RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 67 p. 158-p. 159 ndim. 1
  • Masvingo eJerusarema

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Masvingo eJerusarema
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Masvingo eJerusarema
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Pfungwa Huru Dzinobva Mubhuku raNehemiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
  • Bhuku reBhaibheri Nhamba 16—Nehemia
    “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera”
  • “Ramba Uchikunda Zvakaipa Nezvakanaka”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 67 p. 158-p. 159 ndim. 1
Nehemiya ari kutungamirira pakuvakwazve kwemasvingo eJerusarema uye pakuisa varindi munzvimbo dzavanofanira kumira

CHIDZIDZO 67

Masvingo eJerusarema

Munguva yakararama Ezra, kwaiva nemumwe muIsraeri ainzi Nehemiya uyo aiva mushandi waMambo Atashasta. Nehemiya aigara muguta rePezhiya rainzi Shushani. Mukoma wake akauya kubva kuJudha nemashoko asingafadzi ekuti: ‘Vanhu vakadzokera kuJerusarema havana chinovadzivirira. Masvingo eguta nemagedhi aro zvakaparadzwa nevaBhabhironi hazvisati zvavakwazve.’ Nehemiya akashungurudzika. Aida kuenda kuJerusarema kuti anobatsira vanhu, saka akanyengetera kuti mambo amubvumire kuenda.

Pava paya, mambo akaona kuti Nehemiya akanga asiri kufara. Akabva ati: ‘Handisati ndambokuona wakadai. Chii chiri kunetsa?’ Nehemiya akati: ‘Ndingatadza here kusuruvara kana guta rangu, iro Jerusarema, riri dongo?’ Mambo akamubvunza kuti: ‘Chii chaunoda kuti ndikuitire?’ Nehemiya akabva angonyengetera chinyararire, ndokuti: ‘Ndinokumbirawo kuti mundibvumire kuenda kuJerusarema kunovakazve masvingo eguta racho.’ Mambo Atashasta akamubvumira kuenda, uye akava nechokwadi chekuti Nehemiya aizofamba akachengeteka parwendo rwake rwainge rwakareba. Akaitawo kuti Nehemiya ave gavhuna weJudha uye akamupa matanda ekugadzirisa magedhi eguta.

Nehemiya paakasvika kuJerusarema, akaongorora masvingo eguta racho. Akabva aunganidza vapristi nevatongi achibva ati: ‘Zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Tinofanira kutotanga basa.’ Vanhu vakabvumirana nazvo, vachibva vatanga kuvakazve masvingo acho.

Asi vamwe vavengi vevaIsraeri vakatanga kuvatsvinyira vachiti: ‘Kana gavawo zvaro rikakwira masvingo amuri kuvaka, anodonha ayo.’ Vanhu vakanga vachishanda havana kumbozviteerera, asi vakaramba vachivaka. Masvingo acho akaramba achisimba uye achikura.

Vavengi vakaronga kuti vauye vachibva kumativi akasiyana-siyana, kuzorwisa Jerusarema vanhu vasingafungiri. VaJudha pavakazvinzwa, vakabva vatanga kutya. Asi Nehemiya akati: ‘Musatya. Jehovha anesu.’ Akabva aisa varindi kuti vachengetedze vanhu vaishanda, saka vavengi vakanga vasingachakwanisi kurwisa.

Mumazuva 52 chete, masvingo nemagedhi eguta zvakanga zvapera. Nehemiya akaita kuti vaRevhi vese vauye kuJerusarema kuzopemberera kupedza kuvaka kwavakanga vaita. Akavaronga kuti vave mapoka maviri evaimbi. Vakabva vakwidza nepamasitepisi epaGedhi reTsime vakananga pamasvingo eguta, ndokutenderera guta racho, vamwe vachienda nekuno vamwe nekoko. Vakaridza hwamanda, makwakwakwa esimbi neudimbwa, uye vakaimbira Jehovha. Ezra akaenda nerimwe boka, uye Nehemiya akaenda nerimwe racho, vachibva vazonosangana kutemberi. Vanhu vese—varume, vakadzi nevana—vakapa zvibayiro kuna Jehovha uye vakapemberera. Manzwi ekufara kwavaiita akasvika kure kure.

“Hapana chombo chakagadzirirwa kukurwisa chichabudirira.”—Isaya 54:17

Mibvunzo: Nei Nehemiya akaenda kuJerusarema? Kuvakazve masvingo eJerusarema kwakatora nguva yakareba sei?

Nehemiya 1:1-11; 2:1-20; 4:1-23; 5:14; 6:1-19; 12:27-43

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe