MIBVUNZO YEVANHU VANENGE VACHIDA KUBHABHATIDZWA
Kukurukura Mashoko Ekupedzisira Nevanoda Kubhabhatidzwa
Vanhu vanowanzobhabhatidzwa pamagungano eZvapupu zvaJehovha. Hurukuro yerubhabhatidzo painenge yava kunopera, mukurukuri achakumbira vanoda kubhabhatidzwa kuti vasimuke vopindura mibvunzo miviri inotevera nenzwi guru:
1. Wakapfidza zvivi zvako ndokuzvitsaurira kuna Jehovha, uye wakabvuma kuti Jesu Kristu ndiye nzira yaMwari yeruponeso here?
2. Unonzwisisa here kuti kubhabhatidzwa kunoita kuti uve mumwe weZvapupu zvaJehovha wobatana nesangano raJehovha?
Kupindura kuti hongu kumibvunzo iyi ‘kunozivisa pachena’ kutenda rudzikinuro kunoitwa nevaya vanoda kubhabhatidzwa uye kunoratidza pachena kuti vakazvitsaurira nemwoyo wese kuna Jehovha. (VaR. 10:9, 10) Vanenge vachida kubhabhatidzwa vanofanira kunyengetera vofungisisa mibvunzo iyi kuitira kuti vazopindura maererano nezvavanotenda ivo pachavo.
Wakanyengetera kuna Jehovha uchizvitsaurira kwaari uye uchivimbisa kunamata iye ega, nekurarama uchiita kuda kwake muupenyu hwako here?
Une chokwadi chekuti wava kukwanisa kubhabhatidzwa here?
Munhu anofanira kupfeka zvipfeko zvakaita sei pakubhabhatidzwa? (1 Tim. 2:9; Joh. 15:19; VaF. 1:10)
Tinofanira kupfeka “zvinoratidza kuva nemwero uye pfungwa dzakanaka” kuti zvioneke kuti ‘takazvipira kuna Mwari.’ Saka vaya vanenge vachida kubhabhatidzwa havafaniri kupfeka zvipfeko zvinoonesa zviri mukati, kana zvakanyorwa-nyorwa. Vanofanira kupfeka zvinhu zvakachena, zvine mutsigo uye zvinoenderana nechiitiko chacho.
Munhu anofanira kuyeuka chii paanenge achibhabhatidzwa? (Ruka 3:21, 22)
VaKristu vanofanira kutevedzera zvakaitwa naJesu paakabhabhatidzwa. Aiziva kuti kubhabhatidzwa idanho rinokosha, uye izvi akazviratidza nemaitiro ake. Saka, nzvimbo yekubhabhatidzira haisi nzvimbo yekuitira zvinhu zvinosetsa, yekutambira, yekushambira, kana yekuita zvimwe zvingaita kuti chiitiko chacho chisakosha. Uyewo haufaniri kufarisa sekunge waita chimwe chinhu chinoshamisira. Kunyange zvazvo kubhabhatidzwa kuchifadza, unofanira kufara zvakadzikama.
Kugara uchipinda misangano uye uchishamwaridzana nevanhu vari muungano kuchakubatsira sei kuzadzisa mhiko yawakaita kuna Jehovha?
Paunenge wabhabhatidzwa, nei zvichikosha kuti urambe uine purogiramu yakanaka yekudzidza uri wega uye kugara uchiparidza?
MIRAYIRIDZO KUVAKURU VEUNGANO
Kana muparidzi asati abhabhatidzwa akataura kuti ava kuda kubhabhatidzwa, anofanira kukurudzirwa kuti anyatsodzokorora “Mibvunzo Yevanhu Vanenge Vachida Kubhabhatidzwa,” iri pamapeji 185-207 mubhuku rino. Anofanirawo kuudzwa kuti averenge chikamu chakanzi, “Mashoko Kumuparidzi Asati Abhabhatidzwa,” chinotangira papeji 182, chinotsanangura kuti angagadzirira sei mibvunzo yacho vakuru vasati vakurukura naye. Sezvinotaurwa muchikamu ichocho, munhu anenge achida kubhabhatidzwa akasununguka kushandisa manotsi aanenge akanyora uye kuvhura bhuku rino pamunenge muchikurukura naye. Asi hapana chikonzero chekuti mumwe munhu afanodzokorora naye mibvunzo yacho.
Munhu anenge achida kubhabhatidzwa anofanira kuudza murongi mudare revakuru. Pashure pekunge munhu wacho awana nguva yekuverenga “Mibvunzo Yevanhu Vanenge Vachida Kubhabhatidzwa,” murongi mudare revakuru achamubvunza kana akatonyengetera kuna Jehovha achizvitsaurira kuti achaita kuda kwake. Kana akazvitsaurira murongi mudare revakuru acharonga kuti vamwe vakuru vaviri vakurukure naye “Mibvunzo Yevanhu Vanenge Vachida Kubhabhatidzwa.” Mukuru mumwe chete anofanira kukurukura chikamu chimwe chete. Hamufaniri henyu kumirira kuti gungano ritange raziviswa kuti muzokurukura naye.
Pazvikamu zviviri izvi, chikamu chimwe nechimwe chinofanira kukurukurwa kweinenge awa, asi mukaona zvakakodzera munogona kuti pfuurei. Chikamu chimwe nechimwe chinofanira kutangwa uye kupedziswa nemunyengetero. Mibvunzo yacho haifaniri kukurukurwa muchimhanya-mhanya. Vakuru vanenge vanzi vaite izvi havafaniri kuita zvekuverengera.
Kakawanda zvakanaka kukurukura mibvunzo yacho nemunhu anoda kubhabhatidzwa ari ega, vasiri boka. Kana vakuru vakaita kuti anoda kubhabhatidzwa apindure mibvunzo yacho yese, vachanyatsoona manzwisisiro ake, uye kuti munhu wacho agadzirira kubhabhatidzwa here kana kuti kwete. Uyewo, munhu paanobvunzwa ari ega, anonzwa akati sunungukei kutaura zvaanofunga. Murume nemudzimai vanogona kubvunzwa vari pamwe chete.
Kana anoda kubhabhatidzwa ari hanzvadzi, mukuru anofanira kukurukura naye vari panzvimbo yavanenge vachionekwa nevamwe asi vanhu vacho vasinganzwi zviri kukurukurwa. Kana kuri kuti mukuru wacho anoda kuperekedzwa, anofanira kuenda nemumwe mukuru kana kuti mushumiri weungano, zvichienderana nechikamu chinenge chichikurukurwa, sezviri mundima inotevera.
Muungano dzine vakuru vashoma, vashumiri veungano vakakodzera vanogona kukumbirwa kuti vakurukure nevanhu vanoda kubhabhatidzwa. Vachakurukura mibvunzo inowanika ‘muChikamu 1: Dzidziso dzechiKristu.’ “Chikamu 2: Kurarama kwechiKristu.” chinofanira kungoitiswa nevakuru chete. Kana ungano iine hama shoma dzinokwanisa kuita izvi, ungano yacho inofanira kuudza mutariri wedunhu kuti aone kana ungano iri pedyo ichigona kubatsira.
Kana ari kuda kubhabhatidzwa ari mwana mudiki, uye vabereki vake vari Zvapupu, vanofanira kuvapo paanenge achibvunzwa. Kana vabereki vacho vasingakwanisi kuvapo, vakuru vaviri (kana kuti mukuru nemushumiri weungano zvichienderana nekuti chikamu chipi chiri kukurukurwa) vanofanira kumubvunza vari vese.
Vakuru vanofanira kuona kuti munhu anenge achida kubhabhatidzwa ava kunzwisisa zviri nani dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri. Uyezve, vanoda kuonawo kana munhu wacho achinyatsokoshesa chokwadi uye achiremekedza sangano raJehovha. Kana asinganzwisisi dzidziso dzekutanga dzeBhaibheri, vakuru vanoronga kuti abatsirwe kuti azokodzera kubhabhatidzwa. Vamwe vangafanira kumbopiwa nguva yekuti varatidze kuti vanokoshesa basa rekuparidza kana kuti vanozviisa pasi peurongwa hwesangano. Zvichasarira kuvakuru kuti vazive kuti ndeipi mibvunzo yavangada kupedzera nguva yakawanda pairi kuti vanyatsoona kana munhu wacho achikodzera kuzobhabhatidzwa. Kunyange zvazvo nguva yakawanda ingapedzerwa pane mimwe mibvunzo kupfuura mimwe, chinokosha ndechekuti mibvunzo yese ikurukurwe.
Vakuru vanenge vanzi vakurukure mibvunzo iyi nevanenge vachida kubhabhatidzwa vanozosangana pashure pekunge zvikamu zvese zviri zviviri zvakurukurwa voona kana munhu wacho achikodzera kubhabhatidzwa. Havafaniri kuenzanisa munhu wacho nevamwe nekuti vanhu vanosiyana pamaitiro, pamafungiro uye mamiriro avo ezvinhu anosiyanawo. Chinokosha ndechekuti munhu wacho anoda here Jehovha nemwoyo wese uye kuti anoti nzwisisei dzidziso dzeBhaibheri dzekutanga. Kana mukaramba muchimubatsira kunyange pashure pekunge abhabhatidzwa, zvichamubatsira kuti anyatsoita basa rinokosha rekuparidza mashoko akanaka.
Pashure peizvi, mukuru mumwe chete kana kuti vaviri pavakuru vakakurukura naye mibvunzo yacho anofanira kuonana nemunhu wacho, omuudza kana achikodzera kubhabhatidzwa kana kuti kwete. Kana achikodzera, mukuru wacho anofanira kudzokorora naye chikamu chinoti, “Kukurukura Mashoko Ekupedzisira Nevanoda Kubhabhatidzwa,” chiri pamapeji 206-207. Kana anga asati apedza kudzidza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!, mukuru wacho anofanira kumukurudzira kuti azopedzisa pashure pekunge abhabhatidzwa. Muudzei kuti zuva raachabhabhatidzwa richanyorwa paChinyorwa Chemuparidzi Cheungano chine zita rake. Muyeuchidzei kuti vakuru vachanyora mashoko ane chekuita naye kuitira kuti sangano rigokwanisa kuronga mabasa ane chekuita nekunamata eZvapupu zvaJehovha pasi rese uye kuti muparidzi agokwanisa kuita mamwe mabasa ane chekuita nekunamata uye kuwana rubatsiro pazvinhu zvekunamata. Uyezve vakuru vanogona kumuudza kuti mashoko avatora ane chekuita naye achashandiswa zvinoenderana nemitemo sezvakanyora paGlobal Data Protection Policy yeZvapupu zvaJehovha iri pajw.org. Kazhinji kukurukurirana uku kunoitwa mumaminitsi 10 chete kana kuti mashoma.
Kana papera gore munhu wacho abhabhatidzwa, vakuru vaviri vanofanira kuonana naye kuti vamukurudzire uye vamupe mazano anobatsira. Mumwe wevakuru vacho anofanira kunge ari mutariri weboka remuparidzi wacho. Kana muparidzi wacho mutsva ari wechidiki, uye vabereki vake vari Zvapupu, vanofanira kuvapo. Kukurukurirana kwacho kunofanira kuva neushamwari uye kuchikurudzira. Vakuru vacho vachakurukura kufambira mberi kwaari kuita mune zvekunamata vomubatsira kuti angaramba sei achidzidza ari ega, achiverenga Bhaibheri zuva nezuva, achiita kunamata kwemhuri vhiki nevhiki, achipinda misangano uye kupindurawo, uye achiparidza vhiki nevhiki. (VaEf. 5:15, 16) Kana asati apedza kudzidza bhuku raRarama Nekusingaperi Uchifara!, vakuru vacho vanofanira kuronga kuti adzidze nemumwe munhu. Kana paine zvakanaka zvaari kuita, vakuru vanofanira kunyatsomurumbidza nemwoyo wese. Asi kana paine zvavangada kuti agadzirise, ngavangotaura chimwe chete kana kuti zviviri.