RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • od chits. 16 pp. 162-168
  • Sangano Rehama Dzakabatana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Sangano Rehama Dzakabatana
  • Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • KUCHINJA MAFUNGIRO
  • KURAMBA TAKABATANA MUSANGANO
  • KUVA NEHANYA NEVATINONAMATA NAVO
  • TAKASARUDZWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA
  • Unoona Vamwe Sezvinoita Jehovha Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Nheyo Yenyika Itsva Zvino Iri Kuvakwa
    Mwari Anoitira Hanya Zvomenemene Here?
  • Batirai Jehovha Nomwoyo Mumwe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • “Kupfurikidza Naizvozvi Vose Vachaziva Kuti Muri Vadzidzi Vangu”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Ona Zvimwe
Takarongwa Kuti Tiite Zvinoda Jehovha
od chits. 16 pp. 162-168

CHITSAUKO 16

Sangano Rehama Dzakabatana

KWEMAKORE anenge 1 500, Jehovha Mwari akasarudza vaIsraeri kuti vave vanhu vake. Pave paya ‘akafunga mamwe marudzi kuti atore vanhu vezita rake pakati pawo.’ (Mab. 15:14) Vanhu ivavo vaizova zvapupu zvake uye vaizova vakabatana mukufunga nezvavaiita pasinei nekwavaigara. Kuti vanhu ivavo vazobatana, vateveri vaJesu vaifanira kuita basa ravakapiwa rekuti: “Endai munoita kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana neremweya mutsvene, muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurayirai.”—Mat. 28:19, 20.

Uri pakati pesangano rakabatana revaKristu vasingabvumi kuparadzaniswa nekusiyana kwemarudzi, madzinza, kana upfumi

2 Pawakazvitsaurira ukabhabhatidzwa wakabva wava mudzidzi waJesu Kristu. Wava pakati pesangano rakabatana revaKristu vasingabvumi kuparadzaniswa nekusiyana kwemarudzi, madzinza, kana upfumi. (Pis. 133:1) Izvi zvinoita kuti ude uye uremekedze hama dzako dzechiKristu dziri muungano. Zvichida kare waimbovatarisira pasi nekuti ndeverimwe dzinza, ndevekune imwe nyika kana kuti vane dzidzo yakaderera pane yako. Asi iye zvino munodanana zvechokwadi uye ukama hwenyu hwakasimba kupfuura chero ukama hupi zvahwo.—Mako 10:29, 30; VaK. 3:14; 1 Pet. 1:22.

KUCHINJA MAFUNGIRO

3 Kana vamwe vachiona zvakavaomera kubvisa kapfungwa kekusarura vamwe, vanogona kubatsirwa nekufunga zvakaitwa nevaKristu vechiJudha avo vaimbovawo nedambudziko iri. Petro paakaudzwa kuti aende kumba kwemukuru weuto reRoma, Koneriyasi, Jehovha ane zvaakaita kuti amubatsire.—Mabasa, chitsauko 10.

4 Petro akaona chiratidzo, akaudzwa kuti auraye uye adye dzimwe mhuka dzaionekwa sedzakasviba mumutemo wevaJudha. Paakaramba, akanzwa inzwi richibva kudenga richiti: “Rega kuti zvinhu zvacheneswa naMwari zvakasviba.” (Mab. 10:15) Kupindira kwakaita Mwari ndiko kwakabatsira Petro kugadzirisa mafungiro ake kuti akwanise kuenda kumba kwemunhu akanga asiri muJudha. Petro akateerera zvaakanga audzwa naJehovha, achibva audza vanhu vaivapo kuti: “Munonyatsoziva kuti Mutemo haubvumiri kuti muJudha adyidzane nemunhu werumwe rudzi kana kuti aende kwaari, asi Mwari akandiratidza kuti hapana munhu wandinofanira kuti akasviba kana kuti haana kuchena. Saka pandakatumirwa vanhu handina kumboramba; ndakabvuma kuuya.” (Mab. 10:28, 29) Pashure paizvozvo, Petro akaona uchapupu hwekuti Jehovha aida Koneriyasi nemhuri yake.

5 Sauro wekuTaso uyo aiva muFarisi ainge akadzidza chaizvo, aitofanira kuzvininipisa kuti atange kuwirirana nevanhu vaaimboshora. Pane dzimwe nguva aitofanira kudzidziswawo nevanhu ivavo. (Mab. 4:13; VaG. 1:13-20; VaF. 3:4-11) Fungidzira kuchinja kwakaita mafungiro evanhu vakadai saSegiyo Paurosi, Dhiyonisiyo, Dhamarisi, Firimoni, Onisimo, nevamwewo pavakagamuchira mashoko akanaka vakabva vava vadzidzi vaJesu Kristu.—Mab. 13:6-12; 17:22, 33, 34; Fir. 8-20.

KURAMBA TAKABATANA MUSANGANO

6 Zviri pachena kuti rudo rwawakaratidzwa nehama nehanzvadzi muungano rwakakubatsira kuti uve pedyo naJehovha nesangano rake. Wakanyatsoona rudo ruri pakati pevadzidzi vechokwadi vaJesu Kristu sezvaakataura paakati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sekukudai kwandakaita, imiwo dananai. Vese vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Uye wakatowedzera kuda Jehovha nesangano rake pawakaona kuti rudo ruri muungano inongova nzwisa kana tichienzanisa nerudo ruri musangano rehama pasi rese. Kuva kwako musangano raJehovha kunotova kuzadziswa kweuprofita hweBhaibheri hwekuunganidzwa kwevanhu mumazuva ekupedzisira kuti vanamate Jehovha murugare uye vakabatana.—Mika 4:1-5.

7 Kana tichifunga nezvezvinhu zvakawanda zvinoparadzanisa vanhu mazuva ano, ndiani aimbofungidzira kuti zvaizoita kubatanidza vanhu “vanobva kumarudzi ese nemadzinza nevanhu nendimi”? (Zvak. 7:9) Imbofunga kusiyana kwakaita vanhu vanogara munzvimbo dzinonyanya kushandiswa zvigadzirwa zvemazuva ano nevaya vachiri kuita zvechinyakare. Tarisa uone kurwisana kunoita vanhu vezvitendero kunyange vari verudzi rumwe chete. Nemhaka yekukoshesa kunoita vanhu nyika yavo, vakawanda vari kuparadzaniswa nenyaya dzezvematongerwo enyika. Pasinei nezvese izvi, kubatana uye rudo rwechokwadi zvatinoona musangano raJehovha rinoumbwa nevanhu vanobva mumarudzi akasiyana-siyana, chishamiso chaicho chinogona kungoitwa naMwari Wemasimbaose chete.—Zek. 4:6.

8 Kubatana uku wakakuona pawakazvitsaurira ukabhabhatidzwa seChapupu chaJehovha. Sezvo uri kubatsirwa nakwo, unofanira kuvawo nezvaunoita kuti kurambe kuripo. Unogona kudaro kana ukaita zvakataurwa nemuapostora Pauro pana VaGaratiya 6:10 zvekuti: “Pese patinenge tiine mukana wacho, ngatiitirei vese zvakanaka, kunyanya vaya vane ukama nesu mukutenda.” Tinoteererawo zano rekuti: “Musaita zvinhu muchikakavadzana kana kuzvikudza, asi zvininipisei muchiona vamwe sevakuru kwamuri, musingangofungi zvakakunakirai chete, asi zvakanakirawo vamwe.” (VaF. 2:3, 4) Kana tikadzidza kuona hama nehanzvadzi dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha, ticharamba tiine rugare uye ukama hwakanaka nadzo.—VaEf. 4:23, 24.

KUVA NEHANYA NEVATINONAMATA NAVO

9 Muapostora Pauro akataura muenzaniso unonyatsoratidza kuti vanhu vari muungano vakabatana uye vanodanana. (1 VaK. 12:14-26) Kunyange zvazvo vamwe vacho vachigara madaro ari kure nesu, izvozvo hazvititadzisi kuva nehanya navo. Kana dzimwe hama dzedu dzichitambudzwa, tese tinoshungurudzika. Kana vamwe vachishayiwa chekubata, vakawirwa nenjodzi, kana kuti nhamo dzakasiyana-siyana, tinotsvaga nzira dzekuvabatsira nadzo uye kuvasimbisa mune zvekunamata.—2 VaK. 1:8-11.

10 Tese tinofanira kunyengeterera hama dzedu mazuva ese. Vamwe vari kutarisana nemiedzo yekuita zvakaipa. Matambudziko evamwe anooneka asi evamwe anogona kunge asingazivikanwi nevanhu vakawanda. Vamwe vanoshorwa nevavanoshanda navo kana nevemumhuri vasiri Zvapupu. (Mat. 10:35, 36; 1 VaT. 2:14) Patinoziva izvi tinorwadziwa nekuti tiri hama dziri musangano rimwe chete. (1 Pet. 5:9) Pakati pedu pane vamwe vari kushanda nesimba kutungamirira basa rekuparidza uye mabasa anoitwa muungano imwe neimwe. Uyewo vamwe vari kutungamirira basa rinoitwa pasi rese. Vese ava vanoda kuti tivanyengeterere uye patinodaro tinenge tichiratidza kuti tinovada uye kuti tine hanya navo kunyange zvazvo tisina zvinhu chaizvo zvatinokwanisa kuita kuti tivabatsire.—VaEf. 1:16; 1 VaT. 1:2, 3; 5:25.

11 Nemhaka yematambudziko anogara achiitika mumazuva ano ekupedzisira, vanhu vaJehovha vanofanira kugara vakagadzirira kubatsirana. Dzimwe nguva, matambudziko akadai sekudengenyeka kwenyika nemafashamo zvingatoda kuti vaite mabasa ekuyamura akakura uye kuronga kuti pave nezvinhu zvakawanda zvekubatsira vamwe. VaKristu vekutanga vakatisiyira muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Vadzidzi vaiva kuAndiyoki vakatumira zvipo kuhama dzavo dzaiva kuJudhiya. (Mab. 11:27-30; 20:35) Muapostora Pauro akakurudzira vaKorinde kuti vapewo zvipo zvekuyamura nenzira yakarongeka sezvakanga zvichiitwawo nevamwe. (2 VaK. 9:1-15) Mazuva ano, hama dzedu padzinowirwa nematambudziko, sangano uye vaKristu vatinonamata navo vanokurumidza kubatsira nezvinenge zvichidiwa.

TAKASARUDZWA KUTI TIITE ZVINODA JEHOVHA

12 Sangano redu rakabatana rakarongwa kuti riite zvinoda Jehovha. Panguva ino Mwari anoda kuti mashoko akanaka eUmambo aparidzwe munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese. (Mat. 24:14) Patinenge tichiita basa iri, Jehovha anoda kuti tizvibate zvinoenderana nemitemo yake. (1 Pet. 1:14-16) Tinofanira kuremekedzana nemwoyo wese toshanda tiine chinangwa chekuti basa rekuparidza mashoko akanaka rienderere mberi. (VaEf. 5:21) Ino haisi nguva yekuti titsvage zvakangotinakira asi ndeyekuti tiise Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu hwedu. (Mat. 6:33) Kuramba tichifunga izvi sezvatinoshanda pamwe chete kuti mashoko akanaka aparidzwe kuchaita kuti tifare uye tizowana makomborero asingaperi.

13 SeZvapupu zvaJehovha, takasiyana nevamwe vanhu vese vari munyika nekuti takachena uye tinoshingairira mabasa akanaka. (Tito 2:14) Kushumira kwatinoita Jehovha ndiko kunotisiyanisa nevamwe. Tinoshanda takabatana nehama dzedu pasi rese, tinotaura mutauro mumwe chete wechokwadi uye tinorarama zvinoenderana nezvatinoparidza. Jehovha akagara ataura izvi achishandisa muprofita Zefaniya paakati: “Ndichachinja mutauro wemarudzi, ndoapa mutauro wakachena, kuti ese zvawo adane zita raJehovha, uye kuti amushumire akabatana.”—Zef. 3:9.

14 Jehovha akabva aita kuti Zefaniya arondedzere zvaizenge zvakaita sangano raMwari ratinoona nhasi nemashoko aya: ‘Vanhu vachasara pavaIsraeri havazoiti zvakaipa; havazorevi nhema, kana kutaura mashoko ekunyengera; vachadya vorara pasi, uye hapana achavatyisa.’ (Zef. 3:13) Zvapupu zvaJehovha zvinokwanisa kushanda zvakabatana nekuti zvakanzwisisa Shoko raJehovha rechokwadi zvikachinja mafungiro nemararamiro azvo kuti aenderane nezvinodiwa naJehovha. Vanhu vari munyika pavanoona zvatinoita vanoshamiswa. Zviri pachena kuti tiri vanhu vaMwari, takasiyana nevamwe uye tinoita kuti akudzwe pasi rese.—Mika 2:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe