RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 6/1 pp. 24-25
  • Aida Kubatsira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Aida Kubatsira
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Mashoko Akafanana
  • Mukuru Wemasoja Nemusikana Mudiki
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Akanga Akaoma Musoro Asi Akazoguma Ava Kuteerera
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
  • Musikana Anobetsera Gamba
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Musikana Muduku Uyo Akataura Noushingi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 6/1 pp. 24-25

Dzidzisa Vana Vako

Aida Kubatsira

UNOZIVA nezvomumwe munhu airwara zvikuru here?— Wakambonzwa uchida kumubatsira here kudai waigona?— Ko kudai aibva kune imwe nyika kana kuti ari wechimwe chitendero? Waizoda kumubatsira kuti apore here?— Mumwe musikana muduku aigara kunyika yeIsraeri makore anenge 3 000 akapfuura akadaro. Ngatimbotaura zvakaitika panguva iyoyo.

Israeri yekare, kunogara musikana uyu, inogara ichirwisana nenyika iri pedyo yeSiriya. (1 Madzimambo 22:1) Rimwe zuva vaSiriya vanouya kuIsraeri ndokupamba musikana uyu. Anoendwa naye kuSiriya, kwaanosvika ova mushandi womudzimai waNaamani, mukuru weuto reSiriya. Naamani ane chirwere chakaipa chemaperembudzi, chinogona kukonzera kuti imwe nyama yake idonhe.

Musikana uyu anoudza mudzimai waNaamani waanoshandira kuti murume wake angaporeswa sei. Anoti: ‘Kudai Naamani aiva kuSamariya, Erisha muprofita waJehovha aizomuporesa maperembudzi ake.’ Matauriro anoita musikana uyu nezvaErisha anoita kuti Naamani adavire kuti muprofita uyu anogona kumuporesa. Saka abvumirwa naBheni-hadhadhi mambo weSiriya, Naamani nevamwe vashandi vanoita rwendo rurefu rwemakiromita anenge 150 kunotsvaka Erisha.

Vanotanga vaenda kuna Jehoramu, mambo weIsraeri. Vanomuratidza tsamba yabva kuna Bheni-hadhadhi iri kukumbira kuti Naamani abatsirwe. Asi Jehoramu haatendi muna Jehovha kana mumuprofita wake Erisha. Jehoramu anofunga kuti Bheni-hadhadhi ari kumudenha. Erisha paanonzwa izvi, anoudza Mambo Jehoramu kuti: “Ndapota, ngaauye kwandiri.” Erisha anoda kuratidza kuti Mwari ane simba nokurapa chirwere chakaipa chaNaamani.—2 Madzimambo 5:1-8.

Naamani paanosvika pamba paErisha aine ngoro dzake nemabhiza, Erisha anotumira nhume kuzomuudza kuti: ‘Unofanira kunogeza kanomwe muRwizi rwaJodhani uye uchabva wapora.’ Izvi zvinotsamwisa Naamani. Anga achitarisira kuti Erisha abude obva apuruzira maperembudzi acho kuti apore. Asi anongoona kuchiuya nhume! Saka Naamani anobva atendeuka atsamwa otanga kudzokera kumusha kwake.—2 Madzimambo 5:9-12.

Ungadai wakaitei kudai waiva mumwe wevashandi vaNaamani?— Vashandi vacho vanomubvunza kuti: ‘Kudai Erisha akukumbirai kuita chimwe chinhu chikuru maisazochiita here? Zvino madii zvenyu kuita izvi zvisinganetsi, kungogeza mochena?’ Naamani anovateerera. Anoenda ‘otanga kuzvinyudza muJodhani kanomwe, nyama yake yobva yadzoka kufanana nenyama yomukomana muduku.’

Naamani anodzokera kuna Erisha obva ati: “Zvino, ndava kuziva kuti panyika pose hapana Mwari asi pakati paIsraeri chete.” Anobva avimbisa Erisha kuti “haazopizve vamwe vanamwari chero vapi zvavo chinopiwa chinopiswa kana chibayiro kunze kwaJehovha.”—2 Madzimambo 5:13-17.

Ungada here kubatsira mumwe munhu kuti adzidze nezvaJehovha uye zvaanogona kuita, sezvakaita musikana muduku uyu?— Jesu paaiva pasi pano, mumwe murume aiva nemaperembudzi akatenda maari uye akati: ‘Kana muchida henyu, munogona kundibatsira.’ Unoziva here kuti Jesu akapindura kuti chii?— “Ndinoda.” Uye Jesu akamuporesa, sokungoporeswa kwakanga kwaitwa Naamani naJehovha.—Mateu 8:2, 3.

Unoziva here nezvenyika itsva ichaunzwa naJehovha umo vanhu vachava noutano hwakanaka vachirarama nokusingaperi?— (2 Petro 3:13; Zvakazarurwa 21:3, 4) Chokwadi, kana zvakadaro uchaudza vamwe nezvezvinhu izvi zvinonakidza!

Mibvunzo:

  • Mumwe musikana muduku akanga atapwa nevanhu vokuSiriya akabatsira sei Naamani?

  • Nei Naamani pakutanga akanga asingadi kuteerera Erisha, asi chii chakazoita kuti achinje pfungwa dzake?

  • Chii chaunofanira kunyatsoita kuti utevedzere musikana muduku uyu?

  • Jesu aida kuitei, uye nei upenyu munyika itsva yaMwari huchizonakidza?

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe