RWIYO 123
Kutevedzera Urongwa hwaMwari Takavimbika
Rakaprindwa
1. Vanhu vaJehovha pakuparidza
Chokwadi nekukosha kweUmambo,
Urongwa hwaMwari ngavate’rere,
Vakabatana, vakavimbikawo.
(KORASI)
Tozvi’sa pasi takavimbika
Kuna Mwari wedu.
Anodzivirira, anotida,
Tovimbika kwaari.
2. Mwari akatipa muranda wake
Nemweya wake kutitungamira.
Tisazununguke, tifadze Mwari,
Tichizivisa zvese zva’katonga.
(KORASI)
Tozvi’sa pasi takavimbika
Kuna Mwari wedu.
Anodzivirira, anotida,
Tovimbika kwaari.
(Onawo Ruka 12:42; VaH. 13:7, 17.)