RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w90 5/15 pp. 8-9
  • Apo Kristu Anosvika Ari Musimba roUmambo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Apo Kristu Anosvika Ari Musimba roUmambo
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Mashoko Akafanana
  • Kristu Anotonga Makwai Nembudzi Ari Pachigaro
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Inguvai Yemberi Iripo Nokuda Kwamakwai Nembudzi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Ngatirambei Tichitsigira Hama dzaKristu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Kukamuraniswa Kwavanhu Pamsoro Pechirevo choUmambo
    Kupukunyuka Ndokupinda muPasi Idzva
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
w90 5/15 pp. 8-9

Upenyu hwaJesu Noushumiri

Apo Kristu Anosvika Ari Musimba roUmambo

JESU achine vaapostora vake paGomo reMiorivhi. Mumhinduro kuchikumbiro chavo chechiratidzo chokuvapo kwake nechemhedziso yetsika yezvinhu, iye zvino anovaudza wokupedzisira munhevedzano yemienzaniso mitatu. “Apo Mwanakomana womunhu anosvika ari mumbiri yake, uye ngirozi dyose dzinaye,” Jesu anovamba kudaro, “ipapo iye achagara pachigaro chake choumambo chine mbiri.”—NW.

Vanhu havagoni kuona ngirozi dziri mumbiri yadzo yokudenga. Naizvozvo kusvika kwoMwanakomana womunhu, Jesu Kristu, nengirozi kunofanira kuva kusingaoneki kumeso avanhu. Kusvika kunoitika mugore ra 1914. Asi nokuda kwedonzoiko? Jesu anotsanangura, kuti: “Marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake; uchavaraura somufudzi unoraura makwai nembudzi. Uchaisa makwai kurudyi rwake, mbudzi kuruboshwe.”

Achirondedzera chichaitika kuavo vanoparadzanisirwa kurutivi rwenyasha, Jesu anoti: “Ipapo mambo achati kuavo vari kurudyi rwake, ‘Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka umambo hwakakugadzirirwai kuvambira pakuvamba kwenyika.’” Makwai haasati achizotonga naKristu mudenga asi achagara nhaka Umambo mupfungwa yokuva vadzorwi vahwo vapasi. “Kuvamba kwenyika” kwakaitika apo Adhama naEvha vakatanga kubereka vana avo vaigona kubetserwa negadziriro yaMwari yokudzikinura rudzi rwomunhu.

Asi neiko makwai achiparadzanisirwa kurudyi rwenyasha rwaMambo? “Ndakanga ndine nzara,” mambo anopindura kudaro, “mukandipa chokudya; ndakanga ndine nyota mukandipa chokunwa. Ndakanga ndiri mweni, mukandigamuchira; ndakanga ndisine nguvo, mukandipfekedza; ndakanga ndichirwara, mukandifambira. Ndakanga ndiri mutorongo, mukauya kwandiri.”

Sezvo makwai ari pasi pano, anoda kuziva kuti aigona sei kuva akaita mabasa akaisvonaka akadaro nokuda kwaMambo wavo wokudenga. “Ishe, takakuonai riniko mune nzara, tikakupai chokudya?” ivo vanobvunza kudaro, “kana mune nyota tikakupai chokunwa? Takakuonai riniko muri mweni, tikakugamuchirai? Kana musine nguvo, tikakupfekedzai? Takakuonai riniko muchirwara, kana muri mutorongo, tikauya kwamuri?”

“Zvirokwazvo, ndinoti kwamuri,” Mambo anopindura kudaro, “pamakazviitira mumwe wavaduku vehama dzangu idzi, makazviitireni.” Hama dzaKristu ndivakasarira vari pasi pano vavane 144 000 avo vachatonga naye mudenga. Uye kuita zvakanaka kwavari, Jesu anoti, ndikumwe cheteko nokuita zvakanaka kwaari.

Tevere, Mambo anotaura kumbudzi. “Ibvai kwandiri, imi makatukwa, muende kumwoto usingaperi wakagadzirirwa Dhiabhorosi navatumwa vake. Nokuti ndakanga ndine nzara, mukasandipa chokudya; ndakanga ndine nyota, mukasandipa chokunwa; ndakanga ndiri mweni, mukasandigamuchira; ndisine nguvo, mukasandipfekedza; ndichirwara, nomutorongo, mukasandifambira.”

Mbudzi, zvisinei, dzinonyunyuta, kuti: “Ishe, takakuonai riniko mune nzara kana mune nyota kana muri mweni kana musina nguvo kana muchirwara kana muri mutorongo tikasauya kwamuri?” Mbudzi dzinotongwa zvakaipa pahwaro humwe chetewo hunotongwa nahwo makwai zvakanaka. “Pamusati makazviitira mumwe wavaduku vangu ava [vehama dzangu],” Jesu anopindura, “hamuzakazviitireni.”

Naizvozvo kuvapo kwaKristu ari musimba roUmambo, pamberi chaipo pomugumo wetsika ino yakaipa yezvinhu mudambudziko guru, kuchava nguva yorutongeso. Mbudzi “dzichapinda mukutongwa kusingaperi, asi vakararuma [makwai] muupenyu husingaperi.” Mateo 25:31-46; Zvakazarurwa 14:1-3.

◆ Neiko kuvapo kwaKristu kuchifanira kuva kusingaoneki, uye ibasai raanoita panguva iyoyo?

◆ Makwai anogara nhaka Umambo mupfungwai?

◆ “Kuvamba kwenyika” kwakaitika rini, uye nei panguva iyoyo?

◆ Vanhu vanotongwa samakwai kana kuti sembudzi pahwaroi?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe