RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w02 8/1 p. 28
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mashoko Akafanana
  • Kupa Zvibayiro Zvinogamuchirwa naJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mukoma Nomunun’una Vakava Nemafungiro Akasiyana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Mwanakomana Akanaka, Nowakaipa
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Hasha Dzakaita Kuti Apedzisire Auraya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
w02 8/1 p. 28

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Abheri aiziva here kuti munhu anofanira kubayira mhuka kuti adiwe naMwari?

Nhoroondo yeBhaibheri yaKaini naAbheri vachipa zvibayiro zvavo ipfupi zvikuru. Pana Genesi 4:3-5 tinoverenga kuti: “Zvino nguva yakati yapfuura, Kaini akauya nezvibereko zvevhu, chive chipo kuna Jehovha. NaAbheriwo akauya nemakwai ake emhongora nemafuta awo. Jehovha ndokugamuchira Abheri nechipiriso chake; asi Kaini nechipiriso chake haana kuchigamuchira.”

MuBhaibheri, hapana panotaurwa kuti izvi zvisati zvaitika Jehovha akapa mashoko chaiwo maererano nezvibayiro kana kuti zvibayiro zvorudzii zvaaizogamuchira. Nokudaro, zviri pachena kuti Kaini naAbheri vakapa zvipo zvavo vachizvifungira. Vakarambidzwa kuenda kumusha wevabereki vavo weParadhiso yepakuvamba; vakatanga kuona migumisiro yechivi; uye vakanga vava vatorwa kuna Mwari. Sevanhu vanotadza uye vanonzwisa urombo, vanofanira kuva vakaziva chaizvo kuti vanofanira kuenda kuna Mwari kuti avabatsire. Kupa Mwari chipo kunofanira kuva kwaibva pamwoyo kuti vawane nyasha dzaMwari.

Sezvakazoitika, Mwari akagamuchira chibayiro chaAbheri, asi haana kugamuchira chaKaini. Nemhaka yei? Yaiva mhaka yokuti Abheri akapa zvinhu zvakarurama uye Kaini haana kudaro here? Hatikwanisi kuva nechokwadi chokuti rudzi rwechibayiro rwakanga rusinei nokugamuchirwa kana kusagamuchirwa kwacho, sezvo pasina mumwe wavo akanga audzwa kuti chii chinogamuchirika uye chii chisingagamuchiriki. Zvisinei, kunenge kuti chero chibayiro chaigamuchirika. MuMutemo wakazopiwa kurudzi rwaIsraeri naJehovha, zvibayiro zvaigamuchirika zvaisanganisira kwete mhuka kana nyama yemhuka chete asiwo zviyo zvakakangwa, bhari, furawa yakatsetseka, zvinhu zvakabikwa, uye waini. (Revhitiko 6:19-23; 7:11-13; 23:10-13) Saka zvakanga zvisiri zvinhu zvacho pachazvo zvakapiwa naKaini naAbheri zvakaita kuti Mwari agamuchire chimwe achiramba chimwe.—Enzanisa naIsaya 1:11; Amosi 5:22.

Mazana emakore pave paya, muapostora Pauro akati: “Nokutenda Abheri akapa Mwari chibayiro chaikosha kupfuura chaKaini, kunove kutenda kwaakapupurirwa nakwo kuti akanga akarurama, Mwari achipupurira pamusoro pezvipo zvake.” (VaHebheru 11:4) Nokudaro, kwakanga kuri kutenda kwaAbheri kwakaita kuti anzi naMwari akarurama. Asi kutenda muchii? Kutenda muchipikirwa chaJehovha chokuti aizogovera Mbeu, iyo yaizo‘pwanya musoro wenyoka’ kwava kudzorera rugare uye kukwana kuvanhu sezvavaiva vakaita pakutanga. Kubva mumashoko okuti Mbeu yaizo‘pwanywa chitsitsinho,’ Abheri angave akafunga kuti chibayiro chinosanganisira kuteura ropa chakanga chichidiwa. (Genesi 3:15) Chero zvazviri, chokwadi chinoramba chiripo chokuti kuratidza kutenda kwakaitwa naAbheri kwakaita kuti “chibayiro [chake chikoshe] kupfuura chaKaini.”

Tiine pfungwa iyi, Kaini akarambwa, kwete nemhaka yokuti akapa rudzi rusina kururama rwechibayiro, asi nemhaka yokuti akanga asina kutenda, sezvinoratidzwa nezviito zvake. Jehovha akanga ataura zvakananga naKaini kuti: “Kana ukaita zvakanaka, haungafari here pachiso chako?” (Genesi 4:7) Mwari haana kuramba Kaini nemhaka yokusafarira chibayiro chake. Asi nokuti “mabasa ake akanga akaipa”—zvichiratidzwa negodo, ruvengo, uye pakupedzisira kuponda—ndizvo zvakaita kuti Kaini arambwe naMwari.—1 Johani 3:12.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe