RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 66 p. 156-p. 157 ndim. 1
  • Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 15—Ezra
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • Pfungwa Huru Dzatinowana Mubhuku raEzra
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Kudzidzisa Kwako Kunobatsira Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
  • Unogona Kuramba Uchivimba Kuti Jehovha Achakubatsira Munguva Dzakaoma
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 66 p. 156-p. 157 ndim. 1
Ezra ari kurumbidza Jehovha ari munzvimbo inoungana vanhu uye vanhu vari kusimudza maoko kuratidza kuti vari kubvumirana nazvo

CHIDZIDZO 66

Ezra Akadzidzisa Mutemo waMwari

Pakanga patova nemakore anenge 70 kubva pakadzokera vaIsraeri vakawanda kuJerusarema, asi vamwe vavo vakanga vachiri kugara munzvimbo dzakasiyana-siyana dzeUmambo hwePezhiya. Mumwe wevanhu ivavo aiva mupristi Ezra, uyo aidzidzisa Mutemo waJehovha. Ezra akaona kuti vanhu vaiva muJerusarema vakanga vasiri kuteerera Mutemo, saka aida kunovabatsira. Mambo wePezhiya ainzi Atashasta akamuudza kuti: ‘Mwari akaita kuti uve akachenjera kuitira kuti udzidzise Mutemo wake. Enda, uye tora vamwe vanenge vachida kuenda newe.’ Ezra akaonana nevese vaidawo kudzokera kuJerusarema. Vakanyengetera kuna Jehovha kuti avachengetedze parwendo rwacho rwainge rwakareba, uye vakabva vaenda.

Vakazosvika kuJerusarema papera mwedzi 4. Machinda aivako akaudza Ezra kuti: ‘VaIsraeri havana kuteerera Jehovha uye vakaroora vakadzi vanonamata vanamwari venhema.’ Ezra akaita sei? Akabva apfugama pamberi pevanhu ndokunyengetera achiti: ‘Jehovha, makatiitira zvakawanda, asi takakutadzirai.’ Vanhu vacho vakazvidemba, asi vakanga vachiri kungoita zvinhu zvisina kunaka. Ezra akaudza vakuru nevatongi kuti vaone zvekuita nenyaya yacho. Mumwedzi mitatu yakatevera, vaya vakanga vasinganamati Jehovha vakadzingwa munyika yacho.

Pakapfuura makore 12, uye munguva iyi masvingo eJerusarema akanga avakwazve. Saka Ezra akaunganidza vanhu kuti avaverengere Mutemo waMwari. Ezra paakavhura bhuku reMutemo, vanhu vakabva vasimuka. Akarumbidza Jehovha, uye ivo vakasimudza maoko avo vachibvumirana naye. Ezra akabva averenga ndokutsanangura Mutemo wacho, uye vanhu vakanga vakanyatsoteerera. Vanhu vacho vakabvuma kuti vakanga vatsaukazve pana Jehovha, uye vakachema. Zuva rakatevera racho, Ezra akavaverengera zvimwe zvaiva muMutemo. Vakaziva kuti munguva pfupi yaitevera vaifanira kuita Mutambo Wematumba. Saka vakabva vatotanga kugadzirira mutambo wacho.

Kwemazuva 7 emutambo uyu, vanhu vacho vakafara chaizvo uye vakatenda Jehovha kuti akanga aita kuti vawane goho rakanaka. Hakuna kumboitwa Mutambo Wematumba wakafanana naiwoyo kubva mumazuva aJoshua. Mutambo wacho pawakapera, vanhu vakaungana uye vakanyengetera vachiti: ‘Jehovha, makatinunura kubva muuranda, mukatipa zvekudya pataiva murenje uye makatipa nyika iyi yakanaka chaizvo. Asi taingorega kukuteererai. Makatumira vaprofita kuti vatinyevere, asi hatina kuteerera. Kunyange zvakadaro, maingotiitira mwoyo murefu. Makaita zvamakavimbisa Abrahamu. Tiri kuvimbisa kuti tichakuteererai.’ Vakabva vanyora vimbiso yavo, uye machinda, vaRevhi nevapristi vakaisa chisimbiso pairi.

“Vanofara ndevaya vanonzwa shoko raMwari vorichengeta!”—Ruka 11:28

Mibvunzo: VaIsraeri vakanga vakaungana muJerusarema vakadzidziswei naEzra? Vanhu vakavimbisa kuitei?

Ezra 7:1-28; 8:21-23, 31, 32; 9:1–10:19; Nehemiya 8:1-18; 9:1-38

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe