Mashoko Ekuwedzera
Mashoko Kuvabereki vechiKristu:
Sevabereki, munoda chaizvo kubatsira vana venyu kuti vade Jehovha uye kuti vazvitsaurire kwaari. Zvii zvamungaita kuti vakodzere kuzobhabhatidzwa? Mungaziva sei kuti vava kukodzera kubhabhatidzwa?
Jesu akarayira vateveri vake kuti: ‘Itai kuti vanhu vemarudzi ese vave vadzidzi, muchivabhabhatidza.’ (Mat. 28:19) Kubva pane zvakataurwa naJesu, chinonyanya kukosha ndechekuti munhu ave mudzidzi. Izvi zvinosanganisira kunzwisisa uye kutenda dzidziso dzaKristu uye kunyatsodzitevedzera. Kunyange mwana mudiki anogona kuzviita.
Ratidzai muenzaniso wakanaka kuvana venyu, uye rambai muchidzokorora zvinodzidziswa naJehovha kwavari. (Dheut. 6:6-9) Munogona kuita izvi nekushandisa bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara! kuti muvadzidzise zvinhu zvinokosha zvinotaurwa neBhaibheri movabatsira kuona mashandisiro avangaita zvavari kudzidza. Batsirai vana venyu kuti vagone kutsanangurira vamwe zvavanotenda. (1 Pet. 3:15) Kuvadzidzisa nekuvakurudzira kwamunoita, kudzidza kwavanoita vari vega, kunamata kwemhuri, kupinda misangano yeungano, uye kuva neshamwari dzinovaka zvichavabatsira kuti vazokodzera kubhabhatidzwa voramba vachirarama sevaKristu. Garai muchivaudza kuti vave nezvinangwa zvine chekuita nekunamata.
Zvirevo 20:11 inoti: “Kunyange mwana anozivikanwa nemabasa ake, kuti tsika dzake dzakachena uye dzakarurama.” Ndezvipi zvingaratidza kuti mwana, angava mukomana kana musikana, ava mudzidzi waJesu Kristu uye akodzera kuti abhabhatidzwe?
Mwana anenge achifambira mberi kuti azobhabhatidzwa anofanira kuteerera vabereki vake. (Mab. 5:29; VaK. 3:20) Jesu paaiva nemakore 12, Bhaibheri rinoti: ‘Akaramba achizviisa pasi pevabereki vake.’ (Ruka 2:51) Yeukai kuti mwana wenyu munhu anotadzawo semi. Asi mwana anoda kubhabhatidzwa anofanira kuedza chaizvo kutevedzera zvaiitwa naJesu uye vanhu vanofanira kuzviona kuti anoteerera vabereki vake.
Anofanirawo kuratidza kuti ane chido chekudzidza zvinhu zviri muBhaibheri. (Ruka 2:46) Mwana wenyu anoda here kuenda kumisangano uye kupindurawo? (Pis. 122:1) Ane chido here chekugara achiverenga Bhaibheri uye kudzidza ari ega?—Mat. 4:4.
Mwana ari kufambira mberi kuti abhabhatidzwe anoisa zvinhu zveUmambo pakutanga muupenyu hwake. (Mat. 6:33) Anoziva kuti anofanira kuudzawo vamwe zvaanotenda. Anoparidza achishandisa nzira dzakasiyana-siyana uye haanyari kuudza maticha ake uye vaanodzidza navo kuti iye Chapupu chaJehovha. Kana akapiwa hurukuro pamusangano Weushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu anoigadzirira zvakanaka.
Anoedzawo kuramba aine tsika dzakanaka uye asingatambi neshamwari dzisina kunaka. (Zvir. 13:20; 1 VaK. 15:33) Izvi zvichaoneka pazvinhu zvaanofarira zvakadai senziyo, mafirimu, zvinhu zvinobuda paTV, mavideo game, uye mashandisiro aanoita Indaneti.
Vakawanda vakateerera zvavakadzidziswa nevabereki vavo uye vakazvisarudzira kutevedzera zvinotaurwa naJehovha vachibva vabhabhatidzwa vachiri vadiki. Dai Jehovha akakukomborerai sezvamunoedza kubatsira vana venyu kuti vaite danho iri rinokosha rekuva neukama hwakanaka naye.
Mashoko Kumuparidzi Asati Abhabhatidzwa:
Chikomborero kushumira muungano semuparidzi asati abhabhatidzwa. Tinokutenda nekufambira mberi kwawaita pakunamata. Wava kuziva Mwari nemhaka yekudzidza kwawakaita Shoko rake uye wava kutenda zvinhu zvaanovimbisa.—Joh. 17:3; VaH. 11:6.
Usati watanga kudzidza neZvapupu zvaJehovha, zvimwe waipinda chimwe chitendero kana kuti wanga usitorina chawaipinda. Kana kuti une zvimwe zvawaiita zvinopesana nezvinotaurwa neBhaibheri. Asi iye zvino wakapfidza zvivi zvako uye wakazvidemba nemararamiro awaiita. Wakabva wasiya mararamiro iwayo kuti uite zvinodiwa naMwari kuti uratidze kuti watendeuka.—Mab. 3:19.
Kana kuti wakaziva zvinyorwa zvitsvene “kubvira paucheche.” Saka izvi zvakakudzivirira kuti usaita zvivi zvakakura nezvimwe zvinhu zvisiri zvechiKristu. (2 Tim. 3:15) Wakadzidza kuti ungaramba sei kufurirwa kuita zvinhu zvakaipa zvinovengwa naJehovha. Wakaratidza kutenda kwako nekutsigira kunamata kwechokwadi uye nekuudza vamwe zvaunotenda. Wakadzidziswa kuita basa rekuparidza. Iye zvino wasarudza kuti ushumire Jehovha semuparidzi asati abhabhatidzwa.
Pasinei nekuti wakadzidziswa zvinodiwa naJehovha uchiri mudiki kana kuti wakura, zvimwe wava kufunga kutora matanho maviri anoratidza kufambira mberi kwako pakunamata, kuzvitsaurira kuna Jehovha uye kubhabhatidzwa. Kuzvitsaurira kuna Jehovha kunoitwa nekunyengetera uri wega uchimuudza kuti wava kuda kumushumira iye ega kweupenyu hwako hwese. (Mat. 16:24) Kuti uratidze pachena kuti wakazvitsaurira kuna Jehovha, uchabhabhatidzwa mumvura. (Mat. 28:19, 20) Kana wazvitsaurira kwaari uye wabhabhatidzwa ndipo pauchange wagadzwa kuva mushumiri waJehovha Mwari. Iropafadzo yakakura chaizvo iyoyo!
Kubva pakudzidza Bhaibheri kwawakaita wakaona kuti unogona kusangana nemiedzo yakawanda. Yeuka kuti pashure pekunge abhabhatidzwa, “Jesu akabva atungamirirwa nemweya kuenda kurenje, kuti anoedzwa naDhiyabhorosi.” (Mat. 4:1) Iwewo ziva kuti pauchabhabhatidzwa semudzidzi waKristu uchasangana nemimwe miedzo. (Joh. 15:20) Ichauya nenzira dzakasiyana-siyana. Veukama vanogona kukupikisa. (Mat. 10:36) Ungasekwa nevaunodzidza navo, vaunoshanda navo kana kuti vawaimbotamba navo. Gara uchiyeuka mashoko aJesu ari pana Mako 10:29, 30 anoti: “Chokwadi ndinoti kwamuri, hapana munhu akasiya imba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka asingazowani zvapetwa kazana munguva ino, dzimba nevanin’ina nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, uku achitambudzwa, uye upenyu husingaperi mune ramangwana.” Saka shanda nesimba kuti urambe uri pedyo naJehovha uye uchiita zvinoenderana nemitemo yake.
Kana wava kuda kubhabhatidzwa udza murongi mudare revakuru. Mibvunzo iri panoperera chikamu chino ndiyo ichashandiswa nevakuru pavanenge vachikurukura newe kuti vaone kana wakakodzera kubhabhatidzwa. Unogona kupota uchiverenga mibvunzo yacho paunenge uchidzidza uri wega.
Paunenge uchigadzirira kuzokurukura nevakuru, nyatsozvipa nguva yekuverenga Magwaro arimo. Kana uchida unogona kunyora manotsi mubhuku rino kana kuti chero pawada. Vakuru pavanenge vava kukurukura newe unogona kushandisa manotsi acho wakavhura bhuku rino. Kana paine mibvunzo yaunenge usiri kunzwisisa, wakasununguka kubvunza munhu ari kukudzidzisa Bhaibheri kana kuti vakuru.
Vakuru pavanenge vachikurukura newe haufaniri hako kupa mhinduro dzakareba uye kutsanangura zvakawanda-wanda. Mhinduro pfupi yaunopa usingaiti zvekuverenga ndiyo yakanyanya kunaka. Kuti mhinduro yako iratidze kuti inotsigirwa neBhaibheri, zvakanaka chaizvo kuti uibatanidze nevhesi imwe chete kana kuti mbiri.
Kana vakuru vakaona kuti ruzivo rwako nezvedzidziso dzeBhaibheri dzekutanga ruchiri rushoma, vacharonga kuti ubatsirwe kuitira kuti zvikujekere uye wozokodzera kuti ubhabhatidzwe.
[Mashoko kuvakuru veungano: Mirayiridzo yezvamunofanira kuita pakukurukura nevanhu vari kuda kubhabhatidzwa iri pamapeji 208-212.]