Vakaita Kuda kwaJehovha
Kutenda Kwevabereki Kunotuswa
KUVAISRAERI, kuberekwa kwemwanarume kwakanga kuri chikonzero chokufara kukuru. Kwaireva kuti mutsara wedzinza waizopfuurira uye kuti nhaka yenyika yaizoramba iri mumhuri. Asi munenge mugore ra1593 B.C.E., kubereka mwanakomana kungava kwakaratidzika zvikuru sekutuka kupfuura chikomborero kuvaHebheru. Nei? Nemhaka yokuti Farao weEgipita, achitya vagari vanowanda nokukurumidza veChijudha munharaunda yaaidzora, akanga arayira kuti vanarume vavo vose vachangoberekwa vaifanira kuurawa.—Eksodho 1:12, 15-22.
Makanga muri mukati mouku kuedza kuparadza rudzi kunotyisa umo Amrami naJokebhedhi, varoorani vechiHebheru, vakava vabereki kumwana mukomana akaisvonaka. Kuri nyore kufungidzira kudzongonyedzwa kungave kwakaitwa mufaro wavo norutyo apo vakayeuka murayiro waFarao. Bva, sezvo Amrami naJokebhedhi vakatarira mwana wavo mukomana, vakasarudza zvakasimba kusamurega, pasinei zvapo nemigumisiro.—Eksodho 2:1, 2; 6:20.
Kuita Mukutenda
Kwemwedzi mitatu Amrami naJokebhedhi vakachengeta mwana wavo akavanzwa. (Eksodho 2:2) Ikoku kwakanga kune ngozi, zvisinei, sezvo vaHebheru nevaEgipita vaigara pedyo nepedyo. Ani naani aiwanikwa achiedza kufuratira murayiro waFarao sezvinobvira aizorangwa norufu—uye mwana wacho aizofawo. Chii, ipapoka, icho ava vabereki vakazvipira vaigona kuita kuti vachengete mwanakomana wavo uye ivo vamene vari vapenyu?
Jokebhedhi akaunganidza tsanga duku. Tsanga muti wakasimba, wakafanana nemushenjere, uye une dzinde rine mativi matatu akakora sechigunwe. Ungasvika mamita 6 muurefu. VaEgipita vaishandisa uyu muti kugadzira mapepa, maponde, machira okufambisa ngarava, shangu, uye ngarava duku.
Jokebhedhi akagadzira nedzinde racho bhokisi rakakura zvakakwana kuti rikwane mwana wake. Tevere akashandisa bhitumini nenamo kubatanidza bhokisi racho pamwe chete uye kuriita kuti risapinde mvura. Jokebhedhi ipapo akaisa mwana wake mubhokisi racho uye akariisa pakati petsanga pamahombekombe eRwizi rwaNire.—Eksodho 2:3.
Mwana Anowanwa
Mwanasikana waJokebhedhi, Miriami, akamira pedyo kuti aone chaizotevera kuitika. Ipapo mwanasikana waFarao akauya kuna Nire kuzogeza.a Zvichida Jokebhedhi aiziva kuti mwanasikana wamambo aiwanzoshanyira urwu rutivi rwaNire uye akasiya bhokisi racho achiziva uko raigona kuwanikwa zviri nyore. Muchiitiko chipi nechipi, mwanasikana waFarao akakurumidza kuona bhokisi racho rakaiswa pakati petsanga, uye akatuma mumwe wevarindiri vake kunoritora. Apo akaona mwana aichema ari mukati, tsitsi dzake dzakanyandurwa. Akaziva kuti uyu akanga ari mwana wevaHebheru. Bva, aigona sei kuita kuti mwana akaisvonaka zvakadaro apondwe? Kunze kwemutsa wemunhu, mwanasikana waFarao angave akapesvedzerwa nechitendero chakanga chakakurumbira cheEgipita chokuti kubvumirwa kupinda mudenga kwaitsamira pachinyorwa chezviito zvemutsa mukati menduramo yemunhu.b—Eksodho 2:5, 6.
Miriami, uyo akanga achitarira ari kure, akasvika mwanasikana waFarao. “Ko handingaendi ndikakudanirai mumwisi kuvakadzi vavaHebheru, kuti akumwisirei mwana here?” akabvunza kudaro. Mwanasikana wamambo akapindura kuti: “Enda.” Miriami akamhanyira kuna amai vake. Pasina nguva refu, Jokebhedhi akanga amira pamberi pemwanasikana waFarao. “Tora mwana uyu, undimwisire iye,” mwanasikana wamambo akadaro kwaari, “ndigokupa mubayiro wako.” Kungasanova kuti panguva ino mwanasikana waFarao akaziva kuti Jokebhedhi akanga ari amai vemwana wacho.—Eksodho 2:7-9.
Jokebhedhi akachengeta mwana wake kutozosvikira arumurwa.c Ikoku kwakamupa mikana yakawanda inokosha yekumudzidzisa pamusoro paMwari wechokwadi, Jehovha. Ipapo Jokebhedhi akadzosa mwana kumwanasikana waFarao, uyo akatumidza mukomana wacho zita rokuti Mosesi, rinoreva kuti “ndamunyukura mumvura.”—Eksodho 2:10.
Chidzidzo Nokuda Kwedu
Amrami naJokebhedhi vakashandisa zvakazara mukana mupfupi wavakanga vanawo kudzidzisa mwanakomana wavo nheyo dzekunamata kwakachena. Vabereki nhasi vanofanira kuita zvimwe chetezvo. Zvirokwazvo, kunokosha kuti vaite saizvozvo. Satani Dhiyabhorosi “unofamba-famba seshumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.” (1 Petro 5:8) Angada kuva sevanyajambwa vake pwere dzinokosha—vakomana nevasikana—vane kariro yekuva vabatiri vakaisvonaka vaJehovha. Makore adzo mashoma haanyanduri tsitsi dzake! Mukurangarira izvozvi, vabereki vakachenjera vanorovedza vana vavo vacheche kutya Mwari wechokwadi, Jehovha.—Zvirevo 22:6; 2 Timotio 3:14, 15.
Pana VaHebheru 11:23, nhamburiko yaAmrami naJokebhedhi yekuvanza mucheche wavo mukati memwedzi mitatu yekutanga yeupenyu hwake yakanyorwa sechiito chokutenda. Ava vabereki vose vaviri vanotya Mwari vakaratidza chivimbo musimba raJehovha rokuponesa kupfurikidza nokuramba kurega mwana wavo, uye nokuda kwaizvozvi vakakomborerwa. Isuwo tinofanira kuratidza kuomerera kwakasimba kumitemo yaJehovha nenheyo, tine chivimbo chokuti chipi kana chipi Jehovha anobvumidza kuuya patiri pakupedzisira chichashanda nokuda kwegarikano yedu isingagumi nomufarwa.—VaRoma 8:28.
[Mashoko Omuzasi]
a VaEgipita vainamata Nire samwari weruzvaro. Vaidavira kuti mvura yarwo yakanga ine simba rokupa kubereka uye kunyange kurebesa upenyu.
b VaEgipita vaidavira kuti parufu mudzimu wemunhu waidzokorora pamberi paOsiris kutaura kwakadai sokuti “Handina kutambudza munhu upi noupi,” “Handina kunyima mukaka kumiromo yevanoyamwa,” uye “Ndakapa chingwa kuvakanga vane nzara uye zvokunwa kuuyo akanga ane nyota.”
c Munguva dzakare, vana vakawanda vaiyamwiswa kwenguva yakareba zvikuru kupfuura zvinowanzoitwa nhasi. Samueri sezvingabvira akanga ane anenge makore matatu okukura apo akarumurwa, uye Isaka akanga ane anenge makore mashanu.