RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • wp20 nha. 1 pp. 12-13
  • Chokwadi nezveUmambo hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chokwadi nezveUmambo hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakadzidziswa naJesu NezveUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • NezvoUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Umambo Hwamwari Hunotonga
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Mwari Anodei Kwatiri?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2020
wp20 nha. 1 pp. 12-13
Zuva richipenya panyika

Chokwadi nezveUmambo hwaMwari

Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere kuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngaritsveneswe. Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, panyika, sekudenga.” (Mateu 6:9, 10) Umambo hwaMwari chii? Huri kuitei? Uye sei tichifanira kunyengetera kuti huuye?

Jesu ndiye Mambo weUmambo hwaMwari.

Ruka 1:31-33: “Unofanira kumutumidza kuti Jesu. Uyu achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWekumusorosoro, uye Jehovha Mwari achamupa chigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, uye achava Mambo paimba yaJakobho nekusingaperi, uye Umambo hwake hahuzogumi.”

Jesu ainyanya kutaura nezveUmambo hwaMwari paaiparidza.

Mateu 9:35: “Jesu akatanga kushanyira maguta ese nemisha achidzidzisa mumasinagogi avo nekuparidza mashoko akanaka eUmambo achirapa zvirwere zvemarudzi ese neundonda hwemarudzi ese.”

Jesu akaudza vadzidzi vake chiratidzo chaizobatsira kuti vazive kuti Umambo hwava kusvika.

Mateu 24:7: “Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo, uye kuchava nenzara nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda.”

Zvapupu zvaJehovha zviri kuparidza nezveUmambo munyika yese.

Mateu 24:14: “Mashoko akanaka eUmambo achaparidzwa munyika yese kuti ave uchapupu kumarudzi ese, mugumo wozosvika.”

Zvakaita Umambo hwaMwari

Kwahuri. Umambo hwaMwari ihurumende chaiyo yakagadzwa naMwari kudenga.—DHANIERI 2:44; MATEU 4:17.

Chinangwa chahwo. Umambo hwaMwari huchaita kuti nyika yese ive paradhiso. Vanhu vanenge vasisarwari kana kufa uye vanenge vaine rugare, vakabatana.—PISAREMA 37:11, 29.

Vachatonga. Jesu ndiye akagadzwa naMwari kuti ave Mambo weUmambo hwacho. Achatonga ari kudenga pamwe chete nevamwe 144 000, vakatengwa vachibva panyika.—RUKA 1:30-33; 12:32; ZVAKAZARURWA 14:1, 3.

Vachatongwa neUmambo hwacho. Vachatongwa neUmambo hwacho vanenge vachigara panyika, vachibvuma kutungamirirwa naJesu uye vanenge vachiteerera mitemo yeUmambo hwacho.—MATEU 7:21.

Nei Jesu Akakodzera Kutonga Vanhu?

Paaiva panyika, Jesu akaratidza kuti aizova mutongi akanaka nekuti

  • Ainzwira tsitsi varombo.—RUKA 14:13, 14.

  • Aivenga uori uye udzvinyiriri.—MATEU 21:12, 13.

  • Aiva nesimba pamamiriro ekunze.—MAKO 4:39.

  • Akapa zviuru zvevanhu zvekudya.—MATEU 14:19-21.

  • Ainzwira tsitsi vairwara uye akaporesa vanhu.—MATEU 8:16.

  • Akamutsa vakafa.—JOHANI 11:43, 44.

Umambo hwaMwari Hungakubatsira Sei Iye Zvino?

Unogona kurarama uchifara muupenyu kana ukabvuma kutongwa neUmambo hwaMwari. Semuenzaniso, vanhu vanotongwa neUmambo hwaMwari

  • “Vane rugare nevanhu vese.”—VAHEBHERU 12:14.

  • Vanofara mumhuri dzavo nekuti vanodanana uye vanoremekedzana.—VAEFESO 5:22, 23, 33.

  • Vanogutsikana uye vanofara muupenyu nekuti “vanoziva kuti vanoda kutungamirirwa.”—MATEU 5:3.

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe