RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • jy chits. 114 p. 264-p. 265 ndim. 4
  • Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro
  • Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Kristu Anosvika Ari Musimba roUmambo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kukamuraniswa Kwavanhu Pamsoro Pechirevo choUmambo
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Ona Zvimwe
Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
jy chits. 114 p. 264-p. 265 ndim. 4
Vanhu vemarudzi ose vanotarira kudenga vachimirira kutongwa kwevanhu kuchaitwa naJesu

CHITSAUKO 114

Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro

MATEU 25:31-46

  • JESU ANOTAURA MUFANANIDZO WEMAKWAI NEMBUDZI

Jesu achiri paGomo reMiorivhi uye achangobva kutaura mufananidzo wemhandara gumi newematarenda. Anopedzisa sei kupindura mubvunzo wevaapostora une chekuita nechiratidzo chekuvapo kwake uye chekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho? Anovataurira mufananidzo wekupedzisira wemakwai nembudzi.

Asati ataura mufananidzo wacho, Jesu anotanga nekutaura zvichatanga zvaitika. Anoti: “Mwanakomana womunhu paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya.” (Mateu 25:31) Zviri pachena kuti ari kurehwa mumufananidzo uyu ndiJesu pachake sezvo achiwanzotaura nezvake achizviti “Mwanakomana womunhu.”—Mateu 8:20; 9:6; 20:18, 28.

Jesu akagara pachigaro chake chinobwinya uye anoti vanhu vakatendeka makwai

Zvinhu zviri kutaurwa mumufananidzo uyu zvichaitika riini? Zvichaitika Jesu “paanosvika achibwinya” aine ngirozi ogara “pachigaro chake choumambo chinobwinya.” Atombotaura kuti ‘Mwanakomana womunhu achauya ari pamakore okudenga nesimba nokubwinya kukuru’ aine ngirozi dzake. Ndiriini iyeye? “Kutambudzika . . . kuchangobva kuitika.” (Mateu 24:29-31; Mako 13:26, 27; Ruka 21:27) Saka zviri kutaurwa mumufananidzo uyu zvichaitika pachauya Jesu mukubwinya kwake. Achabva aita sei?

Jesu anotsanangura kuti: “Mwanakomana womunhu paanosvika . . . , marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe, sokuparadzanisa kunoita mufudzi makwai nembudzi. Zvino achaisa makwai kuruoko rwake rworudyi, asi mbudzi kuruboshwe rwake.”—Mateu 25:31-33.

Makwai anoiswa kurudyi kuratidza kuti anodiwa naMambo. Jesu anoti nezvawo: “Mambo achabva ati kune vaya vari kurudyi rwake, ‘Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika.’” (Mateu 25:34) Chii chinoita kuti makwai aya afarirwe naMambo?

Mambo wacho anotsanangura kuti: “Ndakava nenzara mukandipa chokudya; ndakava nenyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri mueni mukandigamuchira zvakanaka; ndisina kupfeka, mukandipfekedza. Ndakarwara mukanditarisira. Ndakanga ndiri mujeri mukauya kwandiri.” “Vakarurama,” avo vari kufananidzwa nemakwai, pavanobvunza kuti ndepapi pavakaita zvinhu izvi zvakanaka, vanopindurwa kuti: “Kana makazviitira mumwe wevaduku vehama dzangu idzi, makazviitira ini.” (Mateu 25:35, 36, 40, 46) Havaiti zvinhu izvi zvakanaka kudenga, sezvo kusina vanorwara nevane nzara. Zvinhu izvi zvinofanira kunge zvakaitirwa hama dzaKristu pano pasi.

Vanhu vachatongwa kuti imbudzi

Ko mbudzi dzinoiswa kuruboshwe? Jesu anoti: “[Mambo] achabva atiwo kune vaya vari kuruboshwe rwake, ‘Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende mumoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiyabhorosi nengirozi dzake. Nokuti ndakava nenzara, asi hamuna kundipa chokudya, uye ndakava nenyota, asi hamuna kundipa chokunwa. Ndakanga ndiri mueni, asi hamuna kundigamuchira zvakanaka; ndisina kupfeka, asi hamuna kundipfekedza; ndichirwara uye ndiri mujeri, asi hamuna kunditarisira.’” (Mateu 25:41-43) Mbudzi dzinokodzera kupiwa mutongo uyu nekuti dzakatadza kubata hama dzaKristu zvakanaka sezvadzaifanira kuita.

Vaapostora vanozoudzwa kuti kutongwa uku kuchaitwa vanhu kuchaita kuti pave nekuparadzwa kusingaperi. Jesu anovaudza kuti: “[Mambo] achabva avapindura nemashoko okuti, ‘Chokwadi ndinoti kwamuri, Kana musina kuzviitira mumwe wevaduku ava, hamuna kuzviitira ini.’ Zvino ava vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.”—Mateu 25:45, 46.

Zvataurwa naJesu achipindura mubvunzo wevaapostora vake zvinoita kuti mumwe nemumwe wevateveri vake aongorore mafungiro ake nemaitiro.

  • Mumufananidzo waJesu wemakwai nembudzi, “Mambo” anomiririra ani uye zvinotaurwa mumufananidzo wacho zvichaitika riini?

  • Chii chichaita kuti makwai adiwe naJesu?

  • Chii chichaita kuti vamwe vanzi imbudzi pavachatongwa, uye zvii zvichazoitika kwavari uye kumakwai?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe