Dzidzisai Vana Venyu
Chakaita Kuti Jesu Asamhanya-mhanya
JESU audzwa kuti shamwari yake yepamwoyo Razaro yarwara zvokufa. Pane munhu atumwa nehanzvadzi dzaRazaro, Mariya naMarita kuti azoudza Jesu. Nhume iyi yabva kuBhetani, kunogara Razaro nehanzvadzi dzake. Mariya naMarita vane chokwadi chokuti Jesu anogona kurapa hanzvadzi yavo, kunyange hazvo vachigara kure mhiri kweRwizi rwaJodhani. Vanoziva kuti akamborapa vanhu kunyange zvazvo varwere vacho vakanga vari kure nokwaaiva.—Mateu 8:5-13; Johani 11:1-3.
Nhume yacho painosvika youdza Jesu nezvourwere, hapana zvaanoita nezvazvo. Bhaibheri rinoti: ‘Akaramba ari munzvimbo yaakanga ari kwemazuva maviri.’ (Johani 11:6) Unoziva here kuti sei Jesu asingamhanyi-mhanyi kunobatsira Razaro?—a Ngatimbokurukurai nezvenyaya iyi.
Jesu anoziva kuti urwere hwaRazaro hwazomuuraya. Saka audza vadzidzi vake kuti: “Ngatiendeizve kuJudhiya.” Vadzidzi vacho vanoramba vobva vati: “Nguva ichangobva kupfuura vanhu vomuJudhiya vakanga vachitsvaka kukutemai nematombo, zvino mava kuenda ikoko zvakare here?” Jesu anovaudza kuti: “Razaro shamwari yedu azorora, asi ndiri kuenda ikoko kunomumutsa muhope.”
Vaapostora vanomupindura kuti: “Ishe, kana azorora, achapora.” Jesu anobva avatsanangurira kuti: “Razaro afa.” Zvadaro anotaura chimwe chinhu chinovashamisa paanoti: “Ndinofara nokuda kwenyu kuti ndanga ndisiko . . . Asi ngatiendei kwaari.”
Tomasi anotaura asingatyi achiti: ‘Ngatiendeiwo, kuti tife pamwe naJesu.’ Tomasi anoziva kuti vavengi vanogona kuedzazve kuda kuuraya Jesu, uye vaapostora vanogona kuurayiwawo. Pasinei nezvose izvi, vanoenda vose. Vanosvika kuBhetani kuguta raigara Razaro pashure pemazuva anenge maviri. Kubva kuJerusarema kuenda kuBhetani anenge mamaira maviri.—Johani 11:7-18.
Unoziva here kuti sei Jesu achifara kuti haana kukurumidza kusvika?—Jesu akanga ambomutsa vamwe vanhu, asi paakamutsa vanhu vacho vakanga vangova nemaawa mashoma vafa. (Ruka 7:11-17, 22; 8:49-56) Asi chitunha chaRazaro chatova nemazuva chavigwa. Munhu wose anotoziva kuti Razaro hakuchina.
Marita, hanzvadzi yaRazaro painongonzwa kuti Jesu ava pedyo neBhetani, anomhayira kuti anomuchingura. Anoti: “Ishe, kudai makanga muri pano hanzvadzi yangu ingadai isina kufa.” Jesu anomuvimbisa kuti: “Hanzvadzi yako ichamuka.” Marita anodzokera kumba achimhanya kunotaurira munun’una wake Mariya vari pavo voga kuti: “Mudzidzisi avapo uye ari kukushevedza.”
Mariya haadyi manonoko, anobva angoenda kunoona Jesu. Mhomho yevanhu inofunga kuti zvimwe ari kuenda kuguva, saka vanomutevera. Jesu paanoti baa kuona Mariya nemhomho yaimutevera ichichema, iye anobva ‘asvimhawo misodzi.’ Vose vanobva vasvika paguva rakavharwa nedombo guru. Jesu anovaudza kuti: “Bvisai dombo.” Asi Marita anoramba obva ati: “Ishe, iye zvino anofanira kunge ava kunhuhwa, nokuti ava mazuva mana.”
Vanhu varipo vanoteerera Jesu vobvisa dombo racho. Jesu anobva anyengetera, achitenda Mwari pamusana pesimba raaiziva kuti aizomupa kuti amutse Razaro. Jesu anoshevedzera “nenzwi guru kuti: ‘Razaro, buda!’” Razaro anobuda, “akapomberwa nemachira.” Jesu anobva avaudza kuti: “Musunungurei mumurege aende.”—Johani 11:19-44.
Wava kunzwisisa here kuti sei Jesu asina kumhanya-mhanya?—Aiziva kuti kumboti mirei kwaizoita kuti vanhu varumbidze Baba vake, Jehovha. Uye kusarudza kwaakaita nguva yakakodzera kwakaita kuti vanhu vakawanda vatende Mwari. (Johani 11:45) Waona here chatinodzidza pane zvakaitwa naJesu?—
Iwewo unogona kusarudza nguva yakanaka yokuti utaure nezvezvakanaka zvakaitwa naMwari uye zvaachazoita. Unogona kuudza vaunodzidza navo kana kuti vadzidzisi vako nezvezvinhu izvozvo. Kunyange mukirasi chaimo, vamwe vana vakashandisa mukana iwoyo kuti vataure nezvemakomborero achaunzirwa vanhu noUmambo hwaMwari. Ichokwadi kuti haukwanisi kumutsa vanhu vakafa, asi unogona kubatsira vamwe kuti vazive Mwari, uyo ane simba rokumutsa vakafa uye achazomutsa hama neshamwari dzedu dzakafa.
[Mashoko Omuzasi]
a Kana uri kuverenga nemwana, kamutsetse ako kari kungokuyeuchidza kumbotura befu uye kukurudzira mwana kuti ataure zvaanofunga.
MIBVUNZO:
▪ Sei Jesu asingamhanyiri kunobatsira Razaro?
▪ Sei Tomasi achiti: ‘Ngatiendeiwo, kuti tife pamwe naJesu’?
▪ Chii chakaita kuti Jesu akwanise kumutsa Razaro?
▪ Ungaitei kuratidza kuti pane zvawadzidza kuna Jesu?