RWIYO 5
Mabasa Anoshamisa aMwari
Rakaprindwa
1. Mwari munoziva pandinozorora uye pandinomuka.
Munoongorora zvandinofunga,
Zvandinotaura nekwandinoenda.
Makaona pandakaitwa,
Mapfupa angu maiaziva.
Makaonawo maumbirwo angu.
Ndorumbidza simba uye
nzira dzenyu.
Zivo yenyu Mwari inoshamisa;
Ini ndinonyatsoziva izvi.
Dai ndaizotyawo rima gobvu,
Simba renyu raizondiwana.
Ndekupi kwandingazviviga
Kana kuvanda musingaoni?
Kunyange muguva kana kudenga,
Kunyange murima
kana kuti gungwa.
(Onawo Pis. 66:3; 94:19; Jer. 17:10.)