RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 8 p. 26-p. 27 ndim. 1
  • Abrahamu naSara Vakateerera Mwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Abrahamu naSara Vakateerera Mwari
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Abrahamu Aiva Ani?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Abrahama—Shamwari yaMwari
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Abrahama naSara—Unogona Kutevedzera Kutenda Kwavo!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Jehovha Akamuti “Shamwari Yangu”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 8 p. 26-p. 27 ndim. 1
Abrahamu naSara vari kurongedza zvinhu zvavo vasati vabuda muUri

CHIDZIDZO 8

Abrahamu naSara Vakateerera Mwari

Pedyo neBhabheri paiva neguta rainzi Uri. Vanhu vaiva ikoko vakanga vasinganamati Jehovha asi vainamata vanamwari vakawanda. Asi muUri maiva nemumwe murume ainamata Jehovha chete. Zita rake ainzi Abrahamu.

Jehovha akati kuna Abrahamu: ‘Siya musha wako nehama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’ Mwari akabva amuvimbisa kuti: ‘Uchava rudzi rwakakura, uye ndichaitira vanhu vakawanda vari panyika zvinhu zvakanaka nekuda kwako.’

Abrahamu akanga asingazivi kwaakanga anzi naJehovha aende, asi akavimba naJehovha. Saka Abrahamu, mudzimai wake Sara, baba vake Tera, naRoti mwana wemukoma wake, vakatora zvinhu zvavo ndokutanga rwendo rwavo rwakareba sezvakanga zvataurwa naJehovha.

Abrahamu akanga ava nemakore 75 paakazosvika nemhuri yake kunyika yavakanga vanzi naJehovha vaende. Nyika yacho yainzi Kenani. Ikoko, Mwari akataura naAbrahamu uye akamuvimbisa kuti: ‘Ndichapa vana vako nyika yese iyi yauri kuona.’ Asi Abrahamu naSara vakanga vakwegura, uye vakanga vasina kana mwana. Saka Jehovha aizozadzisa sei vimbiso yake?

Abrahamu nemhuri yake vachienda kunyika yeKenani

“Nekutenda, Abrahamu . . . akateerera akaenda kunzvimbo yaaizofanira kugamuchira senhaka; akabuda, kunyange zvazvo akanga asingazivi kwaakanga achienda.”—VaHebheru 11:8

Mibvunzo: Jehovha akaudza Abrahamu kuti aitei? Jehovha akavimbisei kuna Abrahamu?

Genesisi 11:29-12:9; Mabasa 7:2-4; VaGaratiya 3:6; VaHebheru 11:8

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe