RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 73 p. 172-p. 173 ndim. 2
  • Johani Anogadzirira Jesu Nzira

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Johani Anogadzirira Jesu Nzira
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • Akanga Ari Mutangiri waMesiya
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
  • Johani Mubhabhatidzi Anogadzirira Jesu Nzira
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anova Mesiya
    Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Johani Mubhabhatidzi Aiva Ani?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 73 p. 172-p. 173 ndim. 2
Johani Mubhabhatidzi ari kudzidzisa vanhu ari kumucheto kweRwizi rwaJodhani

CHIDZIDZO 73

Johani Anogadzirira Jesu Nzira

Johani mwanakomana waZekariya naErizabheti paakakura, akava muprofita. Jehovha akamushandisa kuti adzidzise vanhu kuti Mesiya akanga achiuya. Asi Johani aiparidza ari murenje kwete mumasinagogi kana kuti mumaguta. Vanhu vaiuya kuzodzidziswa naJohani vachibva muJerusarema nemuJudhiya mese. Akavadzidzisa kuti vaifanira kusiya zvakaipa kuti vafarirwe naMwari. Vakawanda vakateerera zvaitaurwa naJohani uye vakasiya zvivi zvavo, vachibva vabhabhatidzwa naJohani muRwizi rwaJodhani.

Johani airarama upenyu husina zvakawandawanda. Aipfeka hembe dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye aidya hwiza neuchi hwemusango. Vanhu vaida kuziva zvakawanda nezvaJohani. Kunyange vaFarisi nevaSadhusi avo vaizvikudza vaiuyawo kwaari. Johani akavaudza kuti: ‘Munofanira kuchinja mararamiro enyu, mosiya mabasa akaipa. Musazviona semunokosha nekungoti chete munoti muri vana vaAbrahamu. Izvozvo hazvirevi kuti muri vana vaMwari.’

Vakawanda vaiuya kuna Johani vachimubvunza kuti: ‘Toita sei kuti tifadze Mwari?’ Johani aivaudza kuti: ‘Kana muine hembe mbiri, ipai imwe yacho kune munhu anoshayiwa.’ Unoziva here kuti nei aidaro? Aida kuti vazive kuti vaifanira kuda vanhu kuti vafarirwe naMwari.

Johani akaudza vateresi kuti: ‘Ivai vakatendeseka uye musabiridzira vanhu.’ Akaudzawo masoja kuti: ‘Musabvuma kupiwa chiokomuhomwe uye musanyepa.’

Vapristi nevaRevhi vakauyawo kuna Johani vakamubvunza kuti: ‘Ndiwe ani? Vanhu vese vari kuda kuziva.’ Johani akati: ‘Ndini inzwi riri kushevedzera riri murenje, richitungamirira vanhu kuna Jehovha sezvakagara zvataurwa naIsaya.’

Vanhu vaifarira zvavaidzidziswa naJohani. Vakawanda vainetseka kuti Johani ndiye aiva Mesiya here. Asi iye akavaudza kuti: ‘Pane mumwe munhu mukuru achauya. Handikodzeri kunyange kusunungura hwashu dzake. Ini ndiri kubhabhatidza nemvura asi iye achange achibhabhatidza nemweya mutsvene.’

“Murume uyu akauya sechapupu, kuti apupure pamusoro pechiedza, kuti aite kuti vanhu vemarudzi ese vatende.”—Johani 1:7

Mibvunzo: Nei Jehovha akatuma Johani kuvanhu? Vanhu vacho vakaita sei pavakanzwa zvaaidzidzisa?

Mateu 3:1-11; Mako 1:1-8; Ruka 3:1-18; Johani 1:19-28; Isaya 40:3

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe