RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lfb chidzidzo 99 p. 230-p. 231 ndim. 4
  • Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi
  • Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
  • Mashoko Akafanana
  • “Yambukirai Kuno kuMakedhoniya”
    Kupa “Uchapupu Hwakasimba nezveUmambo hwaMwari”
  • Sirasi—Munhu Aikurudzira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • “Ndinofanira Kuitei Kuti Ndiponeswe?”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • “Rugare rwaMwari Runopfuura Kufunga Kwose”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2017
Ona Zvimwe
Zvidzidzo Zvaunowana muBhaibheri
lfb chidzidzo 99 p. 230-p. 231 ndim. 4
Murindi wejeri wekuFiripi anoona madhoo ejeri akavhurika asi vasungwa vese varimo

CHIDZIDZO 99

Murindi Wejeri Anodzidza Chokwadi

KuFiripi kwaiva nemumwe murandasikana aiva nedhimoni. Dhimoni racho raiita kuti musikana iyeye afembere, uye awanise vanatenzi vake mari yakawanda. Pauro naSirasi pavakaenda kuFiripi, musikana wacho akaita mazuva akawanda achivatevera. Dhimoni racho raiita kuti ashevedzere kuti: “Varume ava varanda vaMwari Wekumusorosoro.” Pauro akazoudza dhimoni racho kuti: ‘Muzita raJesu, buda maari!’ Dhimoni racho rakabva rabuda.

Vanatenzi vemusikana wacho pavakaona kuti vakanga vasingachawani mari kubva kwaari, vakatsamwa chaizvo. Vakazvuzvurudza Pauro naSirasi vakavaendesa kuvatongi vedzimhosva, vachiti: ‘Varume ava vari kutyora mutemo uye vari kukanganisa guta rese!’ Vatongi vacho vakarayira kuti Pauro naSirasi varohwe uye vakandwe mujeri. Murindi wejeri akavakanda mukatikati mejeri, achibva avasunga mumatanda.

Pauro naSirasi vakaimba nziyo dzekurumbidza Jehovha uye vamwe vasungwa vakanga vakateerera. Pava pakati peusiku, kwakangoerekana kwava nekudengenyeka kwenyika kwakasimba, kukazunungusa jeri kubva kumusoro kusvika kuzasi. Masuo ejeri akabva avhurika uye zvisungo zvakanga zvakasunga vasungwa zvakasununguka. Murindi wacho akamhanya mukatikati mejeri uye akaona kuti madhoo akanga akavhurika. Achifunga kuti vasungwa vese vakanga vatiza, akatora bakatwa kuti azviuraye.

Ipapo, Pauro akashevedzera kuti: ‘Usazvikuvadza! Tese tiri muno!’ Murindi wejeri akabva amhanya mavaiva, ndokupfugama pamberi paPauro naSirasi. Akavabvunza kuti: “Ndingaitei kuti ndiponeswe?” Ivo vakati: ‘Iwe nemhuri yako munofanira kutenda muna Jesu.’ Pauro naSirasi vakabva vamudzidzisa shoko raJehovha, uye murindi weJeri nemhuri yake yese vakabhabhatidzwa.

“Vanhu vachakubatai, vokutambudzai, vachikuendesai kumasinagogi nekumajeri. Muchaendeswa pamberi pemadzimambo nemagavhuna pamusana pezita rangu. Izvi zvichaita kuti mupe uchapupu.”—Ruka 21:12, 13

Mibvunzo: Nei Pauro naSirasi vakaiswa mujeri? Murindi wejeri akadzidza sei chokwadi?

Mabasa 16:16-34

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe