CHIKAMU 5
‘Ndichagara Pakati Pevanhu’ Jehovha Anodzorera Kunamata Kwakachena
ZVATICHADZIDZA: Zvakaonekwa muchiratidzo chetemberi uye zvazvinotidzidzisa nezvekunamata kwakachena
Jehovha akapa muprofita Ezekieri nemuapostora Johani zviratidzo zvine zvinhu zvakawanda zvakafanana. Zvinhu izvozvo zvinotipa zvidzidzo zvinokosha zvinotibatsira kunamata Jehovha sezvaanoda iye zvino uye zvinotiratidza kuti upenyu huchange hwakaita sei muParadhiso pachange pachitonga Umambo hwaMwari.