira kushandira, kwete zvokudya zvinoparara, asi zvokudya zvinogara nokuda kwoupenyu husingaperi. Naizvozvo vanhu vanobvunza, kuti: “Tichaiteiko, kuti tibate mabasa aMwari?”
Jesu anodudza basa rimwe chete roukoshi hukurusa. “Basa raMwari,” iye anotsanangura, “kuti mutende kuna iye waakatuma.”
Vanhu, zvisinei, havashandisi kutenda muna Jesu, pasinei zvapo namanenji ose ayo akaita. Zuva rapamberi peri, iye akadyisa nenenji varume 5 000, pamwe chete navakadzi navana, asika zvino, nenzira isingadaviriki, ivo vanobvunza, kuti: “Munoita chiratidzo chipiko, kuti tione, kuti tikutendei? Imi munobateiko? Madzibaba edu akadya mana murenje, sezvazvakanyorwa, zvichinzi: ‘Wakavapa chingwa chakabva kudenga, kuti vadye.’”
Mumhinduro kuchikumbiro chavo chechiratidzo, Jesu anojekesa Manyuko egadziriro dzenenji, achiti: “Wakanga asi iye Mosesi, wakakupai chingwa chakabva kudenga, asi ndiBaba vangu vanokupai chingwa chezvokwadi chinobva kudenga. Kuti chingwa chaMwari ndicho chinoburuka kudenga, chinopa nyika upenyu.”
“Ishe,” vanhu vanodaro, “tipei chingwa ichi misi yose.”
“Ndini chingwa choupenyu,” Jesu anotsanangura kudaro. “Unouya kwandiri, haatongovi nenzara, nounotenda kwandiri haatongovi nenyota. Asi ndakakuudzai, Kuti makandiona, asi hamutendi. Zvose Baba zvavanondipa zvichauya kwandiri; nounouya kwandiri, handingatongomurashiri kunze. Nokuti handina kuburuka kudenga, kuti ndiite kuda kwangu asi kuda kwowakandituma. Kuda kwowakandituma ndiko, kuti pazvose zvaakandipa, ndirege kurashikirwa nechimwe, asi kuti ndichimutse nezuva rokupedzisira. Nokuti kuda kwaBaba vangu ndiko, kuti mumwe nomumwe, unotarira Mwanakomana, nokutenda kwaari ave noupenyu husingaperi.”
Pana ikoku vaJudha vanovamba kunyunyutira Jesu nemhaka yokuti iye ati, “Ndini chingwa chakaburuka kudenga.” Ivo havaone maari chinhu chinopfuura mwanakomana wavabereki vavanhu naizvozvo vanoramba nomutoo mumwe chete sezvakaita vanhu veNazareta: “Uyu haazi Jesu, mwanakomana waJosefa, watinoziva baba naamai vake here? Zvino ungagoti seiko: ‘Ndakaburuka kudenga’?”
“Musan’un’una pakati penyu,” Jesu anopindura. “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba, vakandituma, vasingamukwevi; neni ndichamumutsa nezuva rokupedzisira. Muvaporofita makanyorwa, muchinzi: ‘Vachadzidziswa vose naMwari.’ Mumwe nomumwe wakazvinzwa kuna Baba, akadzidza, unouya kwandiri. Handirevi kuti kuno munhu wakaona Baba; asi uyo unobva kuna Mwari ndiye wakaona Baba. Zvirokwazvo, zvirokwazvo, ndinoti kwamuri: Unotenda, uno upenyu husingaperi.”
Achipfuurira, Jesu anodzokorora, achiti: “Ndini chingwa choupenyu. Madzibaba enyu akadya mana murenje, akafa. Ichi ndicho chingwa, chinoburuka kudenga, kuti munhu achidye, arege kufa. Ndini chingwa chipenyu, chakaburuka kudenga; kana munhu achidya chingwa ichi, achararama nokusingaperi.” Hungu, kupfurikidza nokushandisa kutenda muna Jesu, uyo Mwari akatuma, vanhu vanogona kuva noupenyu husingaperi. Hapana mana, kana kuti chimwe chingwa chipi nechipi chakadaro, chinogona kugovera izvozvo!
Kurukurirano pamsoro pechingwa chakaburuka kudenga sezviri pachena yakavamba nokukurumidza pashure pokunge vanhu vaona Jesu pedyo neKapernaume. Asi iyo yakapfuurira, ichisvika mugumo gare gare apo Jesu akanga achidzidzisa musinagoge muKapernaume. Johane 6:26-51, 59; Pisarema 78:24; Isaya 54:13; Mateo 13:55-57.
◆ Ndizvinoitikai zvakatangira kurukurirano yaJesu pamsoro pechingwa chakaburuka kudenga?
◆ Nemhaka yeizvo Jesu achangobva kuita, neiko chikumbiro chechiratidzo chisina kufanira kwazvo?
◆ Neiko vaJudha vachin’un’una pakutaura kwaJesu kwokuti iye ndiye chingwa chipenyu chechokwadi chakaburuka kudenga?
◆ Kurukurirano pamsoro pechingwa chakaburuka kudenga yakaitika kupi?