RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 1
  • Kufarira Vanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kufarira Vanhu
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akazviratidza Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
  • Tevedzera Jesu
  • Tanga Nyaya Sematauriro Aunongoita Nguva Dzese
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kukurukura Uine Chinangwa Chekuzoparidza
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2018
  • Mavandudzirwo Ounyanzvi Hwokukurukurirana
    Batsirwa Nedzidzo Yechikoro chaMwari Choushumiri
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kutanga Kutaura Nemunhu Kuti Uparidze Zvisina Kurongwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2014
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 1

KUTANGA KUKURUKURA NEVANHU

Jesu achikurukura nemukadzi patsime.

Joh. 4:6-9

CHIDZIDZO 1

Farira Vanhu

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo . . . harutsvagi zvakarunakira.”—1 VaK. 13:​4, 5.

Jesu Akazviratidza Sei?

Jesu achikurukura nemukadzi patsime.

VHIDHIYO: Jesu Anoparidzira Mukadzi Patsime

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 4:6-9, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Jesu akacherechedza chii asati atanga kutaura nemukadzi uyu?

  2. Jesu akati: “Ndipeiwo mvura yekunwa.” Nei nzira yaakashandisa kutanga kutaura nemukadzi uyu yakabudirira?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Kazhinji tinobudirira kukurukura nemunhu kana tikatanga nenyaya yatiri kuona kuti ndiyo yaari kufunga nezvayo.

Tevedzera Jesu

3. Gara wakagadzirira kuchinja. Usarambirira pamharidzo yawauya wakaronga iwewe. Tanga kukurukura nevanhu uchishandisa nyaya yavari kufunga nezvayo musi iwoyo. Zvibvunze kuti:

  1. ‘Inyaya dzipi dziri munhau?’

  2. ‘Vavakidzani vangu, vanhu vandinoshanda navo, kana kuti vandinodzidza navo kuchikoro, vari kutaura nezvei?’

4. Cherechedza. Zvibvunze kuti:

  1. ‘Munhu wacho ari kuitei iye zvino? Anogona kunge ari kufunga nezvei?’

  2. ‘Mapfekero aakaita kana kuti zvakaita pamba pake zvinoratidza chimwe chinhu nezvechechi yake kana kuti zvaanotenda here?’

  3. ‘Wamusvikira panguva yakanaka here?’

5. Teerera.

  1. Usataurisa.

  2. Batsira munhu kuti asununguke kutaura zvaari kufunga. Pazvinenge zvakakodzera, bvunza mibvunzo.

ONAWO

Mat. 7:12; 1 VaK. 9:​20-23; VaF. 2:4; Jak. 1:19

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe