RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 45 p. 110-p. 111 ndim. 2
  • Umambo Hwakapatsanurwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Umambo Hwakapatsanurwa
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo Hunokamukana
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jehovha Haazosiyi Vakavimbika Vake
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Aigona Kunge Akafarirwa naMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 11—1 Madzimambo
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 45 p. 110-p. 111 ndim. 2
Ahija anobvarura hembe yake kuva zvidimbu 12 Jerobhoamu achizviona

CHIDZIDZO 45

Umambo Hwakapatsanurwa

Panguva iyo Soromoni ainamata Jehovha, muIsraeri maiva nerugare. Asi Soromoni akazoroora vakadzi vakawanda chaizvo vaibva kune dzimwe nyika uye vakadzi vacho vainamata zvidhori. Zvishoma nezvishoma, Soromoni akachinja uye akatangawo kunamata zvidhori. Jehovha akatsamwa nazvo. Akati kuna Soromoni: ‘VaIsraeri vachapatsanurwa kubva kumhuri yako vova mapoka maviri. Ndichapa chikamu chakakura kune mumwe wevashandi vako uye mhuri yako ichatonga vanhu vashomanana chete.’

Jehovha akaita kuti zvaakanga asarudza zvibude pachena neimwe nzira. Mumwe wevashandi vaSoromoni ainzi Jerobhoamu, akasangana nemumwe muprofita ainzi Ahija paaifamba mune imwe nzira. Ahija akabvarura hembe yake kuva zvidimbu 12 achibva ati kuna Jerobhoamu: ‘Jehovha achatora umambo hweIsraeri kubva kumhuri yaSoromoni, ohupatsanura kuva mapoka maviri. Tora zvidimbu izvi 10 nekuti ndiwe uchava mambo wemadzinza 10 evaIsraeri.’ Mambo Soromoni akazvinzwa uye akabva ada kutouraya Jerobhoamu! Saka Jerobhoamu akatiza akaenda kuIjipiti. Soromoni akazofa uye mwanakomana wake Rehobhoamu akabva ava mambo. Saka Jerobhoamu akaona pasisina chekutya achibva adzokera kuIsraeri.

VaIsraeri vakawanda vari kupa zvibayiro kumhuru yegoridhe yagadzirwa naJerobhoamu

Vakuru vevaIsraeri vakati kuna Rehobhoamu: ‘Kana ukabata vanhu zvakanaka, vachakuteerera.’ Asi shamwari dzechidiki dzaRehobhoamu dzakati kwaari: ‘Unofanira kuvaitira utsinye! Ita kuti vashande zvakatonyanya kuoma!’ Rehobhoamu akabvuma kuita zvaakaudzwa neshamwari dzake dzechidiki. Aiitira vanhu utsinye uye vakabva vamupandukira. Vanhu vacho vakabva vaita kuti Jerobhoamu ave mambo wemadzinza 10, ayo akazozivikanwa seumambo hwaIsraeri. Mamwe madzinza maviri akazotanga kuzivikanwa seumambo hwaJudha uye akaramba akatendeka kuna Rehobhoamu. Madzinza 12 aIsraeri akanga apatsanurwa.

Jerobhoamu akanga asingadi kuti vanhu vake vaende kunonamata kuJerusarema uko kwaiva neumambo hwaRehobhoamu. Unoziva here kuti nei akanga asingadi? Aityira kuti vanhu vaigona kuzomupandukira votanga kutsigira Rehobhoamu. Saka akagadzira mhuru mbiri dzegoridhe achibva audza vanhu vake kuti: ‘KuJerusarema kwaita kure chaizvo. Munogona kunamatira henyu muno.’ Vanhu vacho vakabva vatanga kunamata mhuru dzegoridhe, vakakanganwa Jehovha zvakare.

“Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi. Nekuti kururama kune ushamwari hwei nekusateerera mutemo? . . . Kana kuti munhu anotenda angapindirana nemunhu asingatendi pakudii?”—2 VaKorinde 6:14, 15

Mibvunzo: Nei vaIsraeri vakapatsanurwa? Zvinhu zvipi zvakaipa zvakaitwa naMambo Rehobhoamu uye naMambo Jerobhoamu?

1 Madzimambo 11:1-13, 26-43; 12:1-33

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe