RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w95 7/15 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Mashoko Akafanana
  • Gabrieri Anoshanyira Mariya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Jesu Anokudzwa Asati Azvarwa
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Ngirozi Inoshanyira Maria
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • “Tarirai! Murandasikana waJehovha!”
    Tevedzera Kutenda Kwavo
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
w95 7/15 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaravi

Maria uyo akava mai vaJesu akanga atova napamuviri here apo akashanyira hama yake yokunyama Erisabhete?

Hungu, iye sezviri pachena akanga anapo.

Muna Ruka ganhuro 1, tinotanga kurava pamusoro pokuva napamuviri kwaErisabhete, mudzimai womuprista Zekaria, uyo akabereka Johane (Mubhapatidzi). Apo Erisabhete akanga ari mu“mwedzi wechitanhatu mutumwa Gabrieri” akashanyira Maria kuti amuzivise kuti aizova napamuviri ndokubereka “Mwanakomana woWokumusoro-soro.” (Ruka 1:26, 30-33) Asi Maria akava napamuviri rini?

Nhauro yaRuka inopfuurira kurondedzera kuti Maria ipapo akaenda Judha kundoshanyira hama yake yokunyama yaiva napamuviri Erisabhete. Apo vakadzi vaviri vakasangana, mucheche aiva munhumbu yaErisabhete (Johane) akakwakuka. Erisabhete akanongedzera ku‘chibereko chenhumbu yaMaria,’ uye akadana Maria kuti “mai vaShe wangu.” (Ruka 1:39-44) Mhedziso ine mufungo naizvozvo ndeyokuti Maria akanga atonamba, kuti akanga ava napamuviri apo akaenda kunoona Erisabhete.

Ruka 1:56 inorava, kuti: “Maria akagara naye mwedzi inenge semitatu, akadzokera kumusha kwake.” Ndima ino haisi kupa kuverenga chaikwoikwo kusvikira kuzuva chairoiro rekarenda. Iyo inoti “mwedzi inenge semitatu,” uko kwaizoisa Erisabhete mumwedzi wake wechipfumbamwe wokuva napamuviri.

Pashure pokuva webetsero kuna Erisabhete mukati morutivi rwokupedzisira rwokuva kwake napamuviri, Maria akaenda kumusha kwake muNazareta. Sezvinobvira Maria akaziva kuti Erisabhete angobereka bedzi (Johane), kungava navashanyi vazhinji, vamwe vavo vachitova hama dzokunyama. Ikoko kwaigona kuva kwakaoma kana kuti kunonyadzisa nokuda kwomukadzi muduku asina kuroorwa uyo iye amene akanga ane pamuviri. Maria akanga ava nenguva refu sei ane pamuviri apo akaenda kuNazareta? Sezvo akanga aina Erisabhete “mwedzi inenge semitatu,” Maria zvimwe angava aive mukupedzisira kwemwedzi wechitatu kana kuti pakuvamba mumwedzi wechina wokuva kwake napamuviri apo akadzokera kuNazareta.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe