Kusuma Chikamu 12
Jesu akadzidzisa vanhu nezveUmambo hwekumatenga. Akavadzidzisawo kunyengeterera kuti zita raMwari ritsveneswe, Umambo hwake huuye uye kuti kuda kwaMwari kuitwe panyika. Kana uri mubereki, tsanangurira mwana wako kuti munyengetero iwoyo unorevei kwatiri. Jesu haana kubvumira Satani kuti aparadze kuvimbika kwake. Jesu akasarudza vaapostora vake uye ndivo vakazova nhengo dzekutanga dzeUmambo uye vane basa rinokosha. Ona kushingaira kwaiita Jesu pakunamata kwechokwadi. Jesu akaporesa vairwara, akapa vanhu zvekudya uye akatomutsa vakafa nekuti aida kubatsira vamwe. Jesu paakaita zvishamiso izvi, airatidza zvichazoitirwa vanhu neUmambo.