RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • lmd chidzidzo 8
  • Iva Nemwoyo Murefu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Iva Nemwoyo Murefu
  • Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jesu Akazviratidza Sei?
  • Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?
  • Tevedzera Jesu
  • Ramba Uine Mwoyo Murefu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
  • Kuvandudza Unyanzvi Hwedu Muushumiri—Kushandisa Mavhidhiyo Pakudzidzisa
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa (2016)
  • Batsirwa Nechibayiro chaJesu
    Dzimwe Nyaya
  • Kufarira Vanhu
    Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
Ona Zvimwe
Iva Nerudo Nevanhu—Vabatsire Kuti Vave Vadzidzi
lmd chidzidzo 8

KUDZOKERA KUVANHU VAKARATIDZA KUFARIRA

Jesu achizviratidza kumunin’ina wake Jakobho muimba yekuvezera uye Jakobho achishamiswa kumuona.

Joh. 7:​3-5; 1 VaK. 15:​3, 4, 7

CHIDZIDZO 8

Iva Nemwoyo Murefu

Rugwaro rwuri kutungamirira: “Rudo rune mwoyo murefu.”—1 VaK. 13:4.

Jesu Akazviratidza Sei?

Jesu achizviratidza kumunin’ina wake Jakobho muimba yekuvezera uye Jakobho achishamiswa kumuona.

VHIDHIYO: Jesu Akaratidza Mwoyo Murefu Pakubatsira Munin’ina Wake

1. Ona VHIDHIYO, kana kuti verenga Johani 7:​3-5 uye 1 VaKorinde 15:​3, 4, 7, woedza kupindura mibvunzo inotevera:

  1. Munin’ina waJesu akatanga achiona sei zvaiparidzwa naJesu?

  2. Chii chinoratidza kuti Jesu haana kurasa tariro pamunin’ina wake Jakobho?

Tinodzidzei Pane Zvakaitwa naJesu?

2. Tinofanira kuva nemwoyo murefu nekuti vamwe vanhu vanotora nguva vasati vagamuchira mashoko akanaka.

Tevedzera Jesu

3. Dzimwe nzira dzikaramba, edza kushandisa dzimwe. Kana munhu akasabvuma kudzidza Bhaibheri pakare ipapo usamumanikidza. Kana uchiona zvichiita, shandisa mavhidhiyo kana kuti dzimwe nyaya kumubatsira kunzwisisa kuti chii chinenge chichiitwa pachidzidzo cheBhaibheri uye kuti chichamubatsira sei.

4. Ziva kuti vanhu havafanani. Funga nezvemunhu mumwe nemumwe sezvaari. Kana mumwe munhu wemumba menyu kana wawakaparidzira achiramba chidzidzo cheBhaibheri kana kuti imwe dzidziso yeBhaibheri, funga kuti chii chinogona kunge chichikonzera kuti adaro. Pane imwe dzidziso yezvitendero zvenhema yakamuomera kusiya here? Ari kupikiswa neveukama kana kuti vavakidzani here? Mupe nguva yekumbonyatsofunga zvauri kutaura uye yekuona kuti zvinotaurwa neBhaibheri zvinokosha zvakadii.

5. Nyengetera nezvemunhu wacho anofarira. Kumbira Jehovha kuti akubatsire kuti urambe uine tariro uye kuti ungwarire matauriro ako. Nyengetera kuti uzive kuti ndepapi paungaregedza kuramba uchishanyira munhu asiri kunyatsofarira.—1 VaK. 9:26.

ONAWO

Mako 4:​26-28; 1 VaK. 3:​5-9; 2 Pet. 3:9

    Mabhuku eChiShona (1973-2025)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe