RWIYO 136
‘Mubayiro Wakakwana’ Unobva Kuna Jehovha
Rakaprindwa
1. Mwari akatendeka, anoziva
Vese vanomushumira,
Kuti vangagona kurasikirwa
Nekuti vakazvipira.
Kana wakasiya dzimba nemhuri
Jehovha anozviziva.
Zvino otipa hama dzatinoda
Neupenyu munyika ’tsva.
(KORASI)
Jehovha Munyaradzi nga’one;
Ngaakupe mubayiro wako.
Hwanda mumapapiro ake.
Akatendeseka; ndewechokwadi.
2. Zvinombotiomera tombofunga
Kuti zvedu zvazonyanya.
Nhamo dzeupenyu dzinombosunga,
Tofunga hatimbokundi.
Mwari wekunyaradza anoona;
Unoziva anokunzwa.
Mweya wake neShoko neshamwari,
Zvichakunyaradza kwazvo.
(KORASI)
Jehovha Munyaradzi nga’one;
Ngaakupe mubayiro wako.
Hwanda mumapapiro ake.
Akatendeseka; ndewechokwadi.
(Onawo Vat. 11:38-40; Isa. 41:10.)