Vakaita Kuda kwaJehovha
Eria Anokudza Mwari Wechokwadi
AKANGA ari munhu aitsvakwa zvikurusa muna Israeri. Zvirokwazvo aizourawa kudai mambo akagona kumuwana. Ndiani akanga ari munhu uyu aivhimwa? Muporofita waJehovha Eria.
Mambo Ahabhi nomudzimai wake wechihedheni, Jezebheri, vakanga vaparira kuti kunamata Bhaari kupararire muna Israeri. Somugumisiro, Jehovha akanga aparira kusanaya kwemvura panyika, uko zvino kwakanga kwava mugore rako rechina. Jezebheri akatsamwa akasarudza kuti vaporofita vaJehovha vaurawe, asi Ahabhi aida Eria zvikuru. Eria ndiye akanga ati kuna Ahabhi makore anopfuura matatu izvozvi zvisati zvaitika: “Hapangavi nedova kana mvura makore ano, asi kana ndareva ini.” (1 Madzimambo 17:1) Uye kusanaya kwemvura kwakavapo somugumisiro kwakangopfuurira.
Muaya mamiriro ezvinhu ane ngozi, Eria akaudzwa naJehovha kuti: “Enda undozviratidza kuna Ahabhi; ndigotuma mvura panyika.” Achizviisa mungozi huru, Eria akateerera murayiro waJehovha.—1 Madzimambo 18:1, 2.
Varwisani Vaviri Vanosangana
“Ndiwe here, iwe mutambudzi waIsraeri?” akabvunza kudaro Ahabhi, paakaona Eria. “Ini handina kutambudza Israeri; asi ndiwe neimba yababa vako, nokuti makasiya mirayiro yaJehovha, mukatevera Bhaari.” Ipapo Eria akarayira kuti Israeri wose aungane paGomo reKarmeri, kubatanidza “vaporofita vaBhaari vane mazana mana namakumi mashanu, navaporofita vamatanda okunamata nawo vanamazana mana.” Ipapo Eria akataura kuboka kuti: “[Muchakamhina nepfungwa mbiri dzakasiyana kwenguva yakareba sei? NWa] Kana Jehovha ari Mwari, mumutevere, kana ari Bhaari, mumutevere iye.”—1 Madzimambo 18:17-21.
Vanhu vakanga vakanyarara. Zvichida vakaziva mhaka yavo mukukundikana kupa kuzvipira kwakazara kuna Jehovha. (Eksodho 20:4, 5) Kana kuti kungava kuti hana dzavo dzakanga dzapiswa kwazvo zvokuti havana kuona chivi mukuparadzanisa ruvimbiko rwavo pakati paJehovha naBhaari. Zvisinei hazvo, Eria akarayira vanhu kuti vabudise nzombe duku mbiri—imwe yavaporofita vaBhaari uye imwe yake. Nzombe dzose dziri mbiri dzaizogadzirirwa nokuda kwechibayiro, asi pakanga pasina moto waifanira kubatidzwa. “Imi mudane zita ramwari wenyu,” akadaro Eria, “ini ndidanewo zita raJehovha; Mwari unopindura nomoto, iye ngaave Mwari.”—1 Madzimambo 18:23, 24.
Jehovha Anokudzwa
Vaporofita vaBhaari vakatanga ku“kamhina vachipoteredza artari yavakanga vaita.” Mangwanani ose vakadanidzira vachiti: “Haiwa Bhaari, tipindurei!” Asi Bhaari haana kupindura. (1 Madzimambo 18:26, NW) Ipapo Eria akatanga kuvaseka achiti: “Danidzirai kwazvo; nokuti [ndi]mwari.” (1 Madzimambo 18:27) Vaporofita vaBhaari vakatotanga kuzvicheka neminondo nemapfumo—muitiro waiwanzoshandiswa navahedheni kuti vanyandure tsitsi dzavanamwari vavo.b—1 Madzimambo 18:28.
Zvino akanga apfuura masikati, uye vanamati vaBhaari vakapfuurira ku“porofita”—mashoko ayo mumashoko ano akapoteredza anopa pfungwa yokupfuurira mumuitiro woupengo uye pasina kuzvidzora. Pakupera kwamasikati, pakupedzisira Eria akati kuvanhu vose: “Swederai kwandiri.” Vose vakatarisisa sezvo Eria akavakazve artari yaJehovha, akachera goronga achiipoteredza, akacheka-cheka nzombe duku, uye akaiisa paartari nehuni dzokupisa. Pashure pezvo, nzombe yacho, artari, uye huni zvakanyatsonyoroveswa nemvura, uye goronga racho rakazadzwa nemvura (sezviri pachena yakawanwa muMediterranean Sea). Ipapo, Eria akanyengetera kuna Jehovha kuti: “Ngakuzikanwe nhasi kuti ndimi Mwari pakati paIsraeri, uye kuti ini ndiri muranda wenyu, uye kuti ndakaita izvi zvose ndarayirwa nemi. Ndinzwei Jehovha, ndinzwei, kuti vanhu ava vazive kuti imi Jehovha ndimi Mwari, uye kuti ndimi makadzosazve mwoyo yavo.”—1 Madzimambo 18:29-37.
Kamwe kamwe, moto wakabva kudenga “ukapedza chipiriso chinopiswa, nehuni, namabwe, neguruva, ukananzva mvura yakanga iri mugoronga.” Vanhu vakanga vakatarira vakakurumidza kuzviwisira pasi, vachiti: “Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!” Varayirwa naEria, vaporofita vaBhaari vakabatwa ndokuendeswa kurwizi rwomumupata rwaKishoni, kwavakaurayirwa.—1 Madzimambo 18:38-40.
Chidzidzo Nokuda Kwedu
Eria akaratidzira kushinga kungaratidzika sokusiri kwomunhu. Bva, munyori weBhaibheri Jakobho anotivimbisa kuti “Eria wakanga ari munhu wakaita sesu.” (Jakobho 5:17) Aiva nomwero wakati wokutya uye wefunganyo. Somuenzaniso, apo Jezebheri gare gare akapika kutsiva kurasikirwa navaporofita vaBhaari, Eria akatiza uye ipapo akadanidzira kuna Jehovha achinyengetera kuti: “Zvaringana hazvo; zvino Jehovha, chitorai henyu upenyu hwangu.”—1 Madzimambo 19:4.
Jehovha haana kutora mweya waEria murufu. Panzvimbo pezvo, akagovera betsero nenzira yengoni. (1 Madzimambo 19:5-8) Vabatiri vaMwari nhasi vanogona kuva nechokwadi chokuti Jehovha achaita zvakafanana pavanotarisana nenhambo dzefunganyo yakakomba, zvichida nemhaka yechishoro. Zvirokwazvo, kana vakanyengeterera betsero yaJehovha, anogona kuvagovera “simba rinopfuura renguva dzose,” (NW) kuitira kuti kunyange kana va“tambudzika pamativi ose,” havazo“manikidzwi.” Nokudaro, vachabetserwa kutsungirira, sezvakaitwa Eria.—2 VaKorinte 4:7, 8.
[Mashoko Omuzasi]
a Dzimwe nyanzvi dzinokarakadza kuti Eria angava ainongedzera kuku‘kamhina namabvi maviri’ uye izvi zvingava zvichinongedzera kukutamba kwetsika kwavanamati vaBhaari. Kushandiswa kwakafanana kweshoko rokuti “kamhina” kunowanwa pana 1 Madzimambo 18:26, (NW) kuti kurondedzera kutamba kwavaporofita vaBhaari.
b Vamwe vanokarakadza kuti kuzvicheka kwaiva nechokuita nomuitiro wokubayira vanhu. Zviito zvose zviri zviviri zvakareva kuti kutambudzwa kwomuviri kana kuti kuteurwa kweropa kunogona kukumbira nyasha dzamwari.