RWIYO 107
Muenzaniso waMwari Werudo
Rakaprindwa
1. Rudo rwaJehovha rwatinodzidza
Rworatidza nzira.
Zviito zvake zvinotiratidza
Zvakanyatsoita rudo.
Akapa Mwana wake wa’nodisa
Kuti tikanganwirwe zvivi zvedu.
Rudo rwakadaro rwunoshamisa!
Chokwadi Mwari wedu rudo.
2. Tikafamba naye tichadanana
Zvinobva pamwoyo.
Tichada hama dzedu dzese zvadzo,
Kwete kungoda vashoma.
Tinoda Jehovha nehama dzedu;
Hatingadi Mwari, tisingadzidi.
Dzatitadzira, todzikanganwira.
Ndirwo rudo, rwekuda hama.
3. Rudo rwaMwari, rwotibatanidza
Tova mhuri imwe.
Baba vedu vari kuti: “Huyai:
Muravidze kubatana.”
Neurwu rudo tinozivikanwa;
Mweya wake neShoko zvotinatsa.
Hama dzedu dzichitiyeuchidza:
Mwari rudo. Jehovha rudo.
(Onawo VaR. 12:10; VaE. 4:3; 2 Pet. 1:7.)