Zviono zvomuNyika Yakapikirwa
Sinai—Gomo raMosesi Nengoni
APO unofunga nezveGomo reSinai, iwe zvimwe unorangarira Mosesi. Neiko? Nemhaka yokuti Mosesi akagamuchira Mutemo waMwari pane rimwe gomo paPeninsula yeSinai. Gomo ripi? Sezvinobvira zvikuru iro rinoratidzwa pamusoro apa.a
Murutivi rwokumaodzanyemba rwepeninsula yacho, panenge pakati pepanopinda munyika peGungwa Dzvuku, pane mukwingwiziri une urengarenga huviri. Nzvimbo yacho yose inokodzera nhauro dzeBhaibheri dzinobatanidza Mosesi. Urengarenga humwe hunonzi Jebel Musa, kureva kuti “Gomo raMosesi.”
Nhauro dzeBhaibheri dzakasiana-siana dzinoita kuti zita iroro rive rakakodzera zvikuru. Unoyeuka here kuti Mosesi akanga achifudza makwai aJetero apo ngirozi yakaoneka mugwenzi rinopfuta mwoto? Kwakanga kuri kupi? Bhaibheri rinotaura kuti pakanga pari pa‘Gomo raMwari wechokwadi, Horebhi,’ iro rinonziwo Gomo reSinai. (Eksodho 3:1-10; 1 Madzimambo 19:8) Pashure pokunge Mosesi atungamirira vanhu vaMwari kubuda muEgipita, akavaunza pano. Eksodho 19:2, 3 inotaura kuti “vaIsraeri vakavakapo misasa pamberi pegomo. Zvino Mosesi akakwira kuna Mwari, Jehovha ari mugomo akamudana.”
Ikoko kwakanga kuri kukwira kwokutanga kwaMosesi muGomo reSinai, uye iye akaita zvinopfuura kufamba rwendo rupfupi achikwira mikwidza. Tinorava, kuti: “Jehovha akaburukira pamusoro peGomo reSinai, Jehovha akadana Mosesi kuti akwire kumusoro wegomo.”—Eksodho 19:20.
Zviuru zvavashanyi vomuzuva razvino uno zvakaparapatika zvichikwira mutunzira twakaratidzirwa usiku kuti vasvike urengarenga, vakagara nguva refu kuti vaone kubuda kwezuva, uye ipapo vakaburuka panguva yezvokudya zvamasikati. Kwakanga kusina kudaro naMosesi. Mwari akamuudza, kuti: “Kwira kwandiri muno mugomo, ugarepo; ndichakupa mahwendefa amabwe ano murairo.” Panguva iyoyo “Mosesi akagara mugomo mazuva ana makumi mana nousiku huna makumi mana.”—Eksodho 24:12-18.
Naizvozvo kunonzwisisika kuti zita raMosesi rinobatanidzwa neiri gomo, asi neiko ne“ngoni”? Eya, sezvo Mosesi akanga ari imomo achigamuchira Mutemo, vanhu vaiva mubani riri pasi (zvichida muBani reer-Raha mumufananidzo) vakaita noupenzi. Ivo vakadzvinyirira mukoma waMosesi kupinda mukuita mwari. Aroni akati: “Gurai zvidhori zvendarama zviri panzeve . . . muuye nazvo kwandiri.” Nokudaro vakaita mhuru yendarama yokunamata. Ikoku kwakashatirisa Mwari wechokwadi ndokutungamirira kurufu rwezviuru. (Eksodho 32:1-35) Asi Aroni akaratidzwa ngoni ndizvo akaponeswa. Neiko?
Tsinhiro yaMwari iri pana Eksodho 32:10 inokarakadza kuti iye haana kurangarira Aroni somukuchidziri mukuru muchakaipa chaIsraeri. Uye apo chisarudzo chokupedzisira chakasvika, “vana vavaRevhi vose” vakasarudza rutivi rwaMwari, uko nenzira isingapanikirwi kwakabatanidza Aroni. (Eksodho 32:26) Naizvozvo pasinei zvapo nokuwana kwaAroni mhaka yakati, iye akagamuchira ngoni dzaMwari pajinga reGomo reSinai.
Gare gare, Mosesi akataura chishuvo chokuziva Jehovha zviri nani nokuona mbiri Yake. (Eksodho 33:13, 18) Nepo kwakanga kusingabviriri Mosesi kuona chiso chaMwari, Jehovha akamuratidza imwe yembiri Yake, achisimbisa kuti Iye “acharatidza ngoni kumunhu uyo [Iye] angaratidza ngoni.” (Eksodho 33:17–34:7, NW) Kwakanga kwakakodzera zvikurusa kuti Mwari asimbise ngoni dzake, nokuti Bhaibheri rinoshandisa “ngoni” kazhinji kazhinji zvikurusa pamusoro pokubata kwaMwari naIsraeri, uyo iye akapinza musungano paSinai.—Pisarema 103:7-13, 18.
Vashanyi kuGomo reSinai nhasi vanowana mujinga maro imba yamamongi, iyo isingatongoyeuchidzi munhu nezvokunamata kwechokwadi uko Mosesi akadzidza pamusoro pako pagomo riri pamusoro. Panzvimbo pezvo, rudzidziso rwomumba yamamongi runonangidzira ngwariro pamifananidzo. Unoratidzwa pano i“The Ladder to Paradise.” Wakavakirwa pabhuku rakanyorwa nomumongi weByzantine John Climacus. Pashure pokupedza makore 40 ari musero yamamongi, iye akava mukuru weimba yamamongi ndokunyora pamusoro pamanera okufananidzira okukwira kudenga. Asi cherechedza kuti vamwe vafundisi vanoratidzirwa savanokweviwa namadhemoni vachidzika kuruparadziko rusingagumi muhero yomwoto. Yakajeka, asi haisati iri yapamagwaro.—Muparidzi 9:5, 10; Jeremia 7:31.
Mukupesana nedzidziso iyoyo yenhema, zvokwadi ndeyokuti Wamasimba ose ndi“Mwari uzere nyasha nengoni, unononoka kutsamwa, une tsitsi huru nezvokwadi.” (Eksodho 34:6) Mosesi akaswedera pedyo nouyu Mwari ane ngoni paGomo reSinai.
[Mashoko Omuzasi]
a Nokuda kwechiono chikuru zvikuru, ona 1993 Karenda yeZvapupu zvaJehovha.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 8]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 9]
Pictorial Archive (Near Eastern History) Est.