RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 28 p. 70-p. 71 ndim. 1
  • Dhongi raBharami Rinotaura

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Dhongi raBharami Rinotaura
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Mbongoro Inotaura
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Zviri Mubhuku raNumeri
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNumeri
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Taizoita Sei Kudai Pakanga Pasina Madhongi?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 28 p. 70-p. 71 ndim. 1
Dhongi raBharami rinorara mumugwagwa parinoona ngirozi yaMwari

CHIDZIDZO 28

Dhongi raBharami Rinotaura

VaIsraeri vainge vari murenje kwemakore anoda kusvika 40. Vakanga vatokunda maguta akawanda. Iye zvino, zvavakanga vavaka musasa pamapani eMoabhi kumabvazuva kweRwizi rwaJodhani, yakanga yava nguva yekuti vapinde muNyika Yakapikirwa. Bharaki mambo weMoabhi akatya kuti vaizomutorera nyika yake. Saka akashevedza murume ainzi Bharami kuti auye kuMoabhi kuti azotuka vaIsraeri, izvo zvinoreva kushuvira kuti zvakaipa zviitike kwavari.

Asi Jehovha akaudza Bharami kuti: ‘Haufaniri kutuka vaIsraeri.’ Saka Bharami akaramba kuenda. Mambo Bharaki akamushevedza kechipiri ndokubva amuvimbisa kuti aizomupa chero chaaida. Kunyange zvakadaro, Bharami akaramba. Mwari akabva azomuudza kuti: ‘Unogona kuenda hako, asi unofanira kutaura zvinhu zvandichakuudza chete.’

Bharami akakwira padhongi rake akaenda kuMoabhi. Akaronga kuti anotuka vaIsraeri, kunyange zvazvo akanga audzwa naJehovha kuti asadaro. Ngirozi yaJehovha yakauya munzira katatu. Bharami haana kuona ngirozi yacho asi dhongi rake rakaiona. Pakutanga, dhongi racho rakambotsauka mumugwagwa rikapinda musango. Zvadaro, dhongi racho rakafamba rakazembera mudhuri wematombo richibva radzvanyidzira tsoka yaBharami pauri. Pakupedzisira, dhongi racho rakabva rarara pasi, pakati chaipo penzira. Pese paiitika izvi, Bharami airova dhongi rake netsvimbo.

Panguva yechitatu, Jehovha akabva aita kuti dhongi racho ritaure. Rakabvunza Bharami kuti: ‘Nei uri kungoramba uchindirova?’ Bharami akati: ‘Wandiita sebenzi. Dai ndanga ndiine bakatwa ndingadai ndakuuraya.’ Dhongi racho rakabva rati: ‘Ndava nemakore akawanda ndichikutakura. Ndakambokuitira zvakadai here?’

Jehovha akabva aita kuti Bharami aone ngirozi iya. Ngirozi yacho ikati kwaari: ‘Jehovha akakuudza kuti usaende kunotuka vaIsraeri.’ Bharami akati: ‘Ndaita zvakaipa. Saka ndava kudzokera kumba.’ Asi ngirozi yacho yakamuti: ‘Unogona kuenda hako kuMoabhi, asi unofanira kungotaura chete zvinhu zvauchaudzwa naJehovha kuti utaure.’

Bharami akadzidza chidzidzo here? Aiwa. Pashure paizvozvo, katatu kese, Bharami akaedza kutuka vaIsraeri asi panzvimbo pezvo, Jehovha akamuita kuti avakomborere. Nekufamba kwenguva, vaIsraeri vakarwa nevaMoabhi, uye Bharami akaurayiwa. Kudai Bharami akateerera zvaainge audzwa naJehovha, angadai asina kufa, handiti?

“Muchenjerere marudzi ese emakaro, nekuti kunyange kana munhu aine zvizhinji, upenyu hwake hahubvi pazvinhu zvaainazvo.”—Ruka 12:15

Mibvunzo: Nei Bharami akaenda kuMoabhi? Chii chakaitika paaiva munzira kuenda ikoko?

Numeri 22:1–24:25; 31:8; Nehemiya 13:2; 2 Petro 2:15, 16; Judha 11

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe