Kusuma Chikamu 1
Bhaibheri rinotanga nekutaura nyaya yekusikwa kwezvinhu zvinooneka, saka tinokwanisa kuona zvinhu zvakanaka zvakasikwa naJehovha, zviri kudenga nezviri panyika. Kana uri mubereki, batsira mwana wako kuti aone kushamisa kwezvinhu zvakasiyana-siyana zvakasikwa. Taura kuti Mwari akaita kuti vanhu vave vanokosha chaizvo kudarika mhuka, izvo zvinoita kuti tikwanise kutaura, kunzwisisa, kugadzira zvinhu, kuimba, uye kunyengetera. Ita kuti anzwisise simba raJehovha, uchenjeri hwake, uye chinotonyanya kukosha chacho kuda kwaanoita zvinhu zvaakasika—kusanganisira mumwe nemumwe wedu.