RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 26 p. 66-p. 67 ndim. 1
  • Vasori 12

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vasori 12
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Tsori 12
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Unotevera Jehovha Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Zvakayeukwa naJoshua
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Vimba naJehovha Nomwoyo Wako Wose
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 26 p. 66-p. 67 ndim. 1
Varume vechiIsraeri vari kuongorora nyika yeKenani

CHIDZIDZO 26

Vasori 12

VaIsraeri vakabva paGomo reSinai vachibva vafamba nemurenje reParani ndokuenda kunzvimbo inonzi Kadheshi. Ikoko, Jehovha akaudza Mozisi kuti: ‘Tuma varume 12, kubva mudzinza rimwe nerimwe, kuti vaende kunoongorora nyika yeKenani, iyo yandichapa vaIsraeri.’ Vanhu vanoita basa rekuongorora dzimwe nyika pachivande, vanonzi “vasori.” Saka Mozisi akasarudza varume 12, akabva avaudza kuti: ‘Endai kuKenani munoona kuti nyika yacho inoita here kurima zvokudya. Onai kuti vanhu vacho vane simba here kana kuti havana, uye kuti vanogara mumatende here kana kuti mumaguta.’ Vasori vacho 12, kusanganisira Joshua naKarebhi, vakabva vaenda kuKenani.

VaIsraeri vari kugunun’una uye vanoora mwoyo

Kwapera mazuva 40, vasori vacho vakadzoka, vakauya vaine maonde, mapomegraneti nemazambiringa. Vasori vacho vakati: ‘Nyika yacho yakanaka, asi vanhu vacho vane simba uye maguta avo ane masvingo akareba.’ Ipapo Karebhi akabva ati: ‘Tinogona kuvakunda. Ngatitoendai!’ Unoziva here kuti nei Karebhi akataura izvozvo? Nekuti iye naJoshua vaivimba naJehovha. Asi vamwe vasori 10 vakati: ‘Aiwa! Vanhu vacho vahombe, kunge hofori! Isu taitoita sehwiza kana tichienzaniswa navo.’

VaIsraeri vakabva vaora mwoyo. Vakatanga kuchema-chema, vachitaurirana kuti: ‘Ngatisarudzei mumwe mutungamiriri tidzokere kuIjipiti. Tingaenderei kunyika yakadaro kwatinogona kunourayiwa?’ Joshua naKarebhi vakati: ‘Regai kupandukira Jehovha, uye musatya. Jehovha achatidzivirira.’ Asi vaIsraeri havana kuteerera. Vaitoda kuuraya Joshua naKarebhi!

Jehovha akaitei? Akati kuna Mozisi: ‘VaIsraeri ndakavaitira zvakawanda, asi nanhasi havasi kunditeerera. Saka vachagara muno murenje kwemakore 40, uye ndimo mavachafira. Vana vavo chete, uyewo Joshua naKarebhi ndivo vachagara munyika yandakavimbisa kuti ndichavapa.’

“Muri kutyeiko, imi mune kutenda kudiki?”—Mateu 8:26

Mibvunzo: Chii chakaitika vasori 12 pavakadzoka kubva kuKenani? Joshua naKarebhi vakaratidza sei kuti vaivimba naJehovha?

Numeri 13:1–14:38; Dheuteronomi 1:22-33; Pisarema 78:22; VaHebheru 3:17-19

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe