RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lffi chidzidzo 3
  • Zvinotaurwa neBhaibheri Ndezvechokwadi Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinotaurwa neBhaibheri Ndezvechokwadi Here?
  • Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • WEDZERA KUONGORORA
  • PFUPISO
  • WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA
  • Zvinotaurwa neBhaibheri Ndezvechokwadi Here?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
  • Bhaibheri—Bhuku Rakabva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Bhaibheri Ringakubatsira Sei?
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
Ona Zvimwe
Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Zvidzidzo Zvekutanga Zvekosi yeBhaibheri
lffi chidzidzo 3
Chidzidzo 3. Zvinyorwa zvekare zviri patafura.

CHIDZIDZO 03

Zvinotaurwa neBhaibheri Ndezvechokwadi Here?

Rakaprindwa
Rakaprindwa
Rakaprindwa

Bhaibheri rine zvakawanda zvarinovimbisa uye rinopa mazano akawanda. Pamwe unoda kuziva zvarinotaura, asi hauna chokwadi kuti ungavimba here nezvinhu zvinotaurwa nebhuku iroro rakanyorwa kare kare. Ungabvuma zvinotaurwa neBhaibheri nezvekurarama upenyu hunofadza iye zvino uye mune ramangwana here? Zviuru nezviuru zvevanhu zviri kuzvibvuma. Tinokumbira kuti newewo uongorore wega.

1. Zvinotaurwa neBhaibheri zvakanyatsoitika here kana kuti ndezvekungofungidzira?

Bhaibheri rinotaura kuti rine “mashoko akarurama echokwadi.” (Muparidzi 12:10) Rinorondedzera zvinhu zvakanyatsoitika uye vanhu chaivo vaitovako. (Verengai Ruka 1:3; 3:1, 2.) Vaongorori vezvakaitika kare vakawanda vakawana uchapupu hwekuti zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi, kubvira pavanhu vanotaurwa imomo, nzvimbo, zviitiko nemisi yazvakaitika.

2. Chii chinoratidza kuti Bhaibheri richiri kushanda kunyange riri rekare?

Zvakawanda zvinotaurwa neBhaibheri zvakanga zvisingazivikanwi panguva yazvakanyorwa. Chimbofunga zvarinotaura panyaya dzesainzi. Zvakawanda zvarinotaura panyaya dzesainzi zvaisabvumwa nevanhu panguva yazvakanyorwa. Asi nyanzvi dzesainzi mazuva ano dzakazoona kuti zvakataurwa neBhaibheri ndizvo chaizvo. Tinogona kuvimba naro “iye zvino uye nekusingaperi.”—Pisarema 111:8.

3. Tingaziva sei kuti zvinotaurwa neBhaibheri nezveramangwana ndezvechokwadi?

Bhaibheri rine uprofita hunogara hwataura “zvinhu zvisati zvaitwa.” (Isaya 46:10) Rakanyatsotaura zvinhu zvakawanda nemazvo zvichiine makore zvisati zvaitika. Rakatsanangurawo zvatiri kuona zvichiitika panyika iye zvino. Muchidzidzo chino, tichaongorora humwe uprofita huri muBhaibheri. Uprofita hwacho hwakazadziswa zvinoshamisa!

WEDZERA KUONGORORA

Ongorora kuti Bhaibheri rinoenderana sei nesainzi, uye cherechedza humwe uprofita hushomanana hunoshamisa hwemuBhaibheri.

4. Sainzi inoenderana neBhaibheri

Kare kare, vanhu vakawanda vaifunga kuti nyika ine payakagara. Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Nyika Yakarembedzwa Pasina Chinhu (1:13)

Cherechedza zvakataurwa naJobho makore 3 500 apfuura. Verengai Jobho 26:7, mobva makurukura mubvunzo unotevera:

  • Nei mashoko ekuti nyika ‘yakarembedzwa pasina chinhu’ achishamisa kana tichitarisa nguva yaakanyorwa?

Vanhu vakatozonzwisisa nezvemafambiro anoita mvura kubva panyika ichizonayazve mumakore ekuma1800. Asi inzwa zvakataurwa neBhaibheri zviuru zvemakore zvakapfuura. Verengai Jobho 36:27, 28, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Nei tsanangudzo iyi yemafambiro anoita mvura ichishamisa kana tichitarisa nguva yayakanyorwa?

  • Mavhesi awaverenga asimbisa kuvimba kwaunoita neBhaibheri here?

Bhaibheri rinotsanangura mafambiro anoita mvura kubva panyika ichizonaya. Mufananidzo uri kuratidza mafambiro anoita mvura ichibva panyika yoita makore yozonayazve.

5. Bhaibheri rakagara rataura zvinhu zvinokosha zvaizoitika

Verengai Isaya 44:27–45:2, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Ndezvipi zvakagara zvataurwa neBhaibheri pachiine makore 200 kuti zvaizoitika paizoparadzwa Bhabhironi?

Ngationei VHIDHIYO.

VHIDHIYO: Bhaibheri Rakagara Rataura Nezvekuparadzwa kweBhabhironi (0:58)

Vanoongorora zvakaitika kare vanobvuma kuti Mambo Koreshi wePezhiya, nemauto ake vakakunda Bhabhironi muna 539 B.C.E.a Vakachera mugero ukaita kuti mvura yemurwizi rwaidzivirira guta iyerere ichienda kumwe. Pavakapinda muguta nepamagedhi akanga asiyiwa asina kuvharwa, vakakunda guta racho pasina kumborwa. Izvi zvakaitika makore 2 500 apfuura uye nanhasi, Bhabhironi richiri matongo. Inzwa zvakagara zvataurwa neBhaibheri.

Verengai Isaya 13:19, 20, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Zvakaita Bhabhironi iye zvino zvinoratidza sei kuti uprofita uhwu hwakazadziswa?

Matongo eBhabhironi ari muIraq

Mapikicha: Mamiriro akaita zvinhu ‘mumazuva ekupedzisira’ akagara ataurwa neBhaibheri. 1. Zvivakwa zviri kutsva. 2. Musoja ari kuridza pfuti. 3. Vanhu vari kurwa nemupurisa. 4. Mbavha mbiri dziri kuba muchitoro. 5. Masoja ari kurwisa guta. 6. Vanhu vakamira mumutsetse kuti vapiwe zvekudya. 7. Nzvimbo isina kunaya mvura yaoma zvekuti pasi pava kutsemuka. 8. Imba yaparadzwa nekudengenyeka kwenyika.

6. Bhaibheri rakagara rataura zvinhu zvatiri kuona zvichitoitika mazuva ano

Bhaibheri rinotaura nezvenguva yatiri kurarama richiti “mazuva ekupedzisira.” (2 Timoti 3:1) Inzwa zvakagara zvataurwa neBhaibheri kuti zvaizoitika.

Verengai Mateu 24:6, 7, mobva makurukura muchishandisa mubvunzo unotevera:

  • Bhaibheri rakagara rataura kuti zvinhu zvaizenge zvakamira sei mumazuva ekupedzisira?

Verengai 2 Timoti 3:1-5, mobva makurukura muchishandisa mibvunzo inotevera:

  • Bhaibheri rakataura kuti mumazuva ekupedzisira kwaizova nevanhu vakaita sei?

  • Ndezvipi zvawakaonawo iwe pachako?

VAMWE VANOTI: “Bhaibheri rakazara nenyaya dzekufungidzira uye dzekunyepa.”

  • Sekuona kwako, ndehupi uchapupu hwakasimba hwekuti Bhaibheri nderechokwadi?

PFUPISO

Patinoongorora zvakaitika kare, sainzi, uye uprofita, tinobva tanyatsoona kuti Bhaibheri nderechokwadi.

Kudzokorora

  • Zvinhu zvinotaurwa neBhaibheri ndezvechokwadi here kana kuti ndezvekungofungidzira?

  • Ndezvipi zvinoratidza kuti Bhaibheri rinopindirana nesainzi?

  • Unofunga kuti Bhaibheri rinotaura zvinhu zvichaitika here? Nei uchidaro?

Edza Izvi

WEDZERA PANE ZVAWADZIDZA

Bhaibheri pane parinopesana nesainzi here?

“Sainzi Inowirirana Nezviri muBhaibheri Here?” (Nyaya iri paIndaneti)

Zvinhu zvakamira sei “mumazuva ekupedzisira”?

“Uprofita hweBhaibheri Hutanhatu Hwauri Kuona Huchizadzika” (Nharireyomurindi, May 1, 2011)

Dzidza kuti uprofita hweBhaibheri pamusoro peUmambo hweGirisi hwakazadziswa sei.

Kusimbiswa “Neshoko Reuprofita” (5:22)

Inzwa kuti uprofita hwemuBhaibheri hwakachinja sei maonero aiita mumwe murume Bhaibheri.

“Ndaiti Mwari Haako” (Nharireyomurindi, Nhamba 5 2017)

a B.C.E.—Before the Common Era (Kristu asati aberekwa); C.E.—Common Era (Pashure pekunge Kristu aberekwa).

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe