RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 3
  • Iva Netsitsi Uye Mutsa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Netsitsi Uye Mutsa
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akazviratidza Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
  • Tevedzera Jesu
  • Kufarira Vanhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Zvaunoita Ngazvitungamirirwe ‘Nemutemo Wemutsa’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuratidza Mutsa Munyika Ine Utsinye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Fadza Jehovha Kupfurikidza Nokuratidza Mutsa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 3

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

Jesu achibata murume asingaoni zvinyoronyoro kuti amuporese.

Joh. 9:​1-7

CHIDZIDZO 3

Iva Netsitsi Uye Mutsa

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo rune . . . mutsa.”—1 VaK. 13:4.

Jesu Akazviratidza Sei?

Jesu achibata murume asingaoni zvinyoronyoro kuti amuporese.

VHIDHIYO: Jesu Anoporesa Murume Akaberekwa Ari Bofu

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 9:​1-7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Ndechipi chakatanga chaitwa naJesu, kuporesa murume uyu kana kuti kumuparidzira?—Ona Joh. 9:​35-38.

  2. Unofunga kuti nei zvakaitwa naJesu zvingave zvakabatsira kuti murume uyu ade kugamuchira mashoko akanaka?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Munhu anowanzoteerera zvatinenge tichitaura kana aona kuti tine hanya naye.

Tevedzera Jesu

3. Edza kunzwisisa kuti munhu ari kunzwa sei. Funga kuti dai uri iwe wainzwa sei.

  1. Zvibvunze kuti: ‘Angave aine dambudziko ripi? Ndingamubatsira sei uye ndingaita sei kuti afare?’ Kuita izvozvo kuchaita kuti paunoitira munhu zvakanaka zvinyatsoratidza kuti wazviita nemwoyo wese.

  2. Ratidza kuti une hanya nemunhu nekuteerera paanenge achitaura. Kana akakutaurira kuti ari kunzwa sei kana kuti ane dambudziko raainaro, usachinja nyaya.

4. Taura naye zvakanaka uye neruremekedzo. Kana uchinzwira munhu tsitsi uye uine chido chekumubatsira zvinooneka pamatauriro ako. Nyatsosarudza mashoko ekushandisa uye ngwarira zvinenge zvakaita inzwi rako.

5. Mubatsire. Tsvaga mikana yekumubatsirawo pane zvaanenge achida. Kubatsira munhu kunovhura mikana yekukurukura.

ONAWO

VaR. 12:​15, 16; VaG. 6:10; VaH. 13:16

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe