RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 69 p. 164-p. 165 ndim. 2
  • Gabrieri Anoshanyira Mariya

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gabrieri Anoshanyira Mariya
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Ngirozi Inoshanyira Maria
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Jesu Anokudzwa Asati Azvarwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 69 p. 164-p. 165 ndim. 2
Ngirozi inonzi Gabrieri inouya kuna Mariya

CHIDZIDZO 69

Gabrieri Anoshanyira Mariya

Josefa anorota imwe ngirozi

Erizabheti aiva nehama yechidiki yainzi Mariya, yaigara muguta reNazareta kuGarireya. Mariya nemumwe muvezi ainzi Josefa vakanga vavimbisana kuzoroorana. Erizabheti paakanga ava nepamuviri pemwedzi 6, ngirozi inonzi Gabrieri yakauya kuna Mariya. Yakati: ‘Wakadii hako Mariya? Jehovha akufarira chaizvo.’ Mariya haana kunzwisisa kuti Gabrieri airevei. Gabrieri akabva azomuudza kuti: ‘Uchava nepamuviri wobereka mwanakomana, uye unofanira kumupa zita rekuti Jesu. Achava Mambo. Umambo hwake huchagara nekusingaperi.’

Mariya akati: ‘Asi ini ndiri mhandara. Saka ndingava sei nemwana?’ Gabrieri akati: ‘Hapana chinhu chisingagoni kuitwa naJehovha. Mweya mutsvene uchauya pauri, uye uchava nemwanakomana. Hama yako Erizabheti atovawo nepamuviri kunyange zvazvo achembera.’ Mariya akabva ati: ‘Ndiri murandasikana waJehovha. Zvamataura ngazviitike kwandiri.’

Josefa anotora Mariya ane pamuviri kuti ave mudzimai wake

Mariya akaenda kumba kwaErizabheti uyo aigara muguta raiva muzvikomo. Mariya paakamukwazisa, Erizabheti akanzwa mwana aiva mudumbu make achitamba. Azadzwa nemweya mutsvene, Erizabheti akati: ‘Mariya, wakakomborerwa naJehovha. Ndakudzwa chaizvo kuva naamai vaShe wangu mumba mangu.’ Mariya akati: ‘Ndinorumbidza Jehovha nemwoyo wangu wese.’ Mariya akagara naErizabheti kwemwedzi mitatu, ndokuzodzokera hake kumba kuNazareta.

Josefa paakaziva kuti Mariya akanga ava nepamuviri, akafunga kumuramba. Asi akarota ngirozi yaJehovha ichimuudza kuti: ‘Usatya hako kumuroora. Haana chakaipa chaakaita.’ Saka Josefa akabva aroora Mariya.

“Jehovha anoita zvese zvaanenge achida kuita kudenga nepanyika.”—Pisarema 135:6

Mibvunzo: Gabrieri akaudza Mariya kutii nezvemwanakomana wake? Unofunga kuti Erizabheti naMariya vakanzwa sei nezvezvinhu zvakaitika kwavari?

Mateu 1:18-25; Ruka 1:26-56; Isaya 7:14; 9:7; Dhanieri 2:44; VaGaratiya 4:4

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe