RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • rj chikamu 5 pp. 12-15
  • Dzokai “Kumufudzi Nomutariri Wemweya Yenyu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dzokai “Kumufudzi Nomutariri Wemweya Yenyu”
  • Dzoka Kuna Jehovha
  • Mashoko Akafanana
  • “Dzokai Kwandiri”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Achakusimbisa
    ‘Imbira Jehovha Uchifara’
  • Achakusimbisa
    Imbirai Jehovha
  • Jehovha Anokukoshesa!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2021
Ona Zvimwe
Dzoka Kuna Jehovha
rj chikamu 5 pp. 12-15

CHIKAMU 5

Dzokai “Kumufudzi Nomutariri Wemweya Yenyu”

Pamatambudziko ataurwa mukabhuku kano, pane akafanana neauri kutarisana nawo here? Kana zvakadaro, hausi wega. Vamwe vashumiri vaMwari vakatendeka vekare nevemazuva ano vakatarisanawo nematambudziko akadaro. Jehovha anogona kukubatsirawo sezvaakavaita.

Jehovha achakubatsira kuti udzoke kwaari

IVA nechokwadi chekuti Jehovha achakubatsira kuti udzoke kwaari. Achakubatsira kuti usazvidya mwoyo, kuti ukanganwire zvawakatadzirwa nemumwe munhu uye kuti uve nehana yakachena iyo ichaita kuti ugadzikane mupfungwa nemwoyo. Kana zvadaro uchanzwa uchida kushumira Jehovha zvekare pamwe chete nevamwe vashumiri vake. Uchange wafanana nevamwe vaKristu vekutanga vakanyorerwa naPetro kuti: “Makanga makaita semakwai, akarasika; asi zvino madzokera kumufudzi nomutariri wemweya yenyu.”—1 Petro 2:25.

Hakuna chinhu chakanaka chaungaita chinopfuura kudzoka kuna Jehovha. Nei tichidaro? Uchaita kuti mwoyo waJehovha ufare. (Zvirevo 27:11) Sezvaunoziva, zvatinoita zvinogona kurwadza kana kufadza Jehovha. Asi kunyange zvakadaro, Jehovha haatimanikidze kuti timude uye kuti timushumire. (Dheuteronomio 30:19, 20) Mumwe murume anoongorora Bhaibheri akataura nezvepfungwa iyi achiti: “Dhoo remwoyo womunhu harina mubato wokunze. Rinotofanira kuvhurwa nomukati.” Kana tikashumira Jehovha nerudo zvichibva pamwoyo, tinenge tatovhura dhoo iroro. Patinodaro, tinenge tichitomupa chipo chinokosha zvikuru chekuva vakaperera kwaari, uye izvozvo zvinoita kuti mwoyo wake ufare. Zvechokwadi hakuna chingaenzaniswa nemufaro watinowana patinonamata Jehovha.—Mabasa 20:35; Zvakazarurwa 4:11.

Hanzvadzi yanga isingachaite mabasa echiKristu inotambirwa nemufaro muungano

Paunotangazve kunamata Jehovha, chido chako chekuziva nezvaMwari chichazadziswa. (Mateu 5:3) Zvinodaro sei? Vanhu vari munyika vanonetseka kuti, ‘Tiri kumboitei panyika pano?’ Vane nzara yekuda kuziva chinangwa cheupenyu. Vanodaro nekuti Jehovha akasika vanhu vaine chido ichocho. Akatisika kuti tinakidzwe nekumushumira. Hapana chimwe chinhu chingatigutsa kupfuura kuziva kuti tiri kunamata Jehovha zvichibva pamwoyo.—Pisarema 63:1-5.

Tapota, ziva kuti Jehovha anoda chaizvo kuti udzoke kwaari. Ungava sei nechokwadi nazvo? Chimbofunga izvi: Kabhuku kano kakanyorwa pashure pekufungisisa nekunyengetera. Zvichida kakaunzwa kwauri nemumwe mukuru kana kuti nemumwe muKristu. Wakabva wava nechido chekukaverenga uye kushandisa zvirimo. Zvose izvi zvinoratidza kuti Jehovha haana kukukanganwa. Ari kutokubatsira zvinyoro nyoro kuti udzoke kwaari.—Johani 6:44.

Tinogona kunyaradzwa kana tikaziva kuti Jehovha haambokanganwe vashumiri vake vakarasika. Imwe hanzvadzi inonzi Donna yakasvika pakuzvinzwisisa. Yakati: “Ndakasiya chokwadi zvishoma nezvishoma, asi ndaigara ndichifunga Pisarema 139:23, 24, iyo inoti: ‘Ndiongororei, haiwa Mwari, muzive mwoyo wangu. Ndinzverei, muzive pfungwa dzangu dzinonetsa, muone kana mandiri muine chero nzira ipi zvayo yakaipa, munditungamirire panzira isingagumi.’ Ndaizviziva kuti kunyika kwandaiva handiko kwakanga kwakandikodzera nekuti ndaishaya pandainyatsokwana, ndaifanira kuva musangano raJehovha. Ndakatanga kuona kuti Jehovha akanga asina kumbondisiya; ini ndini ndaingofanira kutsvaga nzira yekudzoka kwaari. Ndinofara zvikuru kuti ndizvo zvandakaita!”

“Ndakatanga kuona kuti Jehovha akanga asina kumbondisiya; ini ndini ndaingofanira kutsvaga nzira yekudzoka kwaari”

Tinonyengetera nemwoyo wose kuti newewo uwanezve “mufaro waJehovha.” (Nehemiya 8:10) Hauzombofi wakademba kuti wakadzokerei kuna Jehovha.

Mhinduro Dzemibvunzo Ingava Nevaya Vanoda Kudzoka Kuna Jehovha

NDOTANGIRA PAPI?

Hanzvadzi isingachaite mabasa echiKristu ichiverenga Bhaibheri

Munhu anga achirwara anogona kutora nguva asati atanga kuita zvinhu zvaaisiita zvizere. Saizvozvowo, unogona kusimbazve semuKristu kana ukatanga nekudya zvokudya zvine chokuita nekunamata zvishomanana pazuva. Usafunga kuti unofanira kubva wangotanga nekuita zvese. Zvimwe unogona kuita maminitsi mashomanana uchiverenga Bhaibheri kana kuteerera rakarekodhwa, kudzidza rimwe remabhuku edu, kuenda panzvimbo yekubudisira mashoko paIndaneti yejw.org, kana kuona imwe vhidhiyo pajw.org. Uyewo edza kupinda musangano weungano nekukurumidza. Chikuru kupinda zvose, nyengetera kuna Jehovha uchikumbira kuti akubatsire. ‘Kanda kuzvidya mwoyo kwako kwose paari, nokuti iye ane hanya newe.’​—1 Petro 5:7.

“Pandakamborega kuita mabasa ekunamata, ndainzwa ndichinyara zvekutadza kana kunyengetera. Pandakazoshinga kunyengetera, mumwe mukuru wemuungano medu akabva andishanyira. Akandibatsira kuona kuti Jehovha akanga asina kundirasa. Mukuru wacho akandikurudzira kuti nditange nekuverenga Bhaibheri zuva nezuva. Pandakadaro, ndakabva ndawana simba rekuti nditangezve kupinda misangano. Nekufamba kwenguva, ndakatanga kuparidza zvekare. Ndinofara zvikuru kuti Jehovha akaramba achindiitira mwoyo murefu.”​—Eeva.

UNGANO ICHANDITAMBIRA SEI?

Iva nechokwadi chekuti vanhu vari muungano vachakutambira nemufaro. Panzvimbo pekukushora kana kukupa mhosva, vacharatidza kuti vanokuda uye vachaedza zvese zvavanogona kuti vakukurudzire.​—VaHebheru 10:24, 25.

“Ndainyara kuenda kuImba yoUmambo. Ndainetseka kuti hama dzechiKristu dzaizondibata sei. Imwe hanzvadzi yedu yakwegura yaiva iri muungano iyi makore 30 akapfuura yakanditi: ‘Titambire mwanangu!’ Mashoko iwayo akandibaya mwoyo. Zvechokwadi kudzoka kuungano kwainge kudzoka kumba.”​—Javier.

“Ndakaenda kuImba yoUmambo ndikagara nechokumashure ndichiitira kuti vanhu vasandizive. Asi vakawanda vakandiziva nokuti ndakanga ndambopinda navo misangano ndichiri mudiki. Vakandigamuchira vachindimbundira noushamwari zvokuti ndakanzwa ndanyatsodekara. Ndaiita semwana akarasika adzoka kumba.”​—Marco.

VAKURU VACHANDIBATSIRA SEI?

Vakuru vachakubata zvakanaka. Vachakurumbidza zvikuru kuti uri kuratidza chido chekukuchidzira “rudo rwawaiva narwo pakutanga.” (Zvakazarurwa 2:4) Vachakubatsira nengoni kuti ugadzirise zvawakakanganisa, uye vachazviita “nounyoro.” (VaGaratiya 6:1; Zvirevo 28:13) Vakuru vanogona kuronga kuti mumwe munhu adzidze newe, zvimwe achishandisa mabhuku akadai saSwedera Pedyo naJehovha kana kuti “Rambai Muri Murudo rwaMwari.” Iva nechokwadi chekuti vakuru vachakunyaradza uye kuti vacharamba vachikutsigira.​—Isaya 32:1, 2.

“Kwemakore masere andakanga ndisingaiti mabasa echiKristu, vakuru vaigara vachiedza kundibatsira. Rimwe zuva, mumwe mukuru akandiratidza mapikicha atakambotorwa tese. Mapikicha iwayo akandidzora ndangariro zvokuti ndakatanga kushuva mufaro wandaiwana pandaishumira Jehovha. Vakuru vakandibatsira kuti ndivezve nepurogiramu yekuita zvinhu zvekunamata.”​—Victor.

“Achakusimbisa”

Hanzvadzi mbiri dzichiimba pamisangano dzakabata bhuku rimwe chete renziyo

Bhuku redu renziyo, Imbirai Jehovha, rine nziyo dzakawanda dzinonakidza dzinogona kukunyaradza uye kukukurudzira pauri kutangazve kunamata Jehovha. Somuenzaniso, chimbofunga nezvemashoko erwiyo nhamba 60. Rwiyo urwu runobva pana 1 Petro 5:10 uye rune musoro unoti, “Achakusimbisa.”

  1. Nei Jehovha akakupa chokwadi

    Akakudana ubve murima?

    Akaona chido chaiva mumwoyo

    Chokumuda nechezvakanaka.

    Wakavimbisa kumuterera.

    Akabatsira, achabatsira.

  2. Mwari akapa Mwanakomana wake,

    Saka anoda kuti ukunde.

    Zvaasina kutinyima Mwana wake,

    Achakupa simba raunoda.

    Haazokanganwi rudo rwako;

    Haazotadzi kutitsigira.

    (KORASI)

    Mwari akakutenga neropa raJesu.

    Achakutsigisa, achakusimbisa.

    Achavazve newe, achakudzivirira.

    Achakutsigisa, achakusimbisa.

Imbirai Jehovha​—⁠Dzemarimba

Kuti unzwe dzimwe nziyo dzeUmambo, enda pakanzi MABHUKU > MIMHANZI.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe