RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 46 p. 112-p. 113 ndim. 1
  • Vakaedzwa paGomo reKameri

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vakaedzwa paGomo reKameri
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Akatsigira Kunamata Kwakachena
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Akatsigira Kunamata Kwakachena
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Eria Anokudza Mwari Wechokwadi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Akamirira, Uye Akarinda
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 46 p. 112-p. 113 ndim. 1
Moto wabva kuna Jehovha uri kupisa chibayiro chaEriya

CHIDZIDZO 46

Vakaedzwa paGomo reKameri

Umambo hwemadzinza 10 aIsraeri hwakatongwa nemadzimambo akawanda akaipa, asi Ahabhi aiva mumwe wevakanga vakanyanya kuipa vacho. Akaroora mukadzi aiita zvakaipa uyo ainamata Bhaari. Mukadzi wacho ainzi Jezebheri. Ahabhi naJezebheri vakaita kuti vanhu vakawanda vaiva munyika yacho vanamate Bhaari uye vakauraya vaprofita vaJehovha. Jehovha akaitei nazvo? Akatuma muprofita Eriya kuti aende kunotaura naAhabhi.

Eriya akaudza Mambo Ahabhi kuti mvura yaisazonaya munyika yeIsraeri nekuda kwezvakaipa zvaaiita. Kwemakore anodarika matatu, hapana zvirimwa zvakamera uye vanhu vakaziya nenzara. Jehovha akazotuma Eriya kuti adzokere kuna Ahabhi. Mambo wacho akabva ati: ‘Iwewe ndiwe honzeri! Ndiwe uri kuita kuti zvese izvi zviitike.’ Eriya achibva ati: ‘Handisirini ndiri kuita kuti mvura isanaya. Imi ndimi makazvikonzera nekuti munonamata Bhaari. Chiitai izvi. Unganidzai vanhu pamwe chete nevaprofita vaBhaari pamusoro peGomo reKameri.’

Vanhu vakaungana pagomo racho. Eriya akabva ati: ‘Sarudzai kuti munoda zvipi. Kana Jehovha ari iye Mwari wechokwadi, muteverei. Asi kana ari Bhaari, teverai iye. Ngatiitei izvi. Vaprofita 450 vaBhaari ngavagadzirire kupa chibayiro chavo uye ngavashevedzere kuna mwari wavo, uye ini ndichagadzirirawo kupa chibayiro changu ndobva ndashevedzera kuna Jehovha. Mwari anenge apindura nemoto ndiye Mwari wechokwadi.’ Vanhu vacho vakabvumirana nazvo.

Vaprofita vaBhaari vakagadzirira kupa chibayiro chavo. Vakaswera zuva rese vachishevedzera kuna mwari wavo vachiti: ‘Haiwa Bhaari tipindureiwo!’ Eriya paakaona kuti Bhaari haasi kupindura akabva atanga kunyomba achiti: ‘Nyatsoshevedzerai. Pamwe akarara, uye anoda kumutswa nemumwe munhu.’ Vaprofita vaBhaari vakaramba vachishevedzera kusvikira ava manheru. Asi hapana akapindura.

Eriya akaisa chibayiro chake paatari uye akachidira mvura. Akabva anyengetera achiti: ‘Haiwa Jehovha, ndapota itai kuti vanhu ava vazive kuti imi ndimi Mwari wechokwadi.’ Jehovha akabva atumira moto kubva kudenga ukapisa chibayiro chacho. Vanhu vakashevedzera vachiti: ‘Jehovha ndiye Mwari wechokwadi!’ Eriya akabva ati: ‘Musasiya vaprofita vaBhaari vachitiza!’ Zuva iroro, vaprofita 450 vaBhaari vakaurayiwa.

Kagore kadiki pakakatanga kuoneka pamusoro pegungwa, Eriya akaudza Ahabhi kuti: ‘Kuri kuuya mvura zhinji ine mabhanan’ana nemhepo yakasimba. Sungai ngoro yenyu yemabhiza, muende kumba.’ Denga rakabva rakwidibira, mhepo ikavhuvhuta, uye kwakatanga kunaya zvekunaya zviya. Nguva yekusanaya kwemvura yakazopera. Ahabhi akamhanyisa ngoro yake chaizvo. Eriya achibatsirwa naJehovha, akamhanya kupfuura ngoro yacho yemabhiza! Asi nhamo dzese dzaEriya dzakanga dzapera here? Ngationei.

“Vanhu ngavazive kuti imi, mune zita rekuti Jehovha, imi mega ndimi Wekumusorosoro, kumusoro kwenyika yese.”—Pisarema 83:18

Mibvunzo: Chii chakaitika paGomo reKameri? Jehovha akapindura sei munyengetero waEriya?

1 Madzimambo 16:29-33; 17:1; 18:1, 2, 17-46; Jakobho 5:16-18

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe