Sirasi—Munhu Aikurudzira
KUBVIRA pakutanga munhau yechiKristu, basa ravatariri vanofambira vakatendeka rakanga richikosha mukukurudzira ungano dzavanhu vaMwari nomukuparadzira mashoko akanaka kumativi ari kuresa apasi. Pavatariri vakatanga-tanga kugadzwa paiva naSirasi, uyo aiva muporofita uye mutezo waitungamirira weungano yeJerusarema. Akaita basa rinokosha mukuenderera mberi kukuru kwebasa rokuparidza uye akanga ari mumwe wavafundisi vakatanga kuparidza munharaunda yeEurope. Chii chakaita kuti Sirasi anyanye kukwanisa kuita zvose izvi? Uye zvinhu zvipi paunhu hwake zvatingaita zvakanaka kutevedzera?
Nhau Yokudzingiswa
Apo nhau yokudzingiswa yaigona kunge yakaparira kuparadzana yakamuka munenge muna 49 C.E., dare rinodzora muJerusarema raifanira kuendesa murayiro waiva nyore kunzwisisa kuvaKristu kuti upedze nhau yacho. Zvinhu zvakamira zvakadai, Sirasi, ainziwo Sirvhano, anooneka muchinyorwa cheBhaibheri. Angadaro aiva mumwe wavaiita zvisarudzo akazosarudzwa semutumwa wa“vaapostora navakuru,” kuti ataure chisarudzo chavo ku“hama . . . paAntiokia, napaSiria, napaKirikia.” MuAntiokia, Sirasi naJudhasi (Bharsabhasi), vaina Bharnabhasi naPauro, vakapa tsamba yavakanga vatakura, zviri pachena kuti vaitaura nomuromo zvakaitika pamusangano wokuJerusarema, zvakabvumiranwa, uye zvaiva mutsamba yacho. Vaka“varaidza[wo] hama namashoko mazhinji, nokuvasimbisa.” Zvinofadza zvakaguma zvaitika ndezvokuti vaKristu vaiva muAntiokia “vakafara.”—Mabasa 15:1-32.
Saka Sirasi akatamba rutivi runokosha mukugadzirisa nhau iyi inokosha. Asi basa rake rakanga risiri nyore. Hapana maziviro aaigona kuita kuti ungano yeAntiokia yaizoita sei pane zvakanga zvasarudzwa. Saka “zvaida munhu aiva neuchenjeri hukuru zvikuru nounyanzvi kuti atsanangure zvakanga zvanyorwa navaapostora mutsamba yavo,” anodaro mumwe mutsinhiri. Kusarudzwa kwaSirasi nokuda kwebasa iri raida unyanzvi kunotiudza chimwe chinhu nezvekuti anofanira kunge aiva munhu worudzii. Aigona kunyatsovimbwa naye zvakakwana kuti amiririre mirayiro yedare raidzora nokutendeka. Anofanirawo kuva aiva mutariri akachenjera aigona kushandisa simba rokunzwananisa apo ungano yakanga yava mungozi yokukakavadzana.
Anofamba naPauro
Hazvinyatsozikanwi kuti Sirasi angava akadzokera kuJerusarema here pashure porwendo irworwo kana kuti kwete. Chero zvazvakaita, kusawirirana pakati paBharnabhasi naPauro pamusoro paJohane Marko kwapera, Pauro akasarudza Sirasi, akanga ari muAntiokia panguva iyoyo, kuti vatange rwendo rutsva rwakatanga rwune chinangwa chokushanyira maguta akanga aparidzwa naPauro murwendo rwake rwoufundisi rwokutanga.—Mabasa 15:36-41.
Kusarudzwa kwaSirasi kungava kwakaparirwa nemafungiro ake akanaka pamusoro porwendo rwokune Vamamwe Marudzi uye nesimba iro iye somuporofita uye somunhu anomiririra dare rinodzora akanga anaro mukutaura zvisarudzo zvavo kuvaitenda vaiva muSiriya nomuKirikia. Zvakazoguma zvaitika zvacho zvakanga zvakazonaka. Bhuku raMabasa rinoti: “Vakafamba namaguta, vakavapa zvirevo zvakatemwa navaapostora navakuru vapaJerusarema, kuti vazvichengete. Naizvozvo kereke dzakasimbiswa pakutenda, dzikawanda pakuverengwa kwadzo zuva rimwe nerimwe.”—Mabasa 16:4, 5.
Sezvo vafundisi vakaramba vachienda, mudzimu mutsvene wakavaita kuti vachinje nzira yavo yavakanga varonga kaviri. (Mabasa 16:6, 7) Timotio akawedzerwa kuboka racho munzira, muRistra, pashure pokunge pataurwa “zvakaporofitwa” pamusoro pake zvisina kutaurwa kuti ndezvipi. (1 Timotio 1:18; 4:14) Nomuchiono kuna Pauro, uyo akanga anewo chipo chokuporofita, vaaifamba navo vakanzi vaende nechikepe nokuMakedhonia, muEurope.—Mabasa 16:9, 10.
Akarohwa Ndokuiswa Mujeri
MuFiripi, “guta guru renyika,” Sirasi akasangana nomuedzo usingakanganwiki. Pauro adzinga mudzimu wokuuka mumusikana aiva muranda, vanatenzi vake, vachiona kuti vakanga vatorerwa munhu aivapa mari, vakazvuzvurudzira Sirasi naPauro kuvatongi vomuguta racho. Somugumisiro, vaviri ivavo vakanyadziswa nokunzi vaiti vezvakaipa pane vanhu, kubvarurirwa nguo dzavo dzokunze, uye kurohwa neshamhu mumusika.—Mabasa 16:12, 16-22.
Kuzvamburwa kwakadaro kwakanga kusiri kungorangwa kunorwadza, kunoedza kutsungirira kwomunhu kusvikira pakunogumira asi, kuna Pauro naSirasi, zvakanga zvisingabvumirwiwo nomutemo. Nei? Mitemo yeRoma yaiti hapana mugari womuRoma aigona kurohwa. Pauro aiva ari mugari womuRoma, uye pamwe Sirasiwo aiva akadaro. “Varo[hw]a zvikuru,” Pauro naSirasi vakakandirwa mujeri mavakasungwa makumbo avo mumatanda. Aya akanga ari “mudziyo wakaipisisa,” anotsangura kudaro Gustav Stählin, “umo makumbo avasungwa aigona kuparadzaniswa sezvavaida, kuitira kuti usarara.” Asi, pakati pousiku, pasina mubvunzo misana yavo yazadzwa namaronda anorwadza, “Pauro naSirasi vakanga vachinyengetera nokuimbira Mwari nziyo.”—Mabasa 16:23-25.
Izvi zvinotiudza chimwe chinhu nezvounhu hwaSirasi. Aifara nemhaka yokuti vakanga vari kutamburira zita raKristu. (Mateo 5:11, 12; 24:9) Zviri pachena kuti ndiwo mudzimu wakafanana wakanga waita kuti Sirasi nevamwe vake vabudirire mukukurudzira nokusimbisa ungano murwendo rwakapfuura rwokuAntiokia, vachiita kuti vamwe vaKristu saiye vafare. Kufara kwaPauro naSirasi kunofanira kuva kwakawedzera pavakabudiswa mujeri nenenji nokudengenyeka kwepasi uye vakakwanisa kubetsera murindi wetorongo akanga oda kuzviuraya nemhuri yake kuti vave nokutenda muna Mwari.—Mabasa 16:26-34.
Pauro kana Sirasi havana kutyisidzirwa nokuzvamburwa nokuiswa mujeri. Pakatumirwa shoko rokuti vasunungurwe, vakaramba kuita zvokuverereka muFiripi nemhaka yokunyara, sezvaitarisirwa navatongi. Havana kubvuma uye vakaita kuti zvidzokere vakuru vakuru ivavo vaidada uye vaidzvinyirira. “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here?” akabvunza kudaro Pauro. “Haiwa, kwete! Ngavauye vamene vatibudise.” Vachitya zvaizoitika, vatongi vakazviona vava kumanikidzwa kuti vanyengerere vaviri vacho kuti vabude muguta.—Mabasa 16:35-39.
Saka vaita kuti zviremera zvizive nezvekodzero dzavo savaRoma, Pauro naSirasi vakabvuma chikumbiro chavatongi—asi kwete vasati vaoneka shamwari dzavo. Maererano nezvakanga zvava muitiro werwendo rwacho rwose rwokuparidza kusvika panguva ino, Sirasi nomumwe wake vaka“kurudzira” zvakare hama ndokubva vaenda.—Mabasa 16:40, NW.
Kubva kuMakedhonia Kuenda kuBhabhironi
Vasina kumbopedzwa simba nezvingadai zvakava chiitiko chisingafadzi, Pauro, Sirasi, neshamwari dzavo vakapfuurira kuminda mitsva youfundisi. MuTesaronika vakatarisana nematambudziko zvakare. Nemhaka yokubudirira kwaPauro muushumiri hwake munguva yemaSabata matatu, vashori vane godo vakanyandura mhomho, vachiita kuti zvive nani kuti vafundisi vabude muguta usiku. Vakaenda kuBherea. Pavakaziva nezvezvakanga zvaitwa naPauro neshamwari dzake muguta iroro, vashori vacho vakauya kubva kuTesaronika. Pauro akapfuurira ari oga, asi Sirasi naTimotio vakaramba vari muBherea kuti vatarisire boka ravanhu vakanga vachangofarira. (Mabasa 17:1-15) Sirasi naTimotio vakabatanazve naPauro muKorinte, vachienda nemashoko akanaka uye pamwe nechipo chaibva kushamwari dzakatendeka dzomuMakedhonia. Izvi zvinofanira kuva zvakaita kuti muapostora akanga ava kushaya arege basa rokunyika, raakanga ambofana kuita, ndokudzokera kubasa rokuparidza nguva yakazara nesimba. (Mabasa 18:1-5; 2 VaKorinte 11:9) MuKorinte, Sirasi naTimotio vakataurwawo nezvavo sevaevhangeri uye seshamwari dzaPauro. Saka zviri pachena kuti mabasa avo haana kuderera muguta irorowo.—2 VaKorinte 1:19.
Kushandiswa kweshoko rokuti “isu” mutsamba dzose dzokuvaTesaronika—dzose dziri mbiri dzakanyorerwa muKorinte munguva iyi—kunofungidzirwa kuti kunoreva kuti Sirasi naTimotio vakabetsera kunyora kwacho. Zvisinei, pfungwa yokuti Sirasi akabatanidzwawo mubasa rokunyora, yakavakirwa kunyanya pane zvinotaura Petro nezveimwe yetsamba dzake. Petro anotaura kuti akanyora tsamba yake yokutanga “naSirvhano, hama yakatendeka.” (1 Petro 5:12) Nepo izvi zvaigona kungoreva kuti Sirvhano ndiye akanga akaitakura, kusiyana kwemanyorere pakati petsamba mbiri dzaPetro kungaratidza kuti akashandisa Sirasi somunyori kuti anyore tsamba yokutanga asi kwete yechipiri. Saka, chimwe chezvipo zvakawanda zvaSirasi neropafadzo dzoubati ushe hwaMwari zvichida chakanga chiri chiya chokuva munyori.
Muenzaniso Unofanira Kutevedzerwa
Patinomira ndokufunga zvinhu zvatinoziva zvakaitwa naSirasi, zvakanyorwa nezvake zvinoorora. Muenzaniso wakaisvonaka wevafundisi vemazuva ano navatariri vanofambira. Iye pachake akafamba madaro makuru zvichimuita kuti atambure iye, kwete kuti awane zvinhu kana kuti mukurumbira, asi kuti abetsere vamwe. Chinangwa chake chaiva chokuvakurudzira nezano rokuchenjera nerounyanzvi, hurukuro dzakanyatsogadzirirwa uye dzinofadza, pamwe chete nokushingairira kwake ushumiri hwomumunda. Ungava une chero basa ripi zvaro pakati pavanhu vaJehovha vakarongeka, kana ukaedza kuva nemafungiro akanaka zvakafanana—kunyange pakutarisana nematambudziko—iwewo uchakurudzira vamwe vatendi sewe.
[Mepu iri papeji 29]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Rwendo rwaPauro Rwoufundisi Rwechipiri
Gungwa Guru
Antiokia
Dherbhe
Ristra
Ikonio
Troasi
Firipi
Amfipori
Tesaronika
Bherea
Atene
Korinte
Efeso
Jerusarema
Kesaria
[Kwazvakatorwa]
Mountain High Maps® Copyright © 1997 Digital Wisdom, Inc.