CHIKAMU 3
‘NDICHAKUUNGANIDZAI’ UPROFITA HWEKUDZORERWA KWEKUNAMATA KWAKACHENA
ZVATICHADZIDZA: Uprofita hwaEzekieri hunoratidza kuti kunamata kwakachena kuchadzorerwa
Israeri yaparara. Kupanduka kwayakaita ichisiya kunamata kwakachena kwaita kuti vanhu vayo vasabatane. Vari kukohwa zvavakadyara; vakasvibisa kunamata kwakachena uye vakashoresa zita raMwari. Panguva iyi yavasisina kana tariro, Jehovha anoita kuti Ezekieri ataure uprofita hunotevedzana hunopa tariro. Achishandisa mifananidzo nezviratidzo zvinoshamisa, Jehovha anokurudzira vaIsraeri vari muutapwa nevamwe vese vane chido chekuona kunamata kwakachena kuchidzorerwa.