RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 4 p. 16-p. 17 ndim. 2
  • Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 4 p. 16-p. 17 ndim. 2
Kaini anotsamwa Abheri paanopa chinopiwa chake kuna Jehovha

CHIDZIDZO 4

Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya

Adhamu naEvha pavakanga vabuda mumunda weEdheni, vakava nevana vakawanda. Mwanakomana wavo wekutanga, Kaini, akava murimi, uye mwanakomana wavo wechipiri, Abheri, akava mufudzi wemakwai.

Rimwe zuva Kaini naAbheri vakaenda nezvinopiwa kuna Jehovha. Unoziva here kuti chii chinonzi chinopiwa? Chinopiwa, chipo chakakosha chaizvo. Jehovha akafadzwa nechinopiwa chaAbheri, asi haana kufadzwa nechaKaini. Izvozvo zvakaita kuti Kaini atsamwe chaizvo. Jehovha akanyevera Kaini kuti hasha dzake dzaizogona kuita kuti aite zvakaipa. Asi Kaini haana kuteerera.

Pane kuti ateerere Jehovha, Kaini akati kuna Abheri: ‘Handei kusango.’ Pavakanga vari vega kusango, Kaini akarova munin’ina wake akamuuraya. Jehovha aizoita sei nazvo? Jehovha akaranga Kaini nekumudzinga kuti aende kure nemhuri yavo. Kaini akanga asingachabvumidzwi kuti adzoke zvakare.

Kaini anoenda kuna Abheri vari musango

Pane zvatinodzidzawo here? Tinogona kutanga kunzwa hasha kana zvinhu zvikaitika nenzira yatanga tisingafungiri. Kana izvozvo zvikaitika—kana kuti tikatsiurwa nevamwe vanhu pavanoona kuti tava kutanga kuva nehasha—tinofanira kukurumidza kudzora hasha dzedu.

Jehovha acharamba achiyeuka Abheri nekuti aiita zvakanaka uye aida Jehovha. Mwari paachaita kuti nyika ive paradhiso, achamutsawo Abheri.

“Tanga wayanana nehama yako, wozodzoka wopa chipo chako.”—Mateu 5:24

Mibvunzo: Vana vaviri vekutanga vaAdhamu naEvha vaiva vanaani? Nei Kaini akauraya munin’ina wake?

Genesisi 4:1-12; VaHebheru 11:4; 1 Johani 3:11, 12

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe