RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 42 p. 102-p. 103 ndim. 3
  • Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Vaiwirirana Chaizvo
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Jonatani—“Ashanda naMwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • “Hapana Chinotadzisa Jehovha”
    Tevedzerai Kutenda Kwavo
  • Ratidza Kuti Wakavimbika Kuna Jehovha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2016
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 42 p. 102-p. 103 ndim. 3
Jonatani nemutakuri wezvombo zvake

CHIDZIDZO 42

Jonatani Ainge Akashinga Uye Akavimbika

Mwanakomana mukuru waMambo Sauro, Jonatani, akanga ari musoja akashinga. Dhavhidhi akati Jonatani aimhanya kudarika gondo uye akasimba kudarika shumba. Rimwe zuva Jonatani akaona masoja evaFiristiya pamusoro pechikomo. Akaudza mushandi wake aimutakurira zvombo kuti: ‘Tichavarwisa kana Jehovha atipa chiratidzo. Kana vaFiristiya vakatiudza kuti tiende kwavari, tichabva taziva kuti tinofanira kuvarwisa.’ VaFiristiya vakashevedzera kuti: ‘Uyai tirwisane!’ Varume vacho vaviri vakabva vakwidza chikomo chacho, ndokukunda masoja 20 evaFiristiya.

Jonatani ari kupa Dhavhidhi zvimwe zvezvinhu zvake

Jonatani ndiye aizogona kuva mambo pashure paSauro nekuti ndiye aiva mwanakomana wake mukuru. Asi kunyange zvazvo Jonatani aiziva kuti Jehovha akanga asarudza Dhavhidhi kuti azova mambo, haana kuita shanje. Jonatani naDhavhidhi vakava shamwari dzepedyo. Vakavimbisana kuti vaizodzivirirana uye vaizorwirana. Jonatani akapa Dhavhidhi jasi rake, bakatwa rake, uta hwake nebhandi rake, kuratidza kuti vakanga vari shamwari neshamwari.

Dhavhidhi paaitiza Sauro, Jonatani akaenda kwaaiva ndokuti: ‘Shinga, usimbe. Jehovha akasarudza iwe kuti uve mambo. Kunyange baba vangu vanotozviziva izvozvo.’ Unoda kuva neshamwari yakanaka saJonatani here?

Kakawanda, Jonatani akaisa upenyu hwake pangozi kuti abatsire shamwari yake. Aiziva kuti baba vake Mambo Sauro vaida kuuraya Dhavhidhi, saka akati kwavari: ‘Mukauraya Dhavhidhi munenge maita chivi nekuti haana chakaipa chaakaita.’ Sauro akatsamwira Jonatani.

Papera makore akati kuti, Sauro naJonatani vakafira muhondo. Jonatani paakafa, Dhavhidhi akanotsvaka mwanakomana waJonatani, Mefibhosheti. Paakamuona akamuudza kuti: ‘Baba vako vaiva shamwari yangu yepamwoyo, saka ndinoda kukuchengeta kweupenyu hwako hwese. Uchagara pamba pangu, uchidya patafura yangu.’ Dhavhidhi haana kumbokanganwa shamwari yake Jonatani.

“Mudanane sekuda kwandakakuitai. Hapana ane rudo rukuru kupfuura urwu, kuti mumwe munhu ape upenyu hwake achifira shamwari dzake.”—Johani 15:12, 13

Mibvunzo: Jonatani akaratidza sei kuti ainge akashinga? Jonatani akaratidza sei kuti ainge akavimbika?

1 Samueri 14:1-23; 18:1-4; 19:1-6; 20:32-42; 23:16-18; 31:1-7; 2 Samueri 1:23; 9:1-13

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe