RWIYO 135
Chikumbiro chaJehovha Cherudo: “Mwanangu, Iva Akachenjera”
Rakaprindwa
1. Mwanangu iwe ndipewo mwoyo wako,
Muvengi anondishora azvione.
Ndipe udiki hwako nekuzvipira.
Ratidza nyika unondiraramira.
(KORASI)
Mwana wangu wandinodisa,
Ngwara, undifadze mwoyo.
Ndishumire nemwoyo wese,
Undirumbidze uchida.
2. Nakidzwa, farira kundipa zvauri.
Nyange ugumburwe, ndichakusimudza.
Kunyange vanhu vangangokurasisa,
Nyaradzwa kuziva kuti ndinokuda.
(KORASI)
Mwana wangu wandinodisa,
Ngwara, undifadze mwoyo.
Ndishumire nemwoyo wese,
Undirumbidze uchida.
(Onawo Dheut. 6:5; Mup. 11:9; Isa. 41:13.)