RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • ypq mubvunzo 10 pp. 30-31
  • Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?
  • Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
  • Mashoko Akafanana
  • Tese Tinotofanira Kuziva Zvakanaka Nezvakaipa
    TNharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2024
  • Unoona Sei Bhaibheri?
    Unoona Sei Bhaibheri?
  • Mamwe Mazano Ekubatsira Mhuri
    Mukai!—2018
  • Vabereki Vangawanepi Mamwe Mazano?
    Mukai!—2019
Ona Zvimwe
Mhinduro 10 Dzemibvunzo Yevechiduku
ypq mubvunzo 10 pp. 30-31
Mukomana akagara panze achiverenga Bhaibheri

MUBVUNZO 10

Bhaibheri Ringandibatsira Sei Muupenyu?

NEI UCHIFANIRA KUZVIZIVA?

Bhaibheri rinoti: “Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari.” (2 Timoti 3:16) Kana mashoko aya ari echokwadi, Bhaibheri rinogona kukutungamirira.

WAIZOITA SEI?

Chimbofungidzira izvi: David ari kutyaira asi nzvimbo yaari kuona itsva kwaari. Zvinhu zvaari kuona zvinomuratidza kuti arasika. Kunenge kuti pane mugwagwa waatora usiri iwo.

Dai uriwe David, waizoita sei?

CHIMBOMIRA UFUNGE!

Pane zvaunogona kuita:

  1. Kubvunza nzira.

  2. Kushandisa mepu kana kuti GPS.

  3. Kuramba uchityaira, uchingoti zvimwe uchawana nzira yauri kuda.

Kuita zviri paC hakunyatsobatsira.

Zviri paB zviri nani pane zviri paA nekuti mepu kana kuti GPS unenge uinazvo kuti zvikubatsire kusvika kwauri kuenda.

Ndizvo zvakaita Bhaibheri!

Ndiro bhuku rinotengwa kupfuura mamwe ese uye rinogona kukubatsira

  • mumatambudziko eupenyu

  • kuziva kuti uri munhu akaita sei uye wova neunhu hwakanaka

  • kuti urarame upenyu hune chinangwa

MHINDURO DZEMIBVUNZO INOKOSHA

Kubva patinongogona kutaura, tinobvunza mibvunzo.

  • Nei denga riri reblue?

  • Nyeredzi dzakagadzirwa nei?

Patinokura tinotanga kubvunza mibvunzo yezvinenge zvichiitika muupenyu.

  • Nei zvinhu zvakaipa zvichiitika?

  • Nei vanhu vachifa?

Ko kana mhinduro dzemibvunzo iyi dzirimo muBhaibheri?

Vanhu vakawanda vanoti Bhaibheri munya, rizere nengano, kana kuti rakaoma kunzwisisa. Asi dambudziko riri paBhaibheri here kana kuti riri pane zvavakanzwa kuti ndizvo zvarinotaura? Havana kunyeperwa here?

Somuenzaniso, vanhu vanofunga kuti Bhaibheri rinoti Mwari ndiye ari kutonga pasi rose. Asi tingati ndiMwari here? Zviri kuitika panyika hazvichaiti! Pakazara nemarwadzo, kutambura, kurwara, rufu, urombo uye njodzi. Mwari ane rudo angakonzera zvose izvi here?

Unoda kuziva mhinduro yacho here? Zvimwe ungashamiswa nezvinotaurwa neBhaibheri nezvekuti ndiani ari kutonga pasi rose!

Pamwe watoona kuti mazano ari mubhuku rino anobva muBhaibheri. Zvapupu zvaJehovha zvinoti Bhaibheri ndiro rinogona kutitungamirira. Vanovimba naro nekuti ‘rakafuridzirwa naMwari uye rinobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.’ (2 Timoti 3:16, 17) Kana ukaongorora bhuku iri rakanyorwa kare asi richiri kushanda mazuva ano, uchaona kubatsira kwarinoita!

ONA ZVIMWE!

Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri?

Ona vhidhiyo inonzi Nei Uchifanira Kudzidza Bhaibheri? iri pawww.pr2711.com.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe