RWIYO 51
Takazvitsaurira Kuna Mwari!
Rakaprindwa
1. Kuna Kristu takaswededzwa naMwari,
Tava vadzidzi vake zvino.
Pachigaro chaMwari,
Chinopenya chiedza.
Kutenda kwawedzera;
Tapika kuzviramba.
(KORASI)
Takazvitsaurira kuna Jehovha.
Tofara muna Mwari naJesu.
2. Mumunyengetero Jehovha tamuti
Tichamushumira narini.
Mufaro watinawo
Vamwe ngavaunzwewo,
Tine zita raMwari,
Tinoparidza Ushe.
(KORASI)
Takazvitsaurira kuna Jehovha.
Tofara muna Mwari naJesu.
(Onawo Pis. 43:3; 107:22; Joh. 6:44.)