RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • my story 38
  • Tsori 12

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tsori 12
  • Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vasori 12
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Unotevera Jehovha Zvizere Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
  • Joshua Anova Mutungamiriri
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Mosesi Anorova Dombo
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
Ona Zvimwe
Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
my story 38
Joshua naKarebhi nedzimwe tsori vachiratidza Mozisi michero yemunyika yeKenani

NHAU 38

Tsori 12

TARIRA michero yakatakurwa navarume ava. Ona makurire akaita chisumbu icho chamazambiringa. Kuchitakura padanda kunoda varume vaviri. Uye ona maonde namatamba. Ko michero iyi yakanaka yakabva kupi? Kunyika yeKanani. Yeuka, Kanani ndikwo kwaichimbogara Abrahama, Isaka naJakobho. Asi nokuda kwenzara ikoko Jakobho, nemhuri yake, vakatamira Egipita. Zvino, anenge makore 216 apashure, Mosesi ari kudzorera vaIsraeri kuKanani. Vasvika munzvimbo iri murenje inonzi Kadheshi.

Vanhu vakaipa vanogara muKanani. Mosesi anotuma tsori 12, ndokudziudza kuti: ‘Wanai kuti vanhu vangani vanogaramo, uye kuti vakasimba sei. Wanai kana ivhu rakanakira kurima zvinhu. Uye ivai nechokwadi chokudzoka nemimwe yemichero.’

Panodzokera tsori kuKadheshi, dzinoudza Mosesi kuti: ‘Inyika yakaisvonaka kwazvo.’ Uye kukubvumikisa, dzinoratidza Mosesi mimwe yemichero. Asi 10 dzetsori dzinoti: ‘Vanhu vanogaramo vakuru uye vanesimba. Tichaurawa kana tikaedza kutora nyikayo.’

VaIsraeri vanotya pavanozvinzwa. Vanoti: ‘Kwaizodai kwakava nani kudai takafira hedu muEgipita kana kuti kunyange muno murenje.’ ‘Tichaurawa muhondo, vadzimai vedu navana vachatapwa. Ngatisarudzei mutungamiriri mutsva munzvimbo yaMosesi, ndokudzokera Egipita!’

Asi vaviri vetsori vanovimba naJehovha vanoedza kuteramisa vanhu. Mazita avo ndiJoshua naKarebhi. Vanoti: ‘Musatya. Jehovha anesu. Kuchava nyore kutora nyikayo.’ Asi vanhu havanzwi. Vanotoda kuuraya Joshua naKarebhi.

Ikoku kunotsamwisa Jehovha zvikuru, nokudaro anoudza Mosesi: ‘Hapana mumwe wavanhu vanobvira pamakore 20 okukura naanopfuura achapinda munyika yeKanani. Vakaona manenji andakaita muEgipita nomurenje, asika havandivimbi. Saka vachadzungaira murenje makore 40 kusvikira wokupedzisira afa. Joshua naKarebhi bedzi vachapinda muKanani.

Numeri 13:1-33; 14:1-38.

Mibvunzo Yokudzidza

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe