RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 91 p. 214-p. 215 ndim. 4
  • Razaro Anomutswa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Razaro Anomutswa
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • MuPristi Mukuru Akawanira Jesu Mhosva
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Jesu Anoendeswa Kuna Anasi, Ozoendeswa Kuna Kayafasi
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anomutsa Razaro
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Chakaita Kuti Jesu Asamhanya-mhanya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 91 p. 214-p. 215 ndim. 4
Marita naMariya vanotarira vachiona Jesu achimutsa hanzvadzi yavo Razaro

CHITSAUKO 91

Razaro Anomutswa

JOHANI 11:38-54

  • KUMUTSWA KWARAZARO

  • DARE RESANIHEDRINI RINORONGA KUURAYA JESU

Pashure pekunge Jesu asangana naMarita naMariya pedyo neBhetani, vanobva vaenda kuguva raRazaro. Akavigwa mubako rakavharwa nedombo. Jesu anoti: “Bvisai dombo.” Marita anonetseka achishaya kuti Jesu ari kuda kuita sei. Anoti: “Ishe, iye zvino anofanira kunge ava kunhuhwa, nokuti ava mazuva mana.” Asi Jesu anomuudza kuti: “Handina kukuudza here kuti kudai waizotenda waizoona kubwinya kwaMwari?”—Johani 11:39, 40.

Saka dombo racho rinobviswa. Jesu anobva atarira kudenga onyengetera achiti: “Baba, ndinokuongai kuti mandinzwa. Chokwadi, ndaizviziva kuti munogara muchindinzwa; asi ndataura nokuda kweboka revanhu riri pano, kuti vatende kuti makandituma.” Kunyengetera kwaaita pane vanhu vakawanda kunoita kuti vazive kuti zvaava kuda kuita, ari kuzviita nesimba raMwari. Jesu anobva adanidzira nenzwi guru achiti: “Razaro, buda!” Razaro anobva abuda, maoko ake nemakumbo akamonerwa nemachira anomonerwa munhu kana ava kuvigwa uye chiso chake chakavharwa nejira. Jesu anoti: “Musunungurei mumurege aende.”—Johani 11:41-44.

VaJudha vakawanda vauya kuzonyaradza Mariya naMarita pavanoona chishamiso ichi, vanotanga kutenda muna Jesu. Asi vamwe vanobva vaenda kunoudza vaFarisi zvaitwa naJesu. VaFarisi nevapristi vakuru vanobva vaita musangano wedare repamusoro rechiJudha reSanihedrini. Mupristi mukuru Kayafasi inhengo yedare iroro. Vamwe vavo vanochema-chema vachiti: “Toitei, nokuti munhu uyu anoita zviratidzo zvizhinji? Kana tikamurega achiita izvi, vose vachatenda maari, uye vaRoma vachauya, votora nzvimbo yedu norudzi rwedu.” (Johani 11:47, 48) Kunyange zvazvo vaudzwa nevanhu vakazvionera pachavo kuti Jesu ari kuita “zviratidzo zvizhinji,” varume ava havasi kufarira zviri kuitwa naMwari achishandisa Jesu. Vari kungofunga nezvezvinzvimbo zvavo.

VaJudha vanoudza vaFarisi nezvekumutswa kwaRazaro

Kumutswa kwaRazaro kwafumura vaSadhusi zvechokwadi, nokuti havatendi kuti kune rumuko. Kayafasi, anova mumwe wevaSadhusi, anobva ati: “Hapana chamunomboziva, uye hamufungi kuti zvinokubatsirai kuti munhu mumwe chete afire vanhu kwete kuti rudzi rwose ruparadzwe.”—Johani 11:49, 50; Mabasa 5:17; 23:8.

Kayafasi “haana kuzvitaura iye pachake” asi kuti Mwari ndiye aita kuti ataure mashoko aya sezvo ari iye mupristi mukuru. Kayafasi ari kureva kuti Jesu anofanira kuurayiwa kuitira kuti vachengetedze zvinzvimbo zvavo sevatungamiriri vechitendero chechiJudha. Asi mashoko aKayafasi anoratidza kuti rufu rwaJesu ruchaita kuti “vana vaMwari vakapararira kwose kwose” vadzikinurwe, kwete vaJudha chete.—Johani 11:51, 52.

Kayafasi anobudirira pakuita kuti dare reSanihedrini rironge kuuraya Jesu. Kuti Nikodhimo, nhengo yedare iri, uyo asingavengi Jesu, angamunyeurirawo nezvazvo here? Angave amuudza kana kuti asina, Jesu anongobva pedyo neJerusarema kuitira kuti asaurayiwa nguva yakataurwa naMwari isati yakwana.

  • Vanhu vanoona Razaro achimutswa vanoita sei?

  • Uipi hwenhengo dzedare reSanihedrini hunobuda sei pachena?

  • Kunyange zvazvo Kayafasi aine chinangwa chakaipa, Mwari anoita kuti ataure mashoko api?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe