RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 24 p. 62-p. 63 ndim. 2
  • Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mhuru Yendarama
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Kusvika Pakuziva Nzira dzaJehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Sinai—Gomo raMosesi Nengoni
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 24 p. 62-p. 63 ndim. 2
VaIsraeri vari kuimba vachitamba pamberi pemhuru yegoridhe

CHIDZIDZO 24

Havana Kuita Zvavakanga Vavimbisa

Jehovha akati kuna Mozisi: ‘Uya kuno kugomo kwandiri. Ndichanyora mitemo yangu pamahwendefa ematombo ndobva ndakupa.’ Mozisi akakwira mugomo uye akagaramo kwemazuva 40 neusiku 40. Mozisi paakanga ari mugomo, Jehovha akanyora Mirayiro Gumi pamahwendefa maviri ematombo uye akabva amupa mahwendefa acho.

Mozisi ari kukanda mahwendefa ematombo pasi

Kwapera nguva, vaIsraeri vakafunga kuti Mozisi ainge avasiya. Vakati kuna Aroni: ‘Tinoda munhu anotitungamirira. Tigadzirire mwari!’ Aroni akati: ‘Ndipei goridhe renyu.’ Akanyungudutsa goridhe racho akabva aumba chidhori chakaita semhuru. Vanhu vakabva vati: ‘Mhuru iyi ndiyo Mwari wedu akatibudisa muIjipiti!’ Vakabva vatanga kunamata mhuru yacho yegoridhe uye vakaita mabiko. Izvozvo zvakanga zvakaipa here? Ehe, nekuti vanhu vacho vakanga vavimbisa kuti vaizonamata Jehovha chete. Asi iye zvino vakanga vasisiri kuita zvavakanga vavimbisa.

Jehovha akaona zvakanga zvichiitika, achibva audza Mozisi kuti: ‘Buruka uende kune vanhu. Havasi kunditeerera uye vari kutonamata Mwari wenhema.’ Mozisi akabva aburuka mugomo, akatakura mahwendefa maviri aya.

Paakasvika pedyo nemusasa, Mozisi akanzwa vanhu vachiimba. Akabva avaona vachitamba uye vachikotamira mhuru iya. Mozisi akatsamwa zvikuru. Akakanda mahwendefa maviri aya pasi, uye mahwendefa acho akabva apwanyika. Mozisi akabva aparadza mhuru iya. Zvadaro akabvunza Aroni kuti: ‘Zvakafamba sei kuti vanhu vakunyengetedze kuti uite chinhu chakaipa kudai?’ Aroni akati: ‘Usagumbuka. Unonyatsoziva vanhu ava kuti vanhu vakaita sei. Vakanga vachida mwari, saka ndakakanda goridhe ravo mumoto uye pakabva pabuda mhuru iyi!’ Aroni aisafanira kunge akaita izvozvo. Mozisi akadzokera mugomo uye akakumbira Jehovha kuti akanganwire vanhu vacho.

Jehovha akakanganwira vaya vaida kumuteerera. Waona here kuti zvakanga zvakakosha kuti vaIsraeri vateerere Mozisi uyo aivatungamirira?

“Pese paunoita mhiko kuna Mwari, usanonoka kuiripa, nekuti haafariri mapenzi. Ripa zvaunenge wapika.”—Muparidzi 5:4

Mibvunzo: VaIsraeri vakaitei Mozisi paakanga asipo? Mozisi akaitei paakadzoka?

Eksodho 24:12-18; 32:1-30

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe