RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 51 p. 124-p. 125 ndim. 2
  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Aida Kubatsira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Musikana Anobetsera Gamba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Musikana Muduku Uyo Akataura Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 51 p. 124-p. 125 ndim. 2
Naamani anoshanyira Erisha kuti arapwe

CHIDZIDZO 51

Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki

Kunyika yeSiriya kwaiva nemumwe musikana mudiki wechiIsraeri uye ikoko kwaiva kure chaizvo nekumba kwavo. Musikana wacho akanga abiwa kubva kumhuri yavo nemasoja eSiriya, uye akanga ava muranda wemudzimai wemumwe mukuru wemasoja ainzi Naamani. Musikana wacho ainamata Jehovha kunyange zvazvo vanhu vaiva ikoko vaisanamata Jehovha.

Naamani akarwara nechirwere chemaperembudzi uye aigara achirwadziwa. Musikana wacho aida chaizvo kubatsira Naamani. Akaudza mudzimai waNaamani kuti: ‘Pane munhu wandinoziva anogona kuporesa murume wenyu. KuIsraeri kune muprofita waJehovha anonzi Erisha. Anogona kurapa murume wenyu.’

Mudzimai waNaamani akaudza murume wake zvakanga zvataurwa nemusikana wacho. Naamani aida kuita chero chii zvacho chaigona kumuporesa, saka akaenda kumba kwaErisha kuIsraeri. Naamani aitarisira kuti Erisha aizomugamuchira semunhu anoremekedzwa. Asi Erisha haana kutombotaura naye asi akatuma mushandi wake kuti anokwazisa Naamani uye kuti amuudze kuti: ‘Enda unogeza ka7 muRwizi rwaJodhani. Uchabva wapora.’

Naamani haana kufara nazvo. Akati: ‘Ndanga ndichifunga kuti muprofita uyu achandirapa achiita zvekushevedzera kuna Mwari wake achiisa maoko ake pandiri. Pane kudaro, anditi ndiende kurwizi urwu rwuri kuIsraeri. Tine nzizi dzitori nani kuSiriya. Ko ndikangoenda hangu ikoko?’ Naamani akatsamwa ndokubva pamba paErisha.

Naamani ari kugeza muRwizi rwaJodhani uye anobva apora

Vashandi vaNaamani vakamubatsira kuti agadzirise mafungiro ake. Vakati kwaari: ‘Kana muchida kupora handiti munotoita chero zvamunenge maudzwa? Zvamanzi muite nemuprofita uyu hazvina kana kumbooma. Madii kungoita zvaataura?’ Naamani akavateerera. Akabva aenda kurwizi rwaJodhani uye akazvinyudza imomo ka7. Paakabuda mumvura kechi7, Naamani akanga apora. Akafara chaizvo, uye akadzokera kunotenda Erisha. Naamani akati: ‘Iye zvino ndava kuziva kuti Jehovha ndiye Mwari wechokwadi.’ Unofunga kuti musikana wechiIsraeri akanzwa sei Naamani paakadzoka aporeswa?

“Makaita kuti mumiromo mevana nemevacheche mubude mashoko ekurumbidza.”—Mateu 21:16

Mibvunzo: Unofunga kuti zvaiva nyore here kuti musikana mudiki wechiIsraeri ataure nemudzimai waNaamani? Unofunga kuti chii chakamubatsira kuti asatya?

2 Madzimambo 5:1-19; Ruka 4:27

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe